Shona

聖經新譯本

1 Samuel

2

1Hana akanyengetera, akati, moyo wangu unofarira Jehovha, Runyanga rwangu rwakakwiridzwa muna Jehovha; Muromo wangu wakashamira vavengi vangu nekuti ndinofarira ruponeso rwenyu.
1哈拿之歌哈拿禱告說:“我的心因耶和華喜樂,我的角因耶和華高舉,我的口向仇敵大大誇耀,因為我以你的救恩為樂。
2Hakuna mutsvene wakafanana naJehovha nekuti hakuna mumwe kunze kwenyu. Uye hakuna dombo rakafanana naMwari wedu.
2沒有人像耶和華那麼聖潔,因為除你以外沒有別的神,也沒有磐石像我們的 神。
3Musaramba muchitaura muchizvikudza zvikuru, Ukururi ngahurege kubuda pamiromo yenyu, nekuti Jehovha ndiMwari unoziva, Mabasa avanhu anoyerwa naye.
3你們不要多說驕傲的話,也不要口出狂妄之言,因為耶和華是全知的 神,人的一切行為他都鑒察。
4Uta hwevanhu vane simba hwakavhunika, Vakanga vachigumburwa vakasungwa zvino nesimba.
4勇士的弓都被折斷,跌倒的人卻以力量束腰。
5Vakanga vakaguta vakandobatira zvokudya zvavo,Vakanga vane nzara vozorora. wakange asingabereki wakabereka vanomwe; Asi iye wakange ana vana vazhinji woshaiwa simba.
5飽足的,要勞碌覓食,飢餓的,不再飢餓;不能生育的,生了七個兒女,有過許多兒女的,反倒衰微。
6Jehovha ndiye unouraya, nokuraramisawo; Ndiye unoburusira kuhwiro, nokukwidzawo.
6耶和華使人死,也使人活;使人下陰間,也使人從陰間上來。
7Jehovha ndiye unopa urombo, ndiye unofumisawo. Ndiye unodukupisa, nokukwiridzawo.
7耶和華使人貧窮,也使人富足;使人降卑,也使人升高。
8Ndiye unosimudza varombo paguruva, Unosimudza rombe, achimubvisa padurunhuru; Kuti avagarise pamwechete namachinda, Avagarise nhaka yechigaro choushe chinobwinya. nekuti mbiru dzenyika ndedzaJehovha, Iye wakateya nyika pamusoro padzo.
8他從灰塵中抬舉貧寒的人,從糞堆中提拔窮乏的人,使他們與顯貴同坐,承受尊貴的座位。大地的柱子屬於耶和華,他把全地安放在柱子上面。
9Uchachengeta tsoka dzavatsvene vake, Asi vakaipa vachanyaradzwa murima; nekuti hakuna munhu achakunda nesimba rake.
9耶和華必保護虔誠人的腳步,卻使惡人在黑暗中滅亡,因為人得勝不是靠著力量。
10Vanorwa naJehovha vachapwanyiwa; Uchavatinhirira ari kudenga; Jehovha uchatonga migumo yenyika; Uchapa mambo wake simba, Nokukwiridza runyanga rwomuzodzwa wake.
10至高者在天上打雷,耶和華必打碎與他作對的人。耶和華要審判地的四極,卻要賜力量給他所立的王,高舉他膏立之人的角。”
11Zvino Erikana akaenda kumba kwake paRama. Mwana akabatira Jehovha pamberi pomupristi Eri.
11後來,以利加拿回拉瑪自己的家去。那孩子卻留在以利祭司面前事奉耶和華。
12Zvino vanakomana vaEri vakanga vari vanhu vakaisvoipa; havana kurangarira Jehovha.
12以利兒子的罪行以利的兩個兒子是無賴,不尊重耶和華,
13Tsika yavapristi pamberi pavanhu yakanga iri iyi, Kana ani nani akauya nechibayiro, muranda womupristi waiuya ane chibayiso chenyama china meno matatu muruoko rwake, kana nyama ichibikwa;
13也不理會當時祭司待人民的規矩。有人獻祭,在煮肉的時候,祭司的僕人就來,手裡拿著三齒的叉,
14zvino ndokubaya nacho mugango, kana muhadyana, kana mugate, kana muhari; zvose zvaibudiswa nechibayiso chenyama zvaitorwa nomupristi. Ndizvo zvavaiitira vaIsiraeri vose vaiuya paShiro.
