Shona

聖經新譯本

1 Samuel

16

1Zvino Jehovha wakati kuna Samueri, Uchachema Sauro kusvikira rinhiko, zvandakamuramba ini, kuti arege kuva mambo waIsiraeri? Zadza gonamombe rako namafuta, uende, ndikutume kuna Jese muBheterehemu; nekuti ndakazvitsvakira mambo pakati pavana vake.
1撒母耳往伯利恆見耶西耶和華對撒母耳說:“你為掃羅悲哀要到幾時呢?我已經棄絕他作以色列的王了。你把膏油盛滿了角,然後去吧!我要差派你到伯利恆人耶西那裡去,因為我在他的眾子中,已經預定了一個為我作王。”
2Samueri akati, Ndingaenda seiko? Kana Sauro akazvinzwa, uchandiuraya. Jehovha akati, Enda netsiru, uti, Ndauya kuzobayira Jehovha.
2撒母耳說:“我怎能去呢?掃羅聽見了,必定殺我。”耶和華說:“你可以帶一頭母牛犢去,就說:‘我來是要向耶和華獻祭。’
3Zvino udane Jese auye kuchibayiro, ini ndichakuzivisa zvaunofanira kuita, ugondizodzera wandichakuratidza.
3你要請耶西參加獻祭的筵席,我就會指示你當作的。我指示你的那人,你要為我膏立他。”
4Samueri akaita zvakataurwa naJehovha, akaenda Bheterehemu. Vakuru veguta vakandosangana naye, vachibvunda, vakati, Mauya norugare here?
4於是撒母耳照著耶和華的話去行。他到了伯利恆的時候,城裡的長老就都戰戰兢兢地出來迎接他,說:“你是為平安來的嗎?”
5Akati, Hongu, norugare; ndauya kuzobayira Jehovha, muzvinatsei, muende neni kundobayira. Ipapo akanatsa Jese navanakomana vake, akavadana kuchibayiro.
5他回答:“是為平安來的。我來是要向耶和華獻祭。你們要自潔,與我一同參加獻祭的筵席。”撒母耳使耶西和他的兒子自潔,邀請他們來參加獻祭的筵席。
6Zvino vakati vasvika, akatarira Eriabhu, akati, Zvirokwazvo, muzodzwa waJehovha uri pamberi pake.
6撒母耳膏立大衛為王他們來到的時候,撒母耳看見以利押,就心裡想:“在耶和華面前的這位,必是他所要膏立的。”
7Asi Jehovha wakati kuna Samueri, Usatarira chiso chake, kana mumhu wake, nekuti ndamuramba; nekuti Jehovha haawoni somunhu, nekuti munhu unotarira zviri pamberi pameso, asi Jehovha unotarira zviri pamoyo.
7但耶和華對撒母耳說:“不要看他的外貌和他高大的身材,因為我不揀選他。耶和華看人不像人看人,人是看外表,耶和華是看內心。”
8Zvino Jese akadana Abhinadhabhu, akamupfuudza pamberi paSamueri. Akati, Kunyange nouyu Jehovha haana kumutsaura.
8耶西叫亞比拿達在撒母耳面前經過,撒母耳說:“這也不是耶和華所揀選的。”
9Zvino Jese akapfuudza Shama. Akati, Nouyu Jehovha haana kumutsaura.
9耶西又叫沙瑪經過。撒母耳說:“耶和華也不揀選這個。”
10Jese akapfuudza vanomwe vavanakomana vake pamberi paSamueri. Samueri akati kuna Jese, Jehovha haana kutsaura ava.
10耶西叫他的七個兒子都在撒母耳面前經過。但撒母耳對耶西說:“這些都不是耶和華所揀選的。”
11Zvino Samueri akati kuna Jese, Vana vako varipano vose here? Akati, Muduku kuna vose ndiye wasara; tarirai unorisa makwai. Samueri akati kuna Jese, Tuma munhu amutore, nekuti hatingagari pakudya kusvika iye auya pano.
11撒母耳問耶西:“孩子們全都在這裡嗎?”耶西回答:“還有一個最小的,正在牧羊。”撒母耳對耶西說:“你派人去把他帶回來,因為他沒有來到以前,我們決不入席。”
