Shona

聖經新譯本

1 Samuel

19

1Zvino Sauro akataura naJonatani mwanakomana wake, navaranda vake vose, kuti vauraye Dhavhidhi.
1掃羅欲殺大衛,約拿單代求掃羅吩咐他的兒子約拿單和他所有的臣僕要把大衛殺死,但掃羅的兒子約拿單非常喜愛大衛。
2Asi Jonatani mwanakomana waSauro, wakange achifarira Dhavhidhi kwazvo. Naizvozvo Jonatani akaudza Dhavhidhi, akati, Sauro, baba vangu, vanotsvaka kukuuraya; naizvozvo zvino, chenjera kwazvo mangwana, ugare pakavanda, uvande;
2約拿單告訴大衛:“我父親掃羅正設法要殺死你。所以明天早晨你要小心,留在隱密的地方裡,躲藏起來。
3ini ndichabuda, ndichandomira kuna baba vangu mumunda, mauri, nditaurirane nababa vangu pamusoro pako; kana ndichinge ndikaona chinhu, ndichakuudza.
3我會出去,到你藏身的那塊田那裡,站在我父親旁邊,和他談論你的事。我看看情形怎樣,然後告訴你。”
4Ipapo Jonatani akareverera Dhavhidhi zvakanaka kuna Sauro baba vake, akati kwavari, Mambo ngaarege kutadzira Dhavhidhi muranda wake, nekuti iye haana kukutadzirai imi, asi wakakuitirai zvakanaka kwazvo;
4約拿單向父親掃羅替大衛說好話,說:“王不要得罪你的僕人大衛,因為他沒有得罪你;並且他所作的,對你大有好處。
5nekuti wakabata upenyu hwake mumaoko ake, akauraya muFirisitia; Jehovha akakundisa vaIsiraeri nokukunda kukuru; imwi makazviona, mukafara; naizvozvo muchatadzireiko ropa risine mhosva, mukauraya Dhavhidhi asine mhaka hake?
5他冒著生命的危險擊殺了那非利士人,耶和華為以色列人施行了大拯救,那時你看見了,也很歡喜。現在你為甚麼要犯罪,無緣無故殺死大衛,流無辜人的血呢?”
6Sauro akateerera inzwi raJonatani, Sauro akapika akati, NaJehovha mupenyu, haangaurawi!
6掃羅聽了約拿單的話,就起誓,說:“我指著永活的耶和華起誓,大衛必不會被殺死。”
7Zvino Jonatani akadana Dhavhidhi, Jonatani akamuzivisa zvinhu izvo zvose. Jonatani akaenda naDhavhidhi kuna Sauro, akagara pamberi pake sapakutanga.
7約拿單叫大衛來,把這一切話都告訴他;約拿單把大衛帶到掃羅那裡,他就像以前一樣,侍候在掃羅面前。
8Zvino kurwa kukavapozve, Dhavhidhi akabuda kundorwa navaFirisitia, akavauraya nokuuraya kukuru, vakatiza pamberi pake.
8米甲釋放大衛後來,又有戰事;大衛出去與非利士人交戰,大敗他們,他們就在大衛面前逃跑。
9Mweya wakaipa, wakange watumwa naJehovha, ukauya pamusoro paSauro, agere mumba make ane pfumo rake muruoko rwake; Dhavhidhi akaridza noruoko rwake.
9從耶和華那裡來的惡鬼又臨到掃羅身上;那時掃羅坐在屋裡,手裡拿著槍。大衛正在彈琴,
10Sauro akaidza kubayira Dhavhidhi pamadziro nepfumo; Dhavhidhi akatiza, akapukunyuka usiku uhwo.
10掃羅就想用槍刺殺大衛,把他刺在牆上,但大衛從掃羅面前躲開了,他的槍刺在牆上。那天晚上大衛逃跑,就逃脫了。
11Ipapo Sauro akatuma nhume kumba kwaDhavhidhi kumurinda nokumuuraya mangwanani; Mikari mukadzi waDhavhidhi, akamuudza akati, Kana ukasaponesa upenyu hwako usiku hwuno, uchaurawa mangwana.
11掃羅派人到大衛家裡去監視他,要在第二天早晨殺死他。大衛的妻子米甲告訴他說:“今天晚上你若不逃命,明天就會被殺死。”
