1Zvino Jehoramu mwanakomana waAhabhi wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria negore regumi namasere raJehoshafati mambo waJudha, akabata ushe makore ane gumi namaviri.
1以色列王約蘭猶大王約沙法第十八年,亞哈的兒子約蘭在撒瑪利亞作王,統治以色列;他作王共有十二年。
2Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, asi haana kuita sababa vake kana samai vake; nekuti wakabvisa shongwe yaBhaari yakanga yaitwa nababa vake.
2他行耶和華看為惡的事,只是還不至於像他的父親和母親一樣,因為他除去了他父親所做的巴力神柱。
3Kunyange zvakadaro, wakanamatira zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, haana kutsauka kwazviri.
3只是尼八的兒子耶羅波安使以色列人陷在罪中的那些罪,他卻堅持不捨,不肯脫離。
4Zvino Mesha mambo waMoabhu wakange ari mwene wamakwai, waipa mambo waIsiraeri makushe amakwayana ane zviuru zvine zana, naamakondobwe ane zviuru zvine zana.
4摩押背叛摩押王米沙是個以畜牧為生的人。他每年進貢十萬頭綿羊羔和十萬頭公羊羔給以色列王。
5Asi Ahabhi wakati afa, mambo waMoabhu akamukira mambo waIsiraeri.
5亞哈死後,摩押王背叛以色列王。
6Mambo Jehoramu akabuda paSamaria nenguva iyo, akaunganidza vaIsiraeri vose.
6那時約蘭王從撒瑪利亞出來點閱以色列眾人。
7Akatuma shoko kuna Jehoshafati mambo waJudha, achiti, Mambo waMoabhu wandimukira, uchaenda neni kundorwa naMoabhu here? Iye akati, Ndichaenda; ini ndakaita sewe, navanhu vangu savanhu vako, namabhiza angu samabhiza ako.
7他一面起行,一面派人到猶大王約沙法那裡,說:“摩押王背叛了我,你肯不肯和我同去攻打摩押呢?”約沙法說:“我願意去;我和你不分彼此,我的人民就像是你的人民,我的馬就像是你的馬。”
8Iye akati, Tichaenda nenzira ipiko? Akati, Nenzira yokurenje raEdhomu.
8約沙法問:“我們從哪條路上去呢?”約蘭回答:“從以東曠野的路上去。”
9Naizvozvo mambo waIsiraeri akaenda, namambo waJudha, namambo waEdhomu, vakapota vakafamba mazuva manomwe, vakashaiwa mvura yokumwisa hondo nezvipfuwo zvavakanga vanazvo.
9三王聯軍合攻摩押於是以色列王、猶大王和以東王,繞道行了七日的路程。軍隊和隨行的牲畜都沒有水喝。
10Ipapo mambo waIsiraeri akati, Haiwa! Jehovha wakadana madzimambo awa matatu, kuti avaise mumaoko avaMoabhu.
10以色列王說:“哎喲,耶和華招聚這三位君王,是要把他們交在摩押人的手中。”
11Zvino Jehoshafati akati, Hapana muporofita waJehovha pano, tibvunze Jehovha naye here? Mumwe wavaranda vamambo waIsiraeri akapindura, akati, Erisha mwanakomana waShafati ari pano, iye wakadeya kusururidza mvura pamaoko aEria.
11約沙法說:“這裡不是有一位耶和華的先知嗎?我們可以託他求問耶和華。”以色列王的一位臣僕說:“這裡有沙法的兒子以利沙,他從前是服事以利亞的(“他從前是服事以利亞的”原文作“他從前倒水在以利亞手上”)。”
12Jehoshafati akati, Shoko raJehovha riri kwaari. Zvino mambo waIsiraeri, naJehoshafati, namambo waEdhomu vakaenda kwaari.
12約沙法說:“他必有耶和華的話。”於是以色列王、約沙法和以東王都下到他那裡。
13Erisha akati kuna mambo waIsiraeri, Ndineiko nemi? Endai kuvaporofita vababa venyu nokuvaporofita vamai venyu. Mambo waIsiraeri akati kwaari, Kwete, nekuti Jehovha ndiye wakadana madzimambo awa matatu, kuti avaise mumaoko avaMoabhu.
13以利沙的教訓與預言以利沙對以色列王說:“我和你有甚麼關係呢?去問你父親和你母親的先知吧!”以色列王對他說:“不要這樣說,耶和華招聚這三位君王,是要把他們交在摩押人手中。”
14Erisha akati, NaJehovha wehondo mupenyu, iye wandimire pamberi pake, zvirokwazvo dai ndisaiva nehanya naJehoshafati mambo waJudha ari pano, handizaitarira kwamuri, kana kukuonai imi.
