1Zvino mazuva aDhavhidhi okufa kwake akaswedera, akaraira Soromoni mwanakomana wake, akati,
1大衛給所羅門的遺訓大衛的死期近了,就囑咐他的兒子所羅門說:
2Ini ndoenda nenzira yenyika yose; naizvozvo iva nesimba, uve murume chaiye.
2“我現在要走世人必走的路了,你當堅強作大丈夫,
3Chengeta zvawakarairwa naJehovha Mwari wako, kuti ufambe nenzira dzake, uchichengeta zvaakatema, nemirairo yake, nezvaakatonga, nezvipupuriro zvake, sezvazvakanyorwa pamurayiro waMozisi, kuti ufare pazvose zvaunoita, uye kose kwaunoenda.
3謹守耶和華你 神所吩咐的,遵行他的道,按摩西律法所寫的,謹守他的律例、誡命、典章和法度;這樣,無論你作甚麼,無論你往哪裡去,都可以亨通。
4Kuti Jehovha asimbise shoko rake raakataura pamusoro pangu, achiti, Kana vana vako vakachenjera panzira dzavo, kuti vafambe pamberi pangu nechokwadi nomoyo wavo wose uye nomweya wavo wose (ndizvo zvaakataura), hakungazoshaikwi munhu pachigaro choushe chaIsiraeri.
4這樣,耶和華必堅立他所說有關我的話,說:‘如果你的子孫謹慎自己所行的,一心一意、誠誠實實行在我面前,就不斷有人坐以色列的王位了。’
5Uye unozivawo zvandakaitirwa naJoabhu, mwanakomana waZeruya, izvo zvaakaitira vakuru vaviri vehondo dzaIsiraeri, vanaAbhineri mwanakomana waNeri, naAmasa mwanakomana waJeteri, vaakauraya, akateura panguva yorugare ropa raifanira kuteurwa panguva yokurwa, akaisa ropa rokurwa pabhanhire rakanga riri pachiuno chake, nomushangu dzake dzakanga dziri patsoka dzake.
5你也要知道洗魯雅的兒子約押對我所行的,就是對以色列的兩個元帥:尼珥的兒子押尼珥和益帖的兒子亞瑪撒所行的。他殺了他們,在和平的時候流他們的血,像作戰時一樣,把戰爭的血染在他腰間所束的帶子上和腳上所穿的鞋子上。
6Naizvozvo ita nokuziva kwako, urege kutendera musoro wake wachena kuburukira muhwiro norugare.
6所以你要憑你的智慧而行,不要讓他白髮到老,平平安安下到陰間。
7Asi vanakomana vaBharizirai muGiriyadhi, uvaitire unyoro, vave pakati paivo vanodya patafura yako; nekuti vakauya kwandiri saizvozvo panguva yandakatiza pamberi paAbhusaromu mukuru wako.
7但是你要恩待基列人巴西萊的眾子,使他們與你同席吃飯,因為我逃避你哥哥押沙龍的時候,他們拿食物來迎接我。
8Tarira, kwauri kuna Shimei mwanakomana waGera, muBhenjamini weBhahurimi, iye, wakandituka nokutuka kwakaipa pazuva randakanga ndichienda Mahanaimi; asi wakazouya akasangana neni paJoridhani, ndikamupikira naJehovha, ndikati, Handingakuurayi nomunondo.
8與你在一起的有巴戶琳的便雅憫人基拉的兒子示每;我往瑪哈念去的那天,他用狠毒的咒語咒罵我。後來他下到約旦河來迎接我的時候,我就指著耶和華向他起誓,說:‘我必不用刀殺死你。’
9Asi zvino usamurega ave somunhu usine mhosva, nekuti iwe uri munhu wakachenjera; uchaziva hako zvaunofanira kumuitira, unofanira kuburusira musoro wake wachena muhwiro neropa.
9現在,你不要以他為無罪,你是個聰明人,你必知道該怎樣待他,使他白髮蒼蒼流血下到陰間。”
10Dhavhidi akazovata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi.
10大衛逝世大衛與他的列祖同睡,葬在大衛城裡。
11Nguva yakabata Dhavhidhi ushe hwaIsiraeri aiva makore makumi mana; akabata paHebhuroni makore manomwe, uye akabata paJerusaremu makore makumi matatu namatatu.