12Naizvozvo Mikari akaburutsa Dhavhidhi pasi napahwindo; akaenda, akatiza, akapukunyuka.
12於是米甲從窗口把大衛縋下去,大衛就離開那裡逃走,逃脫了。
13Mikari akatora terafimi, akairadzika panhovo, akaisa mutsamiro wemvere dzembudzi pamusoro wayo, akaifukidza nejira.
13米甲把家中的一尊神像拿來,放在床上,把頭枕在用山羊毛弄成的枕頭上,再用衣服蓋著。
14Zvino Sauro wakati achituma nhume kuzobata Dhavhidhi, iye akati, Unorwara.
14掃羅派人來捉拿大衛,米甲說:“他病了。”
15Ipapo Sauro akatuma nhume kuzotarira Dhavhidhi akati, Uyai naye kwandiri ari panhovo, ndimuuraye.
15掃羅又派人去看大衛說:“你們把他連床一起抬到我這裡來,我好殺死他。”
16Zvino nhume dzakati dzichipinda, dzikaona terafimi iri panhovo nomutsamiro wemvere dzembudzi pamusoro wayo.
16奉派的人進去,看見床上有一尊家中的神像,頭枕在用山羊毛弄成的枕頭上。
17Sauro akati kuna Mikari, Wandinyengereiko kudai, ukarega muvengi wangu achienda, akapukunyuka? Mikari akapindura Sauro achiti, Iye wakati kwandiri, Ndirege, ndiende; ndichakuurayireiko?
17掃羅問米甲:“你為甚麼這樣欺騙我,放了我的仇敵,讓他逃走呢?”米甲回答掃羅:“他對我說:‘放我走!否則我要殺死你。’”
18Dhavhidhi akatiza, akapukunyuka, akasvika kuna Samueri paRama, akamuudza zvose zvaakanga aitirwa naSauro. Iye naSamueri vakandogara Naioti.
18掃羅受感說話大衛逃跑,逃脫了,來到拉瑪見撒母耳,把掃羅對他所作的一切都告訴了撒母耳。然後他和撒母耳去拿約,住在那裡。
19Zvino Sauro wakaudzwa, zvichinzi, Tarirai, Dhavhidhi uri Naioti paRama.
19有人告訴掃羅:“大衛住在拉瑪的拿約。”
20Sauro akatuma nhume kundobata Dhavhidhi; asi idzo dzakati dzichiona boka ravaporofita vachiporofita, naSamueri amire ari mutungamiriri wavo, Mweya waMwari akauya pamusoro penhume dzaSauro, naidzo dzikaporofitawo.
20於是掃羅派人去捉大衛。派去的人看見一群先知正在受感說話,撒母耳站著帶領他們。那時, 神的靈也臨到掃羅的使者身上,他們都受感說話。
21Zvino Sauro wakati achiudzwa izvozvo, akatumazve dzimwe nhume, naidzo dzikaporofitawo. Ipapo Sauro akatumazve nhume rwechitatu, naidzo dzikaporofitawo.
21有人把這事告訴了掃羅,他就再派別的人去,這些人也受感說話。掃羅第三次派人去,他們也受感說話。
22Zvino naiye akaendawo Rama, akasvika patsime guru riri paSeku, akabvunza akati, VanaSamueri naDhavhidhi varipiko? Mumwe akati, Tarirai, vari Naioti paRama.
22後來,掃羅也親自到拉瑪去,到了西沽的大井,就問人,說:“撒母耳和大衛在哪裡?”有一個人回答:“在拉瑪的拿約。”
23Iye akaendako Naioti paRama, Mweya waMwari wakauya pamusoro pakewo, akafamba achiporofita kudzimara asvika Naioti paRama.
23掃羅就從那裡往拉瑪的拿約去。 神的靈也臨到他身上,他一面走,一面受感說話,直到他到了拉瑪的拿約。
24Akabvisawo nguvo dzake, akaporofita pamberi paSamueri, akavata pasi, asakafuka, zuva iro rose nousiku uhwo hwose. Naizvozvo vanoti, Sauro uri pakati pavaporofitawo here?
24他脫掉了自己的衣服,也在撒母耳面前受感說話。那一日,他整天整夜赤著身子躺著,因此有一句俗語說:“掃羅也列在先知中嗎?”