1Zvino areka yaJehovha yakagara
1歸還約櫃與獻賠罪禮物耶和華的約櫃在非利士人的地方有七個月之久。
2munyika yavaFirisitia mwedzi minomwe. VaFirisitia vakadana vapristi navavuki, vakati, Tichaita seiko neareka yaJehovha? Tizivisei mutowo watingaidzosera nawo kunzvimbo yayo.
2非利士人把眾祭司和占卜的都召了來,問他們:“我們應該怎樣處理耶和華的約櫃呢?請告訴我們,要怎樣才能把它送回原處呢?”
3Vakati, Kana muchidzosera areka yaMwari waIsiraeri, musaituma isine chinhu; asi munofanira kumutumira chipiriso chemhosva; ipapo muchapora, mugoziva kuti ruoko rwake runoregereiko kubviswa kwamuri.
3他們回答:“你們把以色列 神的約櫃送回去的時候,不可空空地把它送回去,卻要償還賠罪的禮物,這樣,你們就可以得著醫治,也可以知道,為甚麼他的手沒有離開你們。”
4Zvino vakati, Chipiriso chemhosva chatinofanira kumuripira nacho ndecheiko? Vakati, Mamota mashanu endarama, namakonzo mashanu endarama, zvakaenzana namadzishe avaFirisitia; nekuti makanga marohwa nedambudziko rimwe, imwi mose namadzishe enyu.
4非利士人問:“我們應當償給他甚麼作賠罪的禮物呢?”他們回答:“要按照非利士人各城首領的數目,用五個金痔瘡和五隻金老鼠作賠罪的禮物,因為你們所有的人和你們各城的首領所遭遇的,都是一樣的災禍。
5Naizvozvo munofanira kuita mufananidzo wamamota enyu, nomufananidzo wamakonzo enyu anotadzira nyika, mukudze Mwari waIsiraeri; zvimwe ucharerutsa ruoko rwake pamusoro penyu, napamusoro pavamwari venyu, napamusoro penyika yenyu.
5所以你們要做痔瘡的像和毀壞田地的老鼠的像,還要把榮耀歸給以色列的 神。也許他會向你們、你們的神和你們的田地手下留情。
6Muchawomesereiko moyo sezvakaita vaEgipita naFarao vakawomesa moyo yavo? Nguva yaakaita zvishamiso pakati pavo, havana kurega vanhu here, vakaenda?
6你們為甚麼要硬著心,像以前埃及人和法老那樣呢? 神嚴嚴地對付他們以後,他們不是放走了以色列人,以色列人不是真的離開了嗎?
7Naizvozvo zvino torai mugadzire ngoro itsva, nemhou mbiri dzinomwisa dzisina kumboiswa joko, musunge mhou pangoro, asi muraurire mhuru dzadzo kumusha;
7現在你們要預備一輛新車和兩頭仍在乳養小牛、未曾負過軛的母牛,把牠們緊緊套在車上,把小牛從牠們身邊帶回棚裡去。
8zvino mutore areka yaJehovha, mugoiisa pangoro; nezvishongo zvendarama, zvamunomuripira nazvo kuti chive chipiriso chemhosva, mudziise mubhokisi parutivi rwayo, mugoituma iende.
8你們要把耶和華的約櫃搬來,放在車上,把那些償給他作賠罪禮物的金器放在盒子裡,放置在約櫃旁邊,然後把它送上路,讓它自己走。
9Zvino tarirai, kana ikakwira nenzira yenyika yayo kuBhetishemeshi, ndiye wakatiitira njodzi huru iyi; asi kana isingadaro, tichaziva kuti haruzi ruoko rwake rwakatirova, chinhu hacho chatiwira.
9你們要留意看,如果它是走向自己的境界,往伯.示麥去,那麼就是耶和華降這大災給我們;如果不是這樣,我們就知道,不是他的手攻擊我們,我們遭遇的不過是偶然的事。”
10Zvino varume vakaita saizvozvo; vakatora mhou mbiri dzakanga dzichimwisa, vakadzisunga pangoro, vakapfigira mhuru dzadzo kumusha;
10非利士人就照著去行。他們牽來兩頭還在乳養小牛的母牛,把牠們緊緊套在車上,把小牛關在棚裡。
11vakaisa areka yaJehovha pamusoro pengoro, nebhokisi rakanga rina makonzo endarama, nemifananidzo yamamota avo.
