1Dai muchindiitira moyo murefu zvishoma paupenzi hwangu; asi nemwi zvirokwazvo munondiitira moyo murefu.
1提防詭詐的假使徒請你們容忍我這一點點的愚昧,其實你們本來就是容忍我的。
2Nekuti ndine godo pamusoro penyu negodo reuMwari; nekuti ndakakuwanisai kumurume umwe, kuti ndikukumikidzei semhandara yakachena kuna Mwari.
2我以 神的熱愛愛你們,因為我把你們獻給基督,好像把貞潔的童女許配給一個丈夫。
3Asi ndinotya kuti zvimwe neimwe nzira nyoka sezvayakanyengera Eva nemano ayo, saizvozvo ndangariro dzenyu dzingasvibiswa dzitsauke pakururama kuri muna Kristu.
3我只怕你們的心受到引誘,失去對基督的單純和貞潔,好像蛇用詭計騙了夏娃一樣。
4Nekuti kana uyo unosvika achiparidza umwe Jesu watisina kuparidza, kana kugamuchira mumwe mweya wamusina kugamuchira kana imwe evhangeri yamusina kugamuchira, zvino momuitira moyo murefu kwazvo.
4如果有人來傳講另一位耶穌,不是我們傳過的,或者你們接受另一個不同的靈,不是你們領受過的,又或者接受另一個不同的福音,不是你們接受過的,你們倒可以容忍得下!
5Nekuti ndinoona ndisingatairi nepaduku kuvaapositori vakurusa.
5但我認為自己沒有一點比不上那些“超等使徒”;
6Zvino kunyange ndisina kudzidza pakutaura, asi kwete paruzivo; asi takaratidzwa zvirokwazvo kwamuri muzvinhu zvose.
6雖然我不善於辭令,卻是有學問的,我們在各方面,已經向你們清楚顯明了。
7Ndakaita chivi here pakuzvininipisa kuti mukudzwe, nekuti ndakaparidza kwamuri evhangeri yaMwari pasina muripo?
7我貶低自己,使你們高升,把 神的福音白白地傳給你們,我這樣是犯罪嗎?
8Ndakapamba dzimwe kereke, ndichireva mibairo kuti ndikuyamurei.
8我為了服事你們,就接受了別的教會的供應,也可以說是剝削了他們。
9Uye pandakanga ndiripo nemwi ndichishaiwa, handina kuremedza munhu; nekuti zvandaishaiwa, hama dzaibva Makedhonia dzakapa; uye pazvose ndakachenjera kuti ndirege kuva mutoro kwamuri, uye ndicharamba ndichichenjera.
9我在你們那裡有缺乏的時候,並沒有連累任何人,因為從馬其頓來的弟兄們,補足了我的缺乏。我在各方面都不讓自己成為你們的重擔,將來也是一樣。
10sezvo chokwadi chaKristu chiri mandiri, hakuna munhu ungandikonesa kuzvikudza kumatunhu eAkaya.
10我有基督的真理在我裡面,在亞該亞一帶沒有人能阻止我這樣誇口。
11Nemhaka yei? Nekuti handikudiyi here? Mwari unoziva.
11為甚麼呢?是我不愛你們嗎? 神是知道的。
12Asi chandinoita, icho ndichaita, kuti ndigure mukana kune vanoshuva mukana; kuti mune izvo zvavanozvirumbidza nazvo vawanikwe vakaita sesu.
12我現在所作的,將來還要作,為了要斷絕那些投機分子的機會,不讓他們在所誇的事上,被人認為是跟我們一樣的。
13Nekuti vakadaro vaapositori venhema, vabati vanonyengera, vanozvishandura kuva vaapositori vaKristu.
13這樣的人是假使徒,是詭詐的工人,裝成基督的使徒。
14Naizvozvo hazvishamisi; nekuti kunyange Satani amene unozvishandura kuva mutumwa wechiedza.
14這並不希奇,因為撒但自己也裝作光明的天使,
15Naizvozvo hachizi chinhu chikuru kana vashumiri vakevo vachizvishandura, sevashumiri vekururama; kuguma kwawo kuchaenderana nemabasa avo.
15所以,撒但的僕役裝成公義的僕役,也不必大驚小怪。他們的結局必按他們所作的而定。
16Ndinotizve: Munhu ngaarege kufunga kuti ndiri benzi; kana zvakadaro, sebenzi ndigamuchirei, kuti ndizvirumbidze zvishoma.
