1Zvino Ataria mai vaAhazia, wakati achiona kuti mwanakomana wake wafa, akasimuka, akaparadza vose vorudzi rwamambo.
1亞他利雅弄權(代下22:10~12)亞哈謝的母親亞他利雅看見自己的兒子死了,就起來消滅王室所有的後裔。
2Asi Jehoshebha mukunda wamambo Joramu, hanzvadzi yaAhazia, wakatora Joashi mwanakomana waAhazia, akamuba pakati pavanakomana vamambo vaiurawa, iye nomureri wake, mumba mokuvata; vakamuvanza panaAtaria, naizvozvo haana kuurawa.
2但約蘭王的女兒,亞哈謝的妹妹約示巴,把亞哈謝的兒子約阿施從正要被殺的王子中偷了出來,把他和他的乳母藏在臥室裡面;他們把他收藏起來,躲避亞他利雅,免得他被殺死。
3Akagara naye akavanzwa mumba maJehovha makore matanhatu; Ataria akabata ushe panyika.
3約阿施和他的乳母在耶和華的殿中躲藏了六年;亞他利雅卻作王統治那地。
4Zvino negore rechinomwe Jehoyadha akatuma vanhu vakatora vakuru vamazana vavaKari navarindi vamambo, akauya navo kwaari mumba maJehovha, akaita sungano navo, akavapikisa mumba maJehovha, akavaratidza mwanakomana wamambo.
4耶何耶大等人立約輔助王子(代下23:1~11)在第七年,耶何耶大派人把迦利人和衛兵的眾百夫長帶來,領他們進入耶和華的殿中,和他們立約,使他們在耶和華的殿裡起誓,然後把王子帶出來和他們見面。
5Akavaraira, akati, Munofanira kuita kudai, imwi munopinda nesabata, chetatu chenyu munofanira kuva varindi veimba yama mbo;
5他又吩咐他們說:“你們要這樣作:你們在安息日值班的,三分之一要守衛王宮;
6chimwe chetatu munofanira kumira pasuwo rinonzi Suri; chimwe cheta tuzve vanofanira kumira pasuwo riri shure kwavarindi vamambo; saizvozvo munofanira kurinda imba, nokuidzivirira.
6三分之一要在蘇珥門;三分之一要在衛兵院的後門;你們要輪班把守王宮。
7Mapoka enyu maviri, imwi mose munobuda nesabata, munofanira kurinda imba yaJehovha muchikomba mambo.
7你們在安息日不用當值的兩班人,要為王的緣故守衛耶和華的殿。
8Mukombe mambo, mumwe nomumwe akabata nhumbi dzokurwa nadzo muruoko rwake; Ani naani unopinda pakati pemisara, unofanira kuurawa; mugare namambo kana achibuda uye kana achipinda.
8你們要在四周圍護著王,各人手中要拿著自己的武器。擅自闖入班次的,必被處死。王出入的時候,你們要緊隨左右。”
9Vakuru vamazana vakaita zvose zvavakarairwa nomupristi Jehoyadha; mumwe nomumwe akatora vanhu vake, ivo vaifanira kupinda nesabata, naivo vaifanira kubuda nesabata, vakasvika kumupristi Jehoyadha.
9於是眾百夫長照著耶何耶大祭司的一切吩咐去行。他們各自率領人馬,無論在安息日值班或不用當值的,都來到耶何耶大祭司那裡。
10mupristi akapa vakuru vamazana mapfumo nenhowo zvaiva zvamambo Dhavhidhi, zvakanga zviri mumba maJehovha.
10耶何耶大就把藏在耶和華殿裡,屬於大衛王的矛槍和盾牌交給眾百夫長。
11Zvino varindi vamambo vakamira mumwe nomumwe akabata nhumbi dzokurwa nadzo muruoko rwake, kubva kurutivi rworudyi rweimba kusvikira kurutivi rworuboshwe rweimba, napaaritari neimba, vakakomba mambo.
11各衛兵手持兵器,從殿的右面到殿的左面,面對祭壇和殿,圍繞著王侍立。
12Ipapo akabudisa mwanakomana wamambo, akamudzika korona, akamupa chipupuriro, vakamuita mambo, vakamuzodza; ndokuridza nhondo, vachiti; Mambo ngaararame!
12耶何耶大領王子出來,把王冠戴在他的頭上,又把約書交給他。他們就擁立他為王,用膏膏他,並且拍掌,說:“願王萬歲!”
13Zvino Ataria wakati achinzwa mheremhere yavarindi vamambo navanhu, akapinda kuvanhu mumba maJehovha.
13亞他利雅被殺(代下23:12~15)亞他利雅聽見衛兵和民眾的聲音,就進到耶和華的殿、眾民那裡去。
14Akatarira, ndokuona mambo amire pambiru, netsika yavo, navakuru navakanga vane hwamanda vamire kuna mambo; vanhu vose venyika vakafara, vakaridza hwamanda. Ipapo Ataria akabvarura nguvo dzake, akadanidzira, achiti, Ndamukirwa, ndamukirwa!
14她看見王子按著規例站在柱旁那裡,首領和號手在王的旁邊,當地所有的人民歡樂吹號。亞他利雅於是撕裂衣服,呼叫:“反了!反了!”
15Zvino mupristi Jehoyadha akaraira vakuru vamazana, vairaira hondo, akati kwavari, Mubudisei pakati pemisara yavanhu; Ani naani unomutevera iye, munofanira kumuuraya nomunondo; nekuti mupristi wakati, Ngaarege kuurayiwa mukati meimba yaJehovha.
15耶何耶大祭司吩咐眾百夫長,就是統領軍兵的,對他們說:“把她從各班軍兵中趕出去,跟隨她的,都要用刀殺死。”因為祭司說:“不可在耶和華的殿內殺死她。”
16Naizvozvo vakamubata namaoko, akaenda nenzira yaipinda mabhiza nayo kumba kwamambo, ndokuurayirwapo.
16於是他們下手拿住她;她回到王宮的馬門的時候,就在那裡被人殺死。
17Zvino Jehoyadha akaita sungano pakati paJehovha namambo navanhu, kuti vave vanhu vaJehovha; uyewo pakati pamambo navanhu.
17耶何耶大的改革(代下23:16~21)耶何耶大又使王和人民與耶和華立約,好使他們作耶和華的人民;又使王與人民立約。
18Vanhu vose venyika vakaenda kumba kwaBhaari, vakaiputsa; vakaputsa kwazvo aritari dzake
18然後當地所有的人民都來到巴力廟,把它拆毀,把它的壇和像完全打碎,又在祭壇前把巴力的祭司瑪坦殺了。耶何耶大祭司又設立官員管理耶和華的殿。
19Akatora vakuru vamazana, navaKari, navarindi vamambo, navanhu vose venyika, vakaburusa mambo paimba yaJehovha, vakaenda kumba kwamambo nenzira yesuwo ravarindi vamambo. Iye akagara pachigaro choushe chamadzimambo.
19他又率領眾百夫長、迦利人、衛兵和當地所有的人民,護送王從耶和華的殿下來,經衛兵的門進入王宮。這樣,約阿施就坐上了王位。
20Naizvozvo vanhu vose venyika vakafara, guta rikanyarara; vakauraya Ataria nomunondo paimba yamambo.
20當地所有的人民都歡樂,闔城平靜;至於亞他利雅,他們在王宮用刀把她殺死了。
21Jehoashi wakatanga kubata ushe ana makore manomwe.
21約阿施作王的時候,只有七歲。(本節在《馬索拉抄本》為12:1)