14把叉子插入煎盤裡,或鼎裡,或釜裡,或鍋裡,叉子插上來的,祭司都拿去。所有到示羅來的以色列人,祭司都是這樣待他們。
15Zvino kunyange vasati vapisa mafuta, muranda womupristi waiuya, ndokuti kumunhu wakange achibayira, Ndipe nyama yokugochera mupristi; nekuti haangagamuchiri kwauri nyama yakabikwa, asi mbishi.
15還有,在焚燒脂油以前,祭司的僕人就來,對獻祭的人說:“把祭肉交給祭司燒烤吧,因為他不會向你要煮過的肉,單要生的。”
16Zvino kana munhu uyo akati kwaari, Ngavatange kupisa mafuta, ugotora hako zvose zvinodikamwa nomoyo wako, ipapo iye ndokuti, Kwete, chindipa iyo zvino; kana usingadi, ndichatora nesimba.
16如果那人對僕人說:“必須先把脂油焚燒了,然後你才可以隨意去拿。”他就說:“不可以,你現在就要給我,否則我就搶去。”
17Zvivi zvamajaya zvakanga zviri zvikuru pamberi paJehovha, nekuti vanhu vakazvidza chipiriso chaJehovha.
17這樣,那兩個青年人在耶和華面前所犯的罪很大,因為他們藐視獻給耶和華的祭物。
18Asi Samueri waibata pamberi paJehovha, achiri mwana hake, akasungwa chiuno neefodhi yomucheka.
18撒母耳在示羅事奉那時,撒母耳還是個孩童,束著細麻布的以弗得,在耶和華面前事奉。
19Namai vakewo vakamuitira nguvo duku, vakauya nayo kwaari gore rimwe nerimwe, kana ouya nomurume wake kuzobayira chibayiro chegore rimwe nerimwe.
19撒母耳的母親每年為他做一件小外袍,她和丈夫一同上來獻年祭的時候,就帶來給他。
20Eri akaropafadza Erikana nomukadzi wake, akati, Jehovha ngaakupe vana kumukadzi uyu panzvimbo yaiye wamakapa Jehovha. Vakaenda kumusha kwavo.
20以利給以利加拿和他的妻子祝福,說:“願耶和華從這婦人身上還給你後裔,代替你獻給耶和華的孩子。”他們就回自己的地方去了。
21Zvino Jehovha akashanyira Hana, akava nemimba, akazobereka vanakomana vatatu navanasikana vaviri. Iye mwana Samueri akazokura pamberi paJehovha.
21耶和華眷顧哈拿,她再懷孕,先後生了三個兒子和兩個女兒。那孩子撒母耳在耶和華面前,漸漸長大。
22Zvino Eri wakange akwegura kwazvo, akanzwa zvose zvakanga zvichiitirwa vaIsiraeri vose navanakomana vake, namavatire avaiita navakadzi vaibata basa pamukova wetende rokusangana.
22以利教訓兒子以利已經老了,聽見自己的兒子對待以色列人的一切事,又聽見他們與在會幕門口侍應的婦女同寢。
23Akati kwavari, Munoitireiko zvinhu zvakadai? nekuti ndinongosinzwa kuvanhu vose ava zvakaipa zvamunoita.
23以利就對他們說:“你們為甚麼作這些事?我親自從眾民那裡聽見了你們的惡行。
24Kwete, vana vangu; nekuti mashoko andinonzwa haana kunaka; munodarikisa vanhu vaJehovha.
24我兒啊,不要這樣,因為我聽見的消息很不好,你們使耶和華的子民違背律法。
25Kana munhu mumwe akatadzira mumwe, mutongi uchamutonga mhosva yake, asi kana munhu akatadzira Jehovha, ndianiko uchamureverera? Kunyange zvakadaro, havana kuteerera inzwi rababa vavo, nekuti Jehovha wakange achida kuvauraya.
25如果有人得罪人,有官長(“官長”原文作“ 神”)懲罰他;如果有人得罪耶和華,有誰為他求情呢?”他們卻不聽父親的話,因為耶和華有意要殺他們。
26Iye mwana Samueri akaramba achikura, akadikamwa naJehovha uye navanhuwo.