11他們又把耶和華的約櫃,裝金老鼠和痔瘡像的盒子,都放在車上。
12Zvino mhou dzikarurama nenzira inoenda Bhetishemeshi, dzikafamba nenzira huru, dzikaenda dzichingokuma; hadzina kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe; madzishe avaFirisitia akadzitevera kusvikira kumuganhu weBhetishemeshi.
12牛向著伯.示麥的路上直奔,如同走在一條大路上,一面走一面叫,不偏左也不偏右。非利士各城的首領在後面跟著走,直到伯.示麥的邊界。
13Zvino vanhu veBhetishemeshi vakanga vachicheka zviyo zvavo pamupata, vakatarira, vakaona areka, vakafara vachiiona.
13約櫃在伯.示麥那時,伯.示麥人正在谷中收割麥子,他們舉目觀看,看見了約櫃,就歡歡喜喜迎見約櫃。
14Ngoro ikasvika pamunda waJoshua muBhetishemeshi, ikamira pakanga pane bwe guru; ipapo vakapamura matanda engoro, vakabayira mhou vakadziita chipiriso chinopisirwa Jehovha.
14牛車到了伯.示麥人約書亞的田間,就停在那裡;那裡有一塊大石,他們把做那車的木料劈開,又把那兩隻母牛作燔祭獻給耶和華。
15Zvino vaRevhi vakaburutsa areka yaJehovha, nebhokisi rakanga riri pairi, makanga mune zvishongo zvendarama, vakazviisa pabwe guru, varume veBhetishemeshi vakauya nezvipiriso zvinopiswa vakabayira Jehovha zvibayiro nomusi uyo.
15利未人把耶和華的約櫃,與它一同送來裝有金器的盒子,都搬了下來,放在大石上;那一天,伯.示麥人向耶和華獻上燔祭,又獻上其他的祭。
16Zvino madzishe mashanu avaFirisitia akati aona izvozvo, akadzokera Ekironi nomusi iwoyo.
16非利士人的五個首領看見了,當天就回以革倫去。
17Zvino ndiwo mamota endarama akaripwa namadzishe avaFirisitia, kuti chive chipiriso chemhosva kuna Jehovha; rimwe raiva reAshidhodhi, rimwe reGaza, rimwe reAshikeroni, rimwe reGati, rimwe reEkironi;
17這些金痔瘡,就是非利士人償給耶和華作賠罪的禮物的,一個是為亞實突,一個是為迦薩,一個是為亞實基倫,一個是為迦特,一個是為以革倫。
18namakonzo endarama akanga akaenzana namaguta ose avaFirisitia, akanga ari amadzishe mashanu, aiva maguta akapoteredzwa namasvingo nemisha miduku yokuruwa. Uye ibwe guru ravakagadzika areka yaJehovha pamusoro paro, richiripo pamunda waJoshua muBhetishemeshi kusvikira nhasi.
18金老鼠的數目是按照非利士人五個首領所有的城市的數目,包括設防城和鄉村。他們安放耶和華約櫃的那塊大石,直到現在還是在伯.示麥人約書亞的田間,是一個證物。
19Zvino Jehovha akauraya vamwe vavarume veBhetishemeshi, nekuti vakanga vatarira mukati meareka yaJehovha; akauraya varume vane zviuru zvina makumi mashanu namakumi manomwe pakati pavanhu avo; vanhu vakachema, nekuti Jehovha wakange auraya vanhu nokuuraya kukuru.
19耶和華因為伯.示麥人偷窺他的約櫃,就擊殺他們;他擊殺了七十人(“七十人”大多數抄本都作“五萬零七十人”,少數抄本作“七十人”)。眾人因為耶和華用大災擊殺他們,就哀哭起來。
20Zvino varume veBhetishemeshi vakati, Ndianiko unogona kumira pamberi paJehovha, Mwari uyu Mutsvene? Uchakwira kuna ani, kana achibva kwatiri?
20約櫃在基列.耶琳伯.示麥人說:“在耶和華這位聖潔的 神面前,誰能站立得住呢?他可以從我們這裡上到哪裡去呢?”
21Ipapo vakatuma nhume kuna vakanga vagere Kiriatijearimwi, vakati, VaFirisitia vadzosa areka yaJehovha; burukai imwi, muzoiisa kwenyu.
21於是他們派遣使者到基列.耶琳的居民那裡去,對他們說:“非利士人把耶和華的約櫃送回來了。你們下來把它接到你們那裡去吧。”