14以利沙說:“我指著我所事奉永活的萬軍耶和華起誓,若不是看猶大王約沙法的情面,我根本不會理你,看也不看你。
15Asi zvino uyai kwandiri nomuridzi wembira. Zvino muridzi wembira wakati achiridza, ruoko rwaJehovha rukauya pamusoro pake.
15現在,給我找一個琴師來。”當琴師彈琴的時候,耶和華的能力就臨到他身上。
16Akati, Zvanzi naJehovha, Cherai makoronga mazhinji pamupata uyu.
16以利沙說:“耶和華這樣說:‘要在這山谷到處挖濠溝。’
17Nekuti zvanzi naJehovha, Hamungawoni mhepo, hamungawoni mvura; kunyange zvakadaro mupata uyu uchazadzwa nemvura; imwi muchamwa, imwi nezvipfuwo zvenyu, nezvinotakura nhumbi dzenyu.
17因為耶和華這樣說:‘你們雖然沒有看見風,也沒有看見雨,但這山谷必充滿了水,你們和你們的牲畜都可以有水喝。
18Chinhu ichi chiduku hacho pamberi paJehovha; asi iye uchaisawo vaMoabhu mumaoko enyu.
18這事在耶和華眼中算是小事,他還要把摩押交在你們手中。
19Muchaparadza guta rimwe nerimwe rakasimbiswa, neguta rimwe nerimwe rakatsaurwa, muchatema muti mumwe nomumwe wakanaka, nokudzivira matsime ose emvura, nokushatisa namabwe munda mumwe nomumwe wakanaka.
19你們要攻破所有堅固的城和一切繁華的都市;砍下各種佳美的樹木,堵塞所有水泉,用石頭堆滿一切肥沃的田地。’”
20Zvino fume mangwana, nenguva yokubayira chipo, mvura ikaonekwa ichibva nenzira yaEdhomu, nyika ikazadzwa nemvura.
20到了早上,約在獻祭的時候,忽然有水從以東來,遍地就滿了水。
21Zvino vaMoabhu vose vakati vachinzwa kuti madzimambo akanga asvika kuzorwa navo, vakaungana, vose vakanga vachigona kupfeka nhumbi dzokurwa nadzo, navakavapfuura pamakore, vakandomira pamuganhu.
21摩押人戰敗摩押全國聽見這幾位君王上來要攻打他們,就召集所有能夠穿上武裝的,不論老幼,到邊界上防守。
22Vakamuka mangwanani, vakaona zuva richipenya pamvura, vaMoabhu vakaona mvura vari kure yakatsvuka seropa.
22第二天早上,他們起來的時候,太陽照在水上,摩押人從那邊看見水紅得像血一樣。
23Vakati, Iropa; zvirokwazvo madzimambo aparadzwa, vaurayana; naizvozvo zvino, vaMoabhu, endai mundopamba.
23他們說:“這是血啊!一定是那些王互相攻擊,自相殘殺;現在,摩押人哪,去搶掠吧!”
24Zvino vakati vachisvika pamisasa yavaIsiraeri, vaIsiraeri vakasimuka, vakaparadza vaMoabhu, vakatiza pamberi pavo; vakapinda munyika yavo vachiparadza vaMoabhu.
24他們來到以色列營,以色列人起來,擊殺摩押人,摩押人就在以色列人面前逃跑;以色列人就攻進摩押,擊殺他們。
25Vakaputsa maguta, mumwe nomumwe akakanda ibwe rake pamunda mumwe nomumwe wakanaka, ikazara; vakadzivira matsime ose emvura, vakatema miti yose yakanaka, kusvikira vasiya mabwe oga paKirihareseti, vaposheri vamabwe vakarikomba, vakariparadza.
25他們毀壞城市,各人向一切肥沃的田地拋擲石頭,把田地填滿了,又堵塞一切水泉,砍下各種佳美的樹木,直到吉珥.哈列設只剩下石頭,甩石的兵把它包圍,攻擊它。
26Zvino mambo waMoabhu wakati achiona kuti wakundwa pakurwa, akatora varume vana mazana manomwe vaigona kurwa nomunondo, akaidza kupasanura kuna mambo waEdhomu; asi vakanga vasingagoni.
26摩押王見戰事激烈,無法抵抗,於是帶領七百持刀的兵,想要突圍到以東王那裡,可是不成功,
27Ipapo akatora mwanakomana wake wedangwe, waifanira kumutevera paushe, akamubayira chive chipiriso chinopiswa pamusoro porusvingo. Ipapo vaIsiraeri vakatsamwa kwazvo, vakabva kwaari, vakadzokera kunyika yavo.
27於是他把那要接續他作王的長子,在城牆上獻為燔祭。以色列人就遭遇極大的忿怒,於是離開他,回到自己的地方去了。