1Usajinyura mukuru, asi umugamuchire sababa, vaduku sevanin'ina,
1如何處事待人不要嚴厲責備老年人,卻要勸他好像勸父親;勸青年人好像勸弟兄;
2vakadzi vakuru sanamai, vaduku sehanzvadzi neutsvene hwose.
2勸年老的婦人好像勸母親;存著純潔的心,勸青年女子好像勸姊妹。
3Kudza chirikadzi dziri chirikadzi zvirokwazvo.
3要敬重供養那些無依無靠的寡婦。
4Asi kana chero chirikadzi ipi ine vana kana vazukuru, ngavatange ivo kudzidza rukudzo kumba, vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo nekuti ndizvo zvakanaka zvinogamuchirwa pamberi paMwari.
4寡婦若有兒孫,就應當讓兒孫先在自己家裡學習孝道,報答親恩,因為這在 神面前是蒙悅納的。
5Zvino uyo uri chirikadzi zvirokwazvo yakasiiwa yoga, inovimba naMwari, inogara pamikumbiro neminyengetero siku nesikati.
5那無依無靠獨居的寡婦,她們仰望 神,晝夜不住地祈求禱告。
6Asi iyo inoraramira kuzvifadza yakafa ichiri mhenyu.
6寡婦若奢侈宴樂,雖然活著也是死的。
7Uye raira zvinhu izvi, kuti varege kuva nechavangapomerwa.
7這些事你要囑咐她們,使她們無可指摘。
8Asi kana munhu asingachengeti vekwake, zvikuru veimba yake, waramba kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.
8人若連自己的家人也不供養,就是背棄信仰,比不信的人還不如。
9Chirikadzi ngairege kuverengwa iri pasi pemakore makumi matanhatu, yaiva mukadzi wemurume umwe,
9寡婦登記,年紀必須到達六十歲,只作過一個丈夫的妻子,
10inopupurirwa mabasa akanaka, kana yakarera vana, kana yaigamuchira vaeni, kana yaishambidza tsoka dzevatsvene, kana yaibatsira vari mumatambudziko, kana yaichenjerera mabasa ose akanaka.
10並且要有善行的見證:就如養育兒女,接待客旅,替聖徒洗腳,救濟困苦的人,盡力行各樣的善事等。
11Asi chirikadzi duku urambe, nekuti kana dzochiva zvinopesana naKristu, dzinoda kuwanikwa;
11至於年輕的寡婦,不要給她們登記,因為她們一旦情慾衝動而背棄基督的時候,就想結婚。
12dzava nemhosva, nekuti dzarasa rutendo rwadzo rwekutanga;
12她們被定罪,是因為丟棄了起初的信誓。
13uye ipapo dzinodzidza usimbe dzichipotedza dzimba; uye hadzizi simbe chete, asi vaitiwo vemakuhwa, vashereketi, vachitaura zvavasingafaniri.
13同時,她們懶惰慣了,挨家閒遊;不但懶惰,而且好說閒話,好管閒事,說不該說的話。
14Naizvozvo ndinoda kuti chirikadzi duku dziwanikwe, dzibereke vana, dzichengete dzimba dzadzo, dzirege kutongopa muvengi mukana wekupomera nawo.
14因此,我願年輕的寡婦結婚,生兒育女,管理家務,不給敵人有辱罵的機會;
15Nekuti vamwe vatotsauka vachitevera Satani.
15因為有些人已經轉去跟從撒但了。
16Kana murume upi neupi kana mukadzi unotenda ane chirikadzi, ngaadzibatsire, kereke irege kuremedzwa, kuti igobatsira chirikadzi chaidzo.
16如果信主的婦女家中有寡婦,她就應該救濟她們,不要讓教會受累。這樣,教會就可以救濟那些無依無靠的寡婦了。
17Vakuru vanobata zvakanaka ngavaverengerwe sevanofanirwa nekukudzwa kwakapetwa kaviri, zvikuru avo vanobata pashoko nepadzidziso.
17那些善於治理教會的長老,尤其是那些在講道和教導上勞苦的長老,你們應當看他們是配受加倍的敬重和供奉的。
18Nekuti rugwaro rwunoti: Usasunga muromo wenzombe inopura; uye: Mushandi wakafanirwa nemubairo wake.
18因為經上說:“牛踹穀的時候,不可籠住牠的嘴。”又說:“作工的配得工價。”
19Usangogamuchira mhaka inopomerwa mukuru, kunze kwemberi kwezvapupu zviviri kana zvitatu.
19控訴長老的事,除非有兩三個證人,否則不要受理。
20Vanotadza uvatsiure pamberi pevose, kuti vamwewo vave nekutya.
20常常犯罪的,你要當眾責備他們,使其餘的人也有所懼怕。
21Ndinokurairisa kwazvo pamberi paMwari naIshe Jesu Kristu, nevatumwa vakasanangurwa, kuti uchengete zvinhu izvi usingagari watotonga, kana kuita chinhu uchitsaura vanhu.
21我在 神和基督耶穌以及蒙揀選的天使面前叮囑你,要毫無成見地持守這些話,行事也不要偏心。
22Usakurumidza kuisa maoko pamusoro pemunhu, kana kugovana pazvivi zvevamwe; uzvichengete uri mutsvene.
22不要匆匆忙忙地替別人按手,也不要在別人的罪上有分,要保守自己清潔。
23Usachiramba uchingomwa mvura, asi ushandise waini shoma nekuda kwemudumbu mako neundonda hwako hwekazhinji.
23因為你的胃不好,而且身體常常軟弱,不要單單喝水,可以稍微用點酒。
24Zvivi zvevamwe vanhu zvinogara zvaonekwa pachena, zvinotungamirira kukutongwa; zvavamwe zvichitevera,
24有些人的罪是明顯的,就先受審判;有些人的罪是後來才顯露出來的。
25Saizvozvowo mabasa akanaka anogara aonekwa pachena, neasina kudaro haangavanzwi.
25照樣,善行也是明顯的,就算不明顯,也不能隱藏。