Shona

聖經新譯本

2 Corinthians

2

1Asi ndakazvipira izvi mandiri kusauya kwamuri nekushungurudza.
1我自己決定了,到你們那裡去的時候,不再是憂愁的。
2Nekuti kana ndichikushungurudzai, ndiani zvino uchandifadza, kunze kwaiye wakashungurudzwa neni?
2如果我使你們憂愁,除了那因我而憂愁的人以外,誰能使我快樂呢?
3Zvino ndakakunyorerai chinhu chakadai kuti zvimwe kana ndasvika, ndirege kushungurudzwa naivo vanofanira kundifadza; ndine chivimbo mamuri mose, kuti mufaro wangu ndewenyu mose.
3我寫了這樣的信,免得我來的時候,應該使我快樂的人反而使我憂愁;我深信你們眾人都以我的喜樂為你們的喜樂。
4Nekuti mudambudziko guru nekushungurudzika kwemoyo ndakakunyorerai nemisodzi mizhinji, kwete kuti murwadziswe, asi kuti muzive rudo rukuru rwandinokudai narwo.
4我從前心裡痛苦難過,流著眼淚寫信給你們,並不是要使你們憂愁,而是要你們知道我是多麼愛你們。
5Zvino kana umwe akarwadzisa, haana kurwadzisa ini, asi muchidimbu (kuti ndirege kukuremedzai) mose.
5饒恕犯罪的弟兄如果有人使人憂愁,他不是使我憂愁,而是使你們眾人都有一點憂愁;我只說有一點,是避免說得過分。
6Kuranga uku kwakakwanira wakadai ndiko kwevazhinji.
6這樣的人受了許多人的責備,也就夠了,
7Kuti panzvimbo yaizvozvi zviri nani kuti mumukangamwire nokunyaradza, kuti wakadaro arege kuodzwa moyo kwazvo neshungu zvinji.
7倒不如饒恕他,安慰他,免得他因憂愁過度而受不了。
8Naizvozvo ndinokukumbirisai kuti musimbise rudo kwaari.
8所以,我勸你們要向他確實顯明你們的愛心。
9Nekuti ndakanyorerawo izvi, kuti ndizive kuidzwa kwenyu kana muchiteerera pazvinhu zvose.
9為這緣故,我寫了那封信,要考驗你們是不是凡事都順從。
10Zvino iye wamunokangamwira chinhu, neni ndinomukangamwira; nekuti kana ini ndichikangamwira chinhu, uyo wandinenge ndakakangamwira, ndinozviita nekuda kwenyu pamberi paKristu;
10你們饒恕誰,我也饒恕誰;我所饒恕了的(如果我饒恕過甚麼),是為了你們在基督面前饒恕的,
11zvimwe Satani ungatora mukana wedu; nekuti hatizi vasingazivi mano ake.
11免得撒但有機可乘,因為我們並不是不曉得他的詭計。
12Zvino ndakati ndichisvika paTroasi neevhangeri yaKristu, ndazarurirwa mukova muna Kristu,
12基督的馨香從前我為基督的福音到了特羅亞,雖然主給我開了門,
13handina kuwana zororo pamweya wangu, nekuti handina kuwana Tito hama yangu; asi ndakawonekana navo ndikabvapo ndikaenda Makedhonia.
13我心裡仍然沒有安寧,因為見不到提多弟兄。於是我辭別了那裡的人,到馬其頓去了。
14Asi ngaavongwe Mwari, unotikundisa nguva dzose muna Kristu, uye unoratidza nesu kose-kose hwema hweruzivo rwake.
14感謝 神,他常常在基督裡,使我們這些作俘虜的,列在凱旋的隊伍當中,又藉著我們在各地散播香氣,就是使人認識基督。
15Nekuti tiri hwema hwunonhuwira hwaKristu kuna Mwari, pane ivo vanoponeswa nepane ivo vanoparara.
15因為無論在得救的人或滅亡的人中間,我們都是基督的馨香,是獻給 神的。
16Kune vamwe hwema hworufu mukufa; nekune vamwe hwema hweupenyu muupenyu. Zvino ndiani ungakwanira zvinhu izvi?
16對於滅亡的人,這是死亡的氣味叫人死;對於得救的人,這卻是生命的香氣使人活。這些事誰夠資格作呢?
17Nekuti hatifanani nevazhinji vanokanganisa shoko raMwari; asi seveuchokwadi, uye sezvinobva kuna Mwari pachiso chaMwari tinotaura tiri muna Kristu.
17我們不像那許多的人,為了圖利而謬講 神的道。相反地,我們講話,是出於真誠,出於 神,是在 神面前、在基督裡的。