12Akatuma munhu, akapinda naye. Zvino wakange ari -mutsvuku, akanaka kumeso, ano muviri wakanaka. Jehovha akati, Simuka, umuzodze, nekuti ndiye.
12耶西就派人去把大衛帶回來。他面色紅潤,眼目清秀,外貌英俊。耶和華說:“就是這一個,你起來膏立他吧!”
13Ipapo Samueri akatora gonamombe ramafuta, akamuzodza pakati pehama dzake. Mweya waJehovha akauya pamusoro paDhavhidhi nesimba, kubva pazuva iro zvichienda mberi. Zvino Samueri akasimuka, akaenda Rama.
13撒母耳就拿起盛油的角,在他的兄長中膏立他。從那天起,耶和華的靈就大大感動大衛。後來撒母耳動身往拉瑪去了。
14Zvino Mweya waJehovha wakange wabva kuna Sauro, mweya wetsvina wakange watumwa naJehovha, ukamuvhundusa.
14大衛被召入宮為掃羅彈琴耶和華的靈離開了掃羅。有惡鬼從耶和華那裡來驚擾他。
15Varanda vaSauro vakati kwaari, Tarirai zvino, mweya wakaipa, wakatumwa naMwari, unokuvhundusai.
15掃羅的臣僕對他說:“看哪!有惡鬼從 神那裡來驚擾你。
16Zvino tenzi wedu ngaatiraire isu varanda venyu vari pamberi penyu, kuti titsvake munhu unoziva kuridza mbira kwazvo; zvino kana mweya wakaipa, unotumwa naMwari, uchiuya pamusoro penyu, iye aridze noruoko rwake, mupore.
16願我們的主吩咐你面前的臣僕,去尋找一位善於彈琴的人;從 神那裡來的靈臨到你身上的時候,他可以彈琴,你就好了。”
17Sauro akati kuvaranda vake, Chinditsvakirai munhu unogona kuridza zvakanaka, muuye naye kwandiri.
17掃羅對他的臣僕說:“你們可以為我找一個善於彈琴的人,帶到我這裡來。”
18Zvino mumwe wamajaya akapindura, akati, Tarirai, ndakaona mwanakomana waJese muBheterehemu unoziva kuridza kwazvo, munhu ane simba noumhare, murwi, wakachenjera pakutaura, munhu wakanaka, uye Jehovha anaye.
18有一個僕人回答:“我見過伯利恆人耶西的一個兒子,他善於彈琴,是個大能的勇士,又是個戰士,談吐合宜,容貌俊美,耶和華也與他同在。”
19Naizvozvo Sauro akatuma nhume kuna Jese, akati, Nditumire mwanakomana wako Dhavhidhi, ari kumakwai.
19於是掃羅派遣使者去見耶西,說:“請你叫你放羊的兒子大衛到我這裡來。”
20Jese akatora mbongoro, akaitakudza chingwa, nedende rewaini, nembudzana, akazvituma kuna Sauro nomwanakomana wake Dhavhidhi.
20耶西就牽來一頭驢子,馱上餅、一皮袋酒和一隻山羊羔,交給他的兒子大衛送給掃羅。
21Dhavhidhi akasvika kuna Sauro, akamira pamberi pake, iye akamuda kwazvo, akava mubati wenhumbi dzake dzokurwa.
21大衛到了掃羅那裡,就侍立在他面前。掃羅很愛他,他就作了替掃羅拿武器的人。
22Sauro akatuma shoko kuna Jese, akati, Tendera hako Dhavhidhi amire pamberi pangu, nekuti ndinomufarira kwazvo.
22掃羅再派人到耶西那裡去,說:“請你讓大衛侍立在我面前吧,因為我喜歡他。”
23Zvino nguva dzose kana mweya wakaipa, wakatumwa naMwari, uchiuya pamusoro paSauro, Dhavhidhi ndokutora mbira, nokuridza noruoko rwake; Sauro akanyaradzwa, akapora, mweya wakaipa ndokubva kwaari.
23每逢從 神那裡來的惡鬼臨到掃羅身上的時候,大衛就拿起琴來彈奏,掃羅就舒服暢快,惡鬼也離開了他。