Shona

聖經新譯本

2 Kings

6

1Zvino vanakomana vavaporofita vakati kuna Erisha, Tarirai zvino, apa patigere pamberi penyu pakamanikana, hapatiringani.
1以利沙把斧頭浮上來眾先知門徒對以利沙說:“請看,我們在你面前居住的那一個地方,對我們來說實在是太窄小了。
2Titenderei henyu tiende kwaJoridhani, mumwe nomumwe atore dandapo, tizvivakirepo patingagara. Iye akapindura, akati, Endai henyu.
2請你讓我們到約旦河,每人從那裡取一根木頭,我們要在那裡為自己建造一個地方居住。”以利沙說:“你們去吧!”
3Zvino mumwe akati, Tinokumbira kuti imwi mutende kuendawo navaranda venyu. Akapindura akati, Ndichaenda.
3有一個門徒說:“請你和你的僕人們一起去。”他說:“我會去的。”
4Naizvozvo akaenda navo. Vakati vasvika kwaJoridhani, vakatema matanda.
4他就和他們同去。他們到了約旦河,就砍伐樹木。
5Asi mumwe wakati achitema danda, demo ndokuwira mumvura; akadanidzira, achiti, Haiwa! Tenzi wangu! nekuti rakanga rakumbirwa.
5有一個門徒砍伐木頭的時候,斧頭掉到水裡去了。他就喊著說:“慘啦!我主啊,這斧頭是借回來的。”
6Munhu waMwari akati, rawirepiko? Akamuratidza parakanga rawira. Erisha akatema rutanda, akarukandirako, akapapamadza demo.
6神人說:“掉在哪裡呢?”於是他把那地點指給他看。他砍了一根木頭,丟在那裡,那斧頭就浮上來了。
7Akati, Chiritora hako. Iye akatambanudza ruoko rwake, akaritora.
7以利沙說:“你自己拿上來吧。”他就伸手把它拿住了。
8Zvino mambo weSiria wakarwa navaIsiraeri; akarangana navaranda vake, akati, Matende angu anofanira kudzikwa pokuti nopokuti.
8以利沙洩露亞蘭王的計謀亞蘭王與以色列人打仗,他和他的臣僕商議,說:“我要在某處某處埋伏。”
9Zvino munhu waMwari ndokutuma shoko kuna mambo waIsiraeri, akati, Chenjerai, murege kupfuura nopokuti, nekuti vaSiria voburukira ipapo.
9神人就差派人去見以色列王說:“你要小心,不要經過這個地方,因為亞蘭人在那裡埋伏。”
10Ipapo mambo waIsiraeri akatuma vanhu ikoko kwaakaudzwa, nokunyeverwa nomunhu waMwari, akazvingwarirapo asingadaro kamwe nakaviri chete.
10以色列王派人到那地方,就是神人曾告訴他,警告他的,他就在那裡小心防範;這樣不止一兩次。
11Naizvozvo moyo wamambo weSiria wakanyauswa kwazvo pamusoro pechinhu ichi; akadana varanda vake, akati kwavari, Hamungandiratidzi here, kuti ndianiko pakati patiri unonzwana namambo waIsiraeri?
11亞蘭王因為這事心中大感困惑,他召了他的臣僕來,對他們說:“在我們中間有誰幫助以色列王,你們不告訴我嗎?”
12Mumwe wavaranda vake akati, Kwete, ishe wangu mambo, asi Erisha muporofita, ari pakati paIsiraeri, ndiye unoudza mambo waIsiraeri mashoko amunotaura muimba yenyu yomukati.
12他的一位臣僕說:“我主我王啊!不是的;只不過是以色列的以利沙先知,把你在你臥室內所說的話,告知了以色列王。”
13Akati, Endai mundotarira kwaari, nditume vanhu kuzomutora. Akaudzwa, zvichinzi, Uri paDhotani.