16保羅可誇的受苦經歷我再說,誰也不要以為我是愚昧的;就算這樣,也要接納我這個愚昧的人,使我可以稍微地誇口。
17Izvo zvandinotaura, handizvitauri maererano naIshe, asi sepaupenzi, pachivimbo ichi chekuzvikudza.
17我這樣滿有自信地誇口,不是照著主所吩咐的,而是好像愚昧人在說話。
18Sezvo vazhinji vachizvikudza panyama, iniwo ndichazvikudza.
18既然有許多人按著世俗的標準誇口,我也要誇口。
19Nekuti munoitira mapenzi moyo murefu nemufaro, imwi muri vakachenjera;
19你們那麼精明,竟然樂意容忍愚昧的人。
20Nekuti munoita moyo murefu kana munhu achikuisai muuranda, kana ani nani achikuparadzai, kana ani nani achikutapai, kana ani nani achizvikudza, kana ani nani achikurovai kumeso.
20如果有人奴役你們,侵吞、榨取你們,向你們趾高氣揚,打你們的臉,你們就容忍吧!
21Ndinoreva semaererano nekushoora, sezvinenge takanga tine utera. Zvino kana kune munhu une ushingi (ndinotaura paupenzi), ini ndine ushingiwo.
21說來慚愧,我們太軟弱了。說句愚昧的話,如果有人在甚麼事上是勇敢的,我也是勇敢的。
22VaHebheru here? Neniwo. VaIsraeri here? Neniwo. Vana vaAbhurahamu here? Neniwo.
22他們是希伯來人嗎?我也是。他們是以色列人嗎?我也是。他們是亞伯拉罕的後裔嗎?我也是。
23Vashumiri vaKristu here? (Ndinotaura semupengo), ndiri iye, zvikuru pamabasa ndinopamhidzira, pamavanga kupfuura chipimo, mumajere kakadzokororwa, parufu kazhinji.
23他們是基督的僕人嗎?說句狂話,我更是。我受更多的勞苦,更多的坐監,受了過量的鞭打,常常有生命的危險。
24KuvaJudha ndakagamuchira kashanu, shamhu dzine makumi mana kusiya imwe.
24我被猶太人打過五次,每次四十下減去一下,
25Katatu ndakarohwa netsvimbo, kamwe ndakatakwa nemabwe, katatu ndakaputsikirwa nechikepe usiku hwumwe nemasikati ndakange ndiri makadzika megungwa;
25被棍打過三次,被石頭打過一次,三次遇著船壞,在深海裡飄了一晝一夜;
26panzendo kazhinji, panjodzi dzenzizi, panjodzi dzemakororo, panjodzi dzevekwangu, panjodzi dzevahedheni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi mugungwa, panjodzi pakati pehama dzenhema;
26多次行遠路,遇著江河的危險、強盜的危險、同族的危險、外族的危險、城中的危險、曠野的危險、海上的危險、假弟兄的危險;
27pakuchama nepakurwadziwa, pakusavata kazhinji, panzara nenyota, pakutsanya kazhinji, pachando nepakushama.
27勞碌辛苦,多次不得睡覺,又飢又渴,多次缺糧,赤身挨冷。
28kunze kwezvinhu izvi zviri panze, ndinoremedzwa zuva rimwe nerimwe nekurangarira kereke dzose.
28除了這些外面的事,還有為各教會掛心的事,天天壓在我的身上。
29Ndiani une utera, neni ndikasava neutera? Ndiani unogumburwa, neni ndikasatsva?
29有誰軟弱,我不軟弱呢?有誰陷在罪裡,我不焦急呢?
30Kana zvakafanira kuzvirumbidza, ndichazvirumbidza nezvinhu zveutera hwangu.
30如果必須誇口,我就誇自己的弱點。
31Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, unorumbidzwa kusvikira rinhi narinhi, unoziva kuti handirevi nhema.
31主耶穌的父 神是應當永遠受稱頌的,他知道我沒有說謊。
32PaDhamasiko mutungamiriri waishe Areta wakarinda guta raveDhamasiko achitsvaka kundibata;
32在大馬士革,亞里達王手下的總督把守著大馬士革城,要拘捕我,
33uye ndakaburuswa nepawindo ndiri mudengu nepamudhuri, ndikatiza pamaoko ake.
33我就被人放在一個大籃子裡,從城牆的窗戶縋下來,逃脫了他的手。