26那孩子撒母耳的身量,耶和華和眾人對他的喜愛,都不斷增長。
27Zvino mumwe murume waMwari akauya kuna Eri, akati kwaari, Zvanzi naJehovha, Handina kuzviratidza here kuimba yababa vako, vachiri Egipita vakasungwa neimba yaFarao here?
27預言以利家遭禍有一位神人來見以利,對他說:“耶和華這樣說:‘你父家在埃及法老家為奴的時候,我不是向他們顯現嗎?
28Handina kumutsaura here pakati pamarudzi aIsiraeri, kuti ave mupristi wangu, akwire kuatari yangu kupisa zvinonhuhwira, nokufuka efodhi pamberi pangu here? Handina kupa imba yababa vako zvipiriso zvose zvavana vaIsiraeri zvinopiswa here?
28我不是從以色列眾支派中,選出他們作我的祭司,上我的壇燒香,在我面前穿以弗得嗎?我不是把以色列人所獻的火祭,都賜給了你的父家嗎?
29Zvino munofunhurireiko chibayiro changu nechipiriso changu, zvandakaraira mumba mangu, mukakudza vanakomana venyu kukundeni, mukazvikodza nezvipiriso zvakanakisa zvavanhu vangu valsiraeri here?
29你們為甚麼還以妒羨的眼光,輕視我所吩咐要獻上的祭牲和禮物呢?你為甚麼尊重你的兒子過於尊重我,用我子民以色列所獻一切最好的禮物自肥呢?’
30Naizvozvo zvanzi naJehovha waIsiraeri, Ndakada nomoyo wose kuti imba yako, neimba yababa vako, vafambe pamberi pangu nokusingaperi, asi zvino zvanzi naJehovha, Handingadaro, nekuti vanondikudza ndichavakudzawo, vanondizvidza ndichavashorawo.
30因此,耶和華以色列的 神說:‘我曾說:你的家和你的父家,必永遠行在我面前。’現在耶和華卻說:‘我決不容你們這樣行了,因為尊重我的,我必尊重他;藐視我的,必受到輕視。
31Tarira, mazuva achasvika, andichagura nawo ruoko rwako, noruoko rweveimba yababa vako, kusvikira pasisina mutana paimba yako.
31日子快到了,我要砍下你和你父親的膀臂,使你家中再沒有有權勢的長者。
32Uchaona kutambudzika kweimba yangu, pakati pefuma yose ichapiwa Isiraeri naMwari; hapangazovi nomutana paimba yako nokusingaperi.
32我賜給以色列人的一切福分,你必像一個對頭,以嫉妒的眼光來看;而在你的家中,必永遠再沒有有權勢的長者。
33Munhu weimba yako wandicharega kubvisa paatari yangu, iye uchapedza meso ako, nokuchemedza moyo wako; vana vose veimba yako vachafa vachiri varume vane simba ravo.
33我必不從我的祭壇那裡滅絕你家的人,免得你的眼睛昏花,心靈憂傷,但所有你家中增添的人都必像世人一樣死去。
34Zvino hechi chiratidzo chandinokupa, chichaitika kuvanakomana vako vaviri Hofini naPinehasi, vachafa vose vari vaviri nomusi mumwe.
34你的兩個兒子何弗尼和非尼哈所要遭遇的事,是給你的一個證據:他們二人必同日而死。
35Neni ndichazvimutsira mupristi wakatendeka; uchaita zviri pamoyo wangu nomurangariro wangu; ndichamuvakira imba yakasimba, uchafamba pamberi pomuzodzwa wangu nokusingaperi.
35我要為自己興起一位忠心的祭司,他必依照我的心意行事;我要為他建立一個穩固的家,他一生必行在我的受膏者面前。
36Zvino mumwe nomumwe unenge asara paimba yako, uchauya kuzomupfugamira, achikumbira chimari chesirivha nebundu rechingwa, achiti, Dondipaiwo rimwe basa ravapristi, ndidyewo chimedu chechingwa.
36你家中剩下的人,都要來向他下拜;求一個銀幣,一塊餅,也要說:求你容我參與祭司的職務,使我可以有點餅吃。’”