11大衛作以色列王四十年:在希伯崙作王七年;在耶路撒冷作王三十三年。
12Zvino Soromoni akagara pachigaro choushe chababa vake Dhavhidhi; ushe hwake hukasimba kwazvo.
12於是所羅門坐在他父親的王位上,他的國非常穩固。
13Ipapo Adhonia mwanakomana waHagiti, akasvika kuna Bhati-shebha mai vaSoromoni. Ivo vakati, Unouya norugare here? Iye akati, Hongu, norugare.
13亞多尼雅求娶亞比煞為妻哈及的兒子亞多尼雅去見所羅門的母親拔示巴,拔示巴問他:“你來是為和平嗎?”他回答:“是為和平來的。”
14Akatizve, Ndine chimwe chandinoda kukuudzai. Ivo vakati, Taura hako.
14他又說:“我有話對你說。”拔示巴說:“你說吧!”
15Akati, Munoziva kuti ushe hwaiva hwangu, meso avalsiraeri vose ainditarira, kuti ndive mambo; asi ushe hwakashandurwa, hukazova hwomunin'ina wangu, nekuti hwakanga huri hwake nokuda kwaJehovha.
15亞多尼雅說:“你知道這國位原是我的,以色列眾人都希望我作王;不料國位反歸了我的弟弟,因為他得著國位是出於耶和華。
16Zvino ndinokumbira chinhu chimwe choga kwamuri; musandirambira henyu chinhu icho. Ivo vakati kwaari, Taura hako.
16現在我有一事請求你,請你不要拒絕。”拔示巴對他說:“你說吧!”
17Akati, Dotauriranai henyu namambo Soromoni, nekuti haangakurambiriyi chinhu, kuti andipe Abhishagi muShunami, ave mukadzi wangu.
17他說:“求你向所羅門王說,請他把書念的女子亞比煞賜給我作妻子,因為他必不會拒絕你。”
18Bhati-shebha akati, Ndizvo hazvo, ndichakurevera kuna mambo.
18拔示巴說:“好吧,我必為你向王請求。”
19Naizvozvo Bhati-shebha akaenda kuna mambo Soromoni kundorevera Adhonia. Mambo akasimuka kuzosangana naye, akakotama pamberi pake, akagara pachigaro choushe, akaraira kuti chigaro choushe chigadzirirwe mai vamambo; ivo vakagara kurutivi rwake rworudyi.
19亞多尼雅自取滅亡於是拔示巴去見所羅門王,為亞多尼雅的事向他請求。王起來迎接她,向她下拜,然後坐在自己的王座上,又吩咐人為王的母親擺設一個座位;她就坐在王的右邊。
20Ipapo vakati, Ndinokumbira kwauri chinhu chiduku; usandirambira hako chinhu ichi. Mambo akati kwavari, Kumbirai henyu, mai vangu, nekuti handingakurambiriyi icho.
20拔示巴說:“我有一件小事求你,請不要拒絕我。”王對她說:“母親,你說吧,我必不會拒絕你。”
21Vakati, Adhonia mukuru wako ngaapiwe Abhishagi muShunami, ave mukadzi wake.
21拔示巴說:“請把書念的女子亞比煞賜給你哥哥亞多尼雅作妻子。”
22Ipapo mambo Soromoni akapindura, akati kuna mai vake, Munokumbirira Adhonia Abhishagi muShunami neiko? Mumukumbirireiwo ushe, nekuti ndiye mukuru wangu; mumukumbirirei iye, naAbhiatari mupristi, naJoabhu mwanakomana waZeruya.
22所羅門王回答他母親,說:“你為甚麼要為亞多尼雅求書念的女子亞比煞呢?你也可以為他求這個國位,因為他是我的哥哥,又有亞比亞他祭司和洗魯雅的兒子約押擁護他。”
23Ipapo mambo Soromoni akapika naJehovha, akati, Mwari ngaandirove, arambe achidaro, Adhonia ucharipira shoko iri noupenyu hwake.
23於是所羅門王指著耶和華起誓,說:“如果亞多尼雅不因說了這話而送命,願 神懲罰我,並且加倍懲罰我。
24Naizvozvo zvino, naJehovha mupenyu, iye wakandisimbisa, akandigadza pachigaro choushe chababa vangu Dhavhidhi, akandimutsira imba sezvaakandipikira, zvirokwazvo Adhonia uchaurawa nhasi.