13於是王說:“你們去看看他在哪裡,我要派人把他捉住。”有人告訴他說:“看哪!他正在多坍。”
14Naizvozvo akatumirako mabhiza, nengoro, nehondo huru; vakafamba usiku, vakakomba guta.
14亞蘭人圍困多坍他就差派車馬和一大隊軍兵往那裡去,他們在夜間抵達,圍困那城。
15Zvino muranda womunhu waMwari wakati amuka mangwanani, akabuda, ndokuona hondo namabhiza nengoro zvakakomba guta. Muranda wake akati kwaari, Haiwa! Tenzi wangu, tichadiniko?
15神人的侍從清早起來,走出屋子,看見軍隊、車馬圍住了城。神人的僕人對神人說:“慘啦,我主啊!我們怎樣辦才好呢?”
16Iye akapindura, akati, Usatya hako, nekuti vari kwatiri vanopfuura vari kwavari pakuwanda.
16神人說:“不要懼怕,因為和我們在一起的比和他們在一起的更多。”
17Zvino Erisha akanyengetera, akati, Jehovha, svinudzai henyu meso ake, awone. Ipapo Jehovha akasvinudza meso ejaya, akaona gomo rizere namabhiza, nengoro dzomoto zvakanga zvakakomba Erisha.
17以利沙禱告,說:“耶和華啊!請你打開他的眼睛,使他能看見。”於是耶和華打開了僕人的眼睛,他就看見;看哪!那山上布滿了火馬火車,圍繞著以利沙。
18Zvino vakati vachiburukira kwaari, Erisha akanyengetera kuna Jehovha, akati, Dorovai vanhu ava noupofu. Jehovha akavarova noupofu, sezvakanga zvarehwa naErisha.
18亞蘭人下來攻擊以利沙,以利沙就禱告耶和華,說:“求你擊打這民族,使他們瞎眼。”於是耶和華擊打他們,使他們瞎眼,正如以利沙所說的。
19Erisha akati kwavari, Haizi iyo nzira, uye guta iri harizi iro; nditeverei ini, ndikuisei kumunhu wamunotsvaka. Akaenda navo Samaria.
19以利沙對他們說:“這不是那條路,這邊不是那座城;你們跟著我來,我要把你們領到你們要尋找的人那裡。”於是他把他們領到撒瑪利亞。
20Vakati vasvika Samaria, Erisha akati, Jehovha, svinudzai meso avanhu ava, vawone. Jehovha akasvinudza meso avo, vakaona kuti vava mukati meSamaria.
20誘敵入京城並善待他們他們進入撒瑪利亞的時候,以利沙就說:“耶和華啊!求你開這些人的眼睛,使他們能看見。”於是耶和華開了他們的眼睛,他們就看見了。看哪!他們竟是在撒瑪利亞城中。
21Zvino mambo waIsiraeri wakati achivaona, akati kuna Erisha, Baba vangu, ndovauraya here? Ndovauraya here?
21以色列王看見他們,就對以利沙說:“我父啊,我可以擊殺他們嗎?”
22Iye akapindura, akati, Usavauraya; ko ungavauraya vawakatapa nomunondo wako nouta hwako here? Gadzika chingwa nemvura pamberi pavo, vadye, vamwe, vaende kuna tenzi wavo.
22以利沙說:“你不可擊殺他們。你可以擊殺你自己用刀用弓擄回來的人嗎?你要在他們面前擺上食物和水,給他們吃喝,然後回到他們的主人那裡去。”
23Iye akavagadzirira zvokudya zvizhinji; zvino vakati vadya nokumwa, akavaendisa, vakadzokera kuna tenzi wavo. Zvino hondo dzavaSiria hadzina kuzopindazve munyika yaIsiraeri.
23於是王為他們預備盛大的宴會;他們吃喝完了,王打發他們離去,他們就回到他們的主人那裡去了。從此,亞蘭的軍隊不再侵犯以色列地了。
24Shure kwaizvozvo, Bhenihadhadhi mambo weSiria akaunganidza hondo yake yose, akandokomba Samaria.
