1Zvino Samueri wakati akwegura
1人民要求立王撒母耳年老的時候,立了他的兒子作以色列人的士師。
2Zita romwana wake wedangwe rakanga riri Jowero, nezita rowechipiri Abhija; ivo vaiva vatongi paBheerishebha.
2他的長子名叫約珥,次子名叫亞比亞,都在別是巴作士師。
3Asi vanakomana vake havana kufamba nenzira dzake, asi vakatsaukira kufuma yakaipa, vakagamuchira fufuro, nokusaruramisa pakutonga.
3兩個兒子都沒有行撒母耳的道路,反而轉去追求不義之財,收受賄賂,屈枉正直。
4Zvino vakuru vaIsiraeri vose vakaungana, vakauya kuna Samueri paRama,
4於是以色列所有的長老都集合起來,到拉瑪去見撒母耳,
5vakati kwaari, Tarirai, imwi makwegura, asi vanakomana venyu havafambi nenzira dzenyu, zvino tigadzirirei mambo ungatitonga, sezvinoitwa kundudzi dzose.
5對他說:“你老了,看哪,你的兒子不行你的道路,現在求你為我們立一個王治理我們,好像列國一樣。”
6Asi shoko iro harina kufadza Samueri, iro rokuti, Tipei mambo ungatitonga. Samueri akanyengetera kuna Jehovha.
6他們說“求你為我們立一個王治理我們”這件事,使撒母耳很不高興,他就禱告耶和華。
7Ipapo Jehovha akati kuna Samueri, Teerera hako zvose zvinotaura vanhu kwauri, nekuti havana kukuramba iwe, asi vakandiramba ini, kuti ndirege kuva mambo wavo.
7耶和華對撒母耳說:“眾民對你所說的一切,你只管聽從,因為他們不是厭棄你,而是厭棄我,不要我作他們的王。
8Zvose zvavakaita kubva zuva randakavakwidza ndichivabudisa paEgipita kusvikira nhasi, vachindirasha nokushumira vamwe vamwari, ndizvo zvavanokuitira iwewo.
8自從我把他們從埃及領上來的那天起,直到現在,他們怎樣離開我,事奉別的神,他們對我所行的一切,也照樣對你行。
9Zvino teerera hako manzwi avo; asi uvapupurire kwazvo, uvazivise tsika dzamambo, uchavabata.
9現在你只管聽從他們的話,但必須鄭重警告他們,告訴他們那要統治他們的王要怎樣治理他們。”
10Zvino Samueri akaudza vanhu vakanga vachikumbira mambo kwaari mashoko ose aJehovha.
10君王的權利於是,撒母耳把耶和華所講的一切話都告訴那些向他要求一個王的民眾,
11Akati, Tsika dzamambo, uchakubatai, ndidzo, Uchatora vanakomana venyu akavaisa pangoro dzake.
11說:“那要統治你們的王將這樣治理你們:他必徵用你們的兒子,派他們作他的戰車兵、騎兵、在車前奔走的前鋒,
12Uchazvitsaurira vamwe vave vakuru vezviuru, navakuru vamakumi mashanu; ucharaira vamwe kumurimira minda yake, nokukohwa michero yake, nokumuitira nhumbi dzake dzokurwa nadzo, nenhumbi dzengoro dzake.
12又派他們作千夫長、五十夫長,替他耕田、收他的莊稼、替他製造作戰的武器和戰車上的裝備。
13Uchatora vanasikana venyu, vave vavhenganisi vezvinonhuhwira, navabiki vezvokudya, navabiki vechingwa.
13他必徵用你們的女兒作配香膏的、燒飯的和烤餅的。
14Uchatora minda yenyu neminda yenyu yemizambiringa, neminda yenyu yemiorivhi yakaisvonaka kukunda mimwe, achipa varanda vake.
14他必奪去你們最好的田地、葡萄園和橄欖園,賜給自己的臣僕。
15Uchatora zvegumi zvembeu dzenyu nemazambiringa enyu, achipa varanda vake navabatiri vake.
15你們撒種所得的和葡萄園所出的,他都徵收十分之一,賜給他的太監和臣僕。
16Uchatora varanda venyu navarandakadzi venyu, namajaya enyu akaisvonaka kukunda vamwe vose, nembongoro dzenyu, achibatisa mabasa ake nazvo.
16他又必徵收你們的僕婢、最精壯的青年和驢,替他工作。
17Uchatora zvegumi zvamapoka enyu amakwai; nemwi muchava varanda vake.
17你們的羊群,他要徵收十分之一;連你們自己也作他的奴僕。
18Nezuva iro muchachema kwazvo nokuda kwamambo wenyu wamunenge mazvitsaurira; asi Jehovha haangakupinduriyi nezuva iro.
18到時,你們必因你們為自己揀選的王而哀求,那時耶和華卻不應允你們。”
19Asi vanhu vakaramba kuteerera inzwi raSamueri, vakati, Kwete, tinoda hedu mambo ungatibata,
19人民堅決要求立王眾民竟不肯聽從撒母耳的話,說:“不,我們要一個王治理我們,
20kuti isuwo tifanane nedzimwe ndudzi; mambo wedu atitonge, atitungamirire, nokurwa pahondo dzedu.
20讓我們也像列國一樣,有自己的王治理我們,帥領我們出征,為我們作戰。”
21Samueri akanzwa mashoko ose avanhu, akaarondedzera panzeve dzaJehovha.
21撒母耳聽了眾民的一切話,就向耶和華複述。
22Zvino Jehovha akati kuna Samueri, Teerera hako manzwi avo, uvagadzirire mambo. Samueri akati kuvarume vaIsiraeri, Endai henyu, mumwe nomumwe kuguta rake.
22耶和華對撒母耳說:“你只管聽從他們的話,為他們立一個王。”於是撒母耳對以色列人說:“你們各人回自己的城去吧。”