24現在,我指著永活的耶和華──那位堅立了我,使我坐在我父親大衛的王位上,又照他所應許,為我建立家室的──起誓,今天亞多尼雅必被處死!”
25Ipapo mambo Soromoni akatuma Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, iye akamuvamba akamuuraya.
25於是,所羅門王差派耶何耶大的兒子比拿雅去擊殺亞多尼雅,他就死了。
26Mambo akati kuna Abhiatari mupristi, Enda Anatoti kunyika yako, nekuti waifanira kufa; asi handingakuurayi nhasi, nekuti wakambotakura areka yaJehovha Mwari pamberi pababa vangu Dhavhidhi, uye nekuti wakatambudzika pamwechete nababa vangu pakutambudzika kwavo kose.
26亞比亞他被革職王對亞比亞他祭司說:“你回亞拿突自己的田地去吧!你本來是該死的,但我今天不殺死你,因為你在我父親大衛面前抬過主耶和華的約櫃,又與我父親同受一切苦難。”
27Naizvozvo Soromoni akadzinga Abhiatari, kuti arege kuva mupristi pamberi paJehovha; kuti aite shoko raJehovha, raakanga ataura pamusoro peimba yaEri paShiro.
27所羅門就罷免了亞比亞他,不准他作耶和華的祭司,這樣就應驗了耶和華在示羅所說有關以利家的話。
28Zvino shoko iro rikasvika kuna Joabhu, nekuti Joabhu wakange atevera Adhonia, kunyange asina kutevera Abhusaromu. Joabhu akatizira kuTende raJehovha, akandobata nyanga dzeatari.
28約押被處死約押雖然沒有擁護過押沙龍,但曾擁護亞多尼雅;這消息傳到約押那裡,他就逃到耶和華的帳幕裡去,抓緊祭壇的角。
29Ipapo mambo Soromoni akaudzwa, zvichinzi, Joabhu watizira kuTende raJehovha, tarirai, ari paatari. Ipapo Soromoni akatuma Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, akati, Enda undomuvamba.
29有人告訴所羅門王約押逃到耶和華的帳幕裡去了,現在就在祭壇的旁邊。於是所羅門差派耶何耶大的兒子比拿雅去說:“你去把他殺死。”
30Bhenaya akaenda kuTende raJehovha, akati kwaari, Zvanzi namambo, Budai! Iye akati, Kwete, ndichafira pano hangu. Bhenaya akaudza mambozve, akati, Ndizvo zvataura Joabhu, ndizvo zvaandipindura.
30比拿雅來到耶和華的帳幕那裡,對約押說:“王這樣吩咐說:‘你出來!’”約押說:“我不出去!我要死在這裡。”於是比拿雅回覆王說:“約押這樣說,他這樣回答我。”
31Ipapo mambo akati kwaari, Ita sezvaataura, umuvambe, ugomuviga; kuti ubvise kwandiri napaimba yababa vangu ropa rakateurwa naJoabhu rakanga risine mhosva.
31王對比拿雅說:“你照著約押的話行吧!殺死他,把他埋葬,好叫約押所流無辜人的血,從我和我父的家除去。
32Jehovha uchadzosera ropa rake pamusoro wake, nekuti wakauraya vanhu vaviri vakanga vakamupfuura pakururama nokunaka, akavauraya nomunondo, baba vangu Dhavhidhi vasingazvizivi, iye Abhineri mwanakomana waNeri, mukuru wehondo yaIsiraeri, naAmasa mwanakomana waJeteri, mukuru wehondo yaJudha.
32耶和華必使約押流無辜人的血的罪歸到他自己頭上,因為他擊殺了兩個比他又公義又良善的人,就是用刀殺了以色列的元帥尼珥的兒子押尼珥,和猶大的元帥益帖的兒子亞瑪撒,這事我的父親大衛一點都不知道。
33Naizvozvo ropa ravo richadzokera pamusoro waJoabhu napamisoro yorudzi rwake nokusingaperi; asi rugare runobva kuna Jehovha ruchava naDhavhidhi, norudzi rwake, neimba yake, nechigaro chake choushe nokusingaperi.
33願流這二人的血的罪歸到約押和他後裔的頭上,直到永遠;但大衛和他的後裔,他的家和他的國卻要從耶和華那裡得享平安,直到永遠。”
34Ipapo Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, akaenda, akamuvamba, ndokuuraya; akavigwa mumba make murenje.