24亞蘭王圍困撒瑪利亞後來,亞蘭王便.哈達徵召他全部的軍隊上來圍困撒瑪利亞。
25Nzara huru ikavapo paSamaria; nekuti vakarikomba kusvikira musoro wembongoro uchitengeswa namashekeri esirivha ana makumi masere, nechitswanda chiduku chamatoto enjiva chichitengeswa namashekeri esirivha mashanu.
25於是撒瑪利亞發生了極大的饑荒,敵軍繼續包圍,以致一個驢頭要賣九百克銀子,兩百克的鴿子糞也值六十克銀子。
26Zvino mambo waIsiraeri wakati achipfuura napamusoro porusvingo, mumwe mukadzi akadanidzira kwaari, akati, Ndibatsireiwo ishe wangu mambo!
26以色列王在城牆上經過時,有一個婦人向他呼求說:“我主我王啊,救救我!”
27Iye akati, Kana Jehovha asingakubatsiri, ini ndingakubatsira neiko? Nezvinobva paburiro kana pachisviniro chewaini kanhi?
27他說:“如果耶和華不救你,我又從哪裡救你?是從打穀場,或是從榨酒池呢?”
28Mambo akati kwaari, Chiiko chinokunetsa? Akapindura, akati, Mukadzi uyu wakati kwandiri, Uya nomwanakomana wako, timudye nhasi, mangwana tigodya mwanakomana wangu.
28王對她說:“到底有甚麼事呢?”她說:“這婦人對我說:‘把你的兒子交出來,今日我們好把他吃了;明天我們可以吃我的兒子。’
29Naizvozvo takabika mwanakomana wangu, tikamudya; fume mangwana ndikati kwaari, Uya nomwanakomana wako, timudye, iye ndokuvanza mwanakomana wake.
29於是我們把我的兒子煮了,把他吃了。第二日,我對她說:‘把你的兒子交出來,我們好把他吃了。’她卻把她的兒子收藏起來。”
30Ipapo mambo wakati achinzwa mashoko omukadzi, akabvarura nguvo dzake; (zvino wakange achifamba naparusvingo;) vanhu vakatarira, vakaona kuti wakafuka magumbu mukati pamuviri wake.
30王起誓要殺以利沙王聽見那婦人的話,就撕裂衣服,他當時正在城牆上,人民都看見他;看哪,他裡面貼身穿著的是件麻衣。
31Ipapo akati, Mwari ngaandirove, arambe achidaro, kana musoro waErisha mwanakomana waShafati ukaramba uri pamusoro pake nhasi.
31他說:“如果今日沙法的兒子以利沙的頭仍留在他身上,願 神懲罰我,而且加倍懲罰我。”
32Asi Erisha wakange agere mumba make, vakuru vagerewo naye; mambo akatuma munhu kuzomutungamirira; asi nhume ichigere kusvika kwaari, akati kuvakuru, Munoona here kuti mwana uyu womuurayi watuma munhu kuzobvisa musoro wangu? Tarirai, kana nhume ichisvika, mupfige mukova, mutsigirire mukova; kutsika kwetsoka dzatenzi wake hakunzwiki shure kwake here?
32那時,以利沙正坐在自己的屋子裡,眾長老也和他坐在一起。王差派一個在他面前侍立的人去,那使者去到以利沙那裡以前,以利沙對眾長老說:“你們看這兇手之子派人來取我的首級。你們留意那使者來到的時候,你們要把門關上,把他擋在門外。他主人的腳步聲不是在他後面嗎?”
33Zvino wakati achitaurirana navo, nhume ikaburukira kwaari; iye akati, Tarirai, chakaipa ichi chinobva kuna Jehovha; ndichamirireiko Jehovha?
33他和眾長老還在說話的時候,看哪,王(“王”原文作“使者”)就下到他那裡,說:“看哪,這災禍是從耶和華來的,我為甚麼還仰望耶和華呢?”