34於是耶何耶大的兒子比拿雅上去擊殺他,把他殺死,葬在曠野約押自己的家中。
35Zvino mambo akagadza Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, panzvimbo yake ave mukuru wehondo; mambo akagadzawo Zadhoki ave mupristi panzvimbo yaAbhiatari.
35王任命耶何耶大的兒子比拿雅取代約押統領軍隊;又任命撒督祭司取代亞比亞他的職位。
36Mambo akatuma munhu kundodana Shimei, akati kwaari, Uzvivakire imba paJerusaremu, ugarepo, usabvapo uchienda kumwe.
36示每違命與死亡王派人去把示每召來,對他說:“你要為自己在耶路撒冷建造一座房屋,住在那裡,不可從那裡出來到任何別的地方去。
37Nekuti nomusi waunobuda nawo, ukayambuka rukova Kidhironi, uzive kwazvo kuti uchaurawa zvirokwazvo; ropa rako richava pamusoro wako.
37你必須知道,你哪一天出來,越過汲淪溪,你哪一天就要死。你流人血的罪必歸到你自己的頭上。”
38Ipapo Shimei akati kuna mambo, Ishoko rakanaka; muranda wenyu uchaita sezvakarehwa nashe wangu mambo. Shimei akagara mazuva mazhinji paJerusaremu.
38示每對王說:“這話很好,我主我王怎麼說,你僕人就照著行。”於是示每在耶路撒冷住了很久。
39Zvino makore matatu akati apfuura, varanda vaviri vaShimei vakatizira kuna Akishi mwanakomana waMaaka, mambo weGati. Vakaudza Shimei, vachiti, Tarira varanda vako vari Gati.
39三年以後,示每的兩個僕人逃到迦特王瑪迦的兒子亞吉那裡。有人告訴示每說:“你的僕人在迦特。”
40Ipapo Shimei akasimuka, akasungira chigaro pambongoro yake, akaenda Gati kuna Akishi, kundotsvaka varanda vake; Shimei akatora varanda vake Gati.
40於是示每起來,預備好自己的騾子,就往迦特亞吉王那裡去尋找他的僕人。示每去了,又把他的僕人從迦特帶回來。
41Zvino Soromoni akaudzwa kuti Shimei wakange abuda Jerusaremu, akaenda Gati, akadzokazve.
41有人告訴所羅門示每離開耶路撒冷往迦特去,又回來了。
42Mambo akatuma munhu kundodana Shimei, akati kwaari, Handina kukupikisa naJehovha here, ndikakunyevera, ndichiti, Uzive kwazvo kuti nomusi waunobuda nawo, ukafamba kumwe, uchaurawa zvirokwazvo? Iwe ukati kwandiri, Shoko randanzwa rakanaka.
42王就派人把示每召來,對他說:“我不是叫你指著耶和華起誓,並且警告你:‘你必須知道,你哪一天出去到任何別的地方,你哪一天就要死’嗎?你也對我說過:‘這話很好,我必聽從。’
43Zvino wakaregereiko kuchengeta mhiko yawakapika kuna Jehovha, nomurayiro wandakakuraira?
43現在你為甚麼不遵守你向耶和華所起的誓,和我吩咐你的命令呢?”
44Mambo akatiwo kuna Shimei, Iwe unoziva kwazvo zvakaipa zvose zvawakaitira baba vangu Dhavhidhi; naizvozvo Jehovha uchadzosera zvakaipa zvako pamusoro wako.
44王又對示每說:“你自己知道你心裡的一切惡事,就是你向我父親大衛所行的;現在耶和華要把你的罪歸到你的頭上。
45Asi mambo Soromoni ucharopafadzwa, nechigaro choushe chaDhavhidhi chichasimbiswa pamberi paJehovha nokusingaperi.
45所羅門王卻要蒙福,大衛的王位必在耶和華眼前得堅立,直到永遠。”
46Naizvozvo mambo akaraira Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, iye akaenda, akandomuvamba, ndokumuuraya. Naizvozvo ushe, hwakanga hwakabatwa naSoromoni, hwakasimbiswa.
46於是王命令耶何耶大的兒子比拿雅,比拿雅就出去擊殺示每,示每就死了。這樣,所羅門就鞏固了他的國。