1Zvino gore rakati rapera, panguva yokurwa kwamadzimambo, Dhavhidhi akatuma Joabhu pamwechete navaranda vake navaIsiraeri vose; vakaparadza vana vaAmoni, vakakombawo Rabha. Asi Dhavhidhi wakasara Jerusaremu.
1大衛犯罪過了年,在列王出征的時候,大衛派遣約押和自己的臣僕,以及以色列眾軍一同出征。他們殲滅了亞捫人,並且包圍了拉巴。大衛卻留在耶路撒冷。
2Zvino nenguva yamadekwana, Dhavhidhi akamuka panhovo dzake, akafamba pamusoro pedenga reimba yamambo; akaona, aripo padenga, mukadzi wakange achishamba; zvino mukadzi uyo wakange akanaka kwazvo pakuonekwa kwake.
2有一天近黃昏的時候,大衛從床上起來,在王宮的平頂上散步。他從平頂上看見一個婦人在洗澡;這婦人容貌美麗。
3Dhavhidhi akatuma munhu kundobvunza kuti mukadzi uyo ndianiko? Mumwe akati, Ko haazi iye Bhatishebha mukunda waEriami, mukadzi waUriya muHiti here?
3大衛派人去查問那婦人是誰。有人說:“這不是以連的女兒、赫人烏利亞的妻子拔示巴嗎?”
4Dhavhidhi akatuma nhume kundomutora, akasvika kwaari, akavata naye (nokuti wakange anatswa pakusanaka kwake;) iye akadzokera kumba kwake.
4於是大衛差派使者去把她接來。她來到大衛那裡,大衛就與她同房。那時她的月經剛得潔淨。事後,她就回家去了。
5Mukadzi akatora mimba, akatuma shoko kuna Dhavhidhi akamuudza akati, Ndava nemimba,
5後來那婦人懷了孕,就打發人去告訴大衛,說:“我懷孕了!”
6Dhavhidhi akatuma shoko kuna Joabhu, akati, Tuma Uriya muHiti, auye kwandiri. Joabhu akatuma Uriya kuna Dhavhidhi.
6大衛派人到約押那裡,說:“你打發赫人烏利亞到我這裡來。”約押就打發烏利亞去見大衛。
7Zvino Uriya wakati achisvika kwaari, Dhavhidhi akamubvunza kuti, Joabhu wakadini, navanhu vakadini, nokurwa kwakadini.
7烏利亞來到大衛那裡,大衛就問約押和士兵可好,又問戰場上的情形怎樣。
8Zvino Dhavhidhi akati kuna Uriya, Burukira kumba kwako, undoshambidza tsoka dzako. Uriya akabva paimba yamambo, akatumirwa chipo chezvokudya namambo.
8大衛對烏利亞說:“你回家去,洗洗腳吧!”烏利亞就離開了王宮。隨後王的一份禮物也跟著送去。
9Asi Uriya wakavata pamukova weimba yamambo pamwechete navaranda vose vatenzi wake, haana kuburukira kumba kwake.
9烏利亞卻和他主人的臣僕一同睡在王宮門外,沒有回到自己家裡去。
10Zvino Dhavhidhi wakati achiudzwa kuti Uriya haana kuburukira kumba kwake, Dhavhidhi akati kuna Uriya, Hauna kubva kurwendo here? Waregereiko kuburukira kumba kwako?
10有人告訴大衛說:“烏利亞沒有下到自己家裡去。”大衛就問烏利亞:“你不是從遠路回來嗎?為甚麼不下到自己家裡去呢?”
11Uriya akati kuna Dhavhidhi, Areka, navaIsiraeri, navaJudha vagere mumatumba, nashe wangu Joabhu, navaranda vashe wangu vari mumatende avo kusango; zvino ini ndingapinda seiko mumba mangu ndidye, ndivate nomukadzi wangu? Noupenyu bwenyu, uye noupenyu hwomweya wenyu, handingatongoiti chinhu ichi.
11烏利亞回答大衛說:“約櫃、以色列人和猶大人都住在棚裡,我主人約押和我主人的臣僕都在野地安營,我怎能回家吃喝,與妻子同睡呢?我指著王和王的生命發誓:我絕不敢作這樣的事。”
12Dhavhidhi akati kuna Uriya, Gara pano nanhasi, mangwana ndichakutendera kuenda. Naizvozvo Uriya akagara Jerusaremu zuva iro neramangwana.
12大衛對烏利亞說:“你今天還留在這裡,明天我才打發你去。”那一天,烏利亞就留在耶路撒冷。
13Ipapo Dhavhidhi akamudana, akadya nokumwa pamberi pake, akamubatisa nedoro; zvino madeko akabuda akandovata panhovo dzake navaranda vashe wake, asi haana kuburukira kumba kwake.
13次日,大衛召了烏利亞來,叫烏利亞與他一起吃喝,使他喝醉。到了晚上,烏利亞出去,與他主人的臣僕一同睡在自己的床鋪上,還是沒有下到自己家裡去。
14Zvino mangwana Dhavhidhi akanyorera Joabhu rugwaro, akarutuma noruoko rwaUriya.
14設計殺害烏利亞到了早晨,大衛寫了一封給約押的信,交烏利亞親手帶去。
15Akanyora parugwaro, akati, Isa Uriya pamberi panonyanyisa kurwiwa, mumusiye ari oga, aurawe afe.
15他在信裡寫著說:“要把烏利亞派到戰鬥最猛烈的前線去,然後你們就退到他後邊,讓他被擊殺。”
16Zvino Joabhu wakati acherekedza guta, akaisa Uriya paakanga achiziva kuti varume voumhare varipo.
16那時,約押正在圍城,他知道哪裡有強悍的守軍,就派烏利亞到那裡去。
17Vanhu veguta vakabuda kuzorwa naJoabhu, vamwe varanda vaDhavhidhi vakaurawa, naiye Uriya muHiti akafawo.
17城裡的人出來,與約押交戰。大衛的僕人中有一些倒斃了,赫人烏利亞也死了。
18Ipapo Joabhu akatuma munhu kundoudza Dhavhidhi mashoko ose okurwa.
18於是,約押派人去把戰事的一切情形都報告大衛。
19Akaraira nhume, akati, Kana wapedza kurondedzera kuna mambo mashoko ose okurwa,
19他又吩咐那使者說:“你把戰事的一切情形對王說完了以後,
20kana kutsamwa kwamambo kukamuka, iye akati kwauri, Makaswederereiko pedo zvikuru neguta pakurwa kwenyu? Hamuna kuziva here kuti vachafura vari parusvingo?
20王若是大怒,責問你:‘你們為甚麼那樣靠近那城爭戰呢?你們不知道敵人會從城牆上射箭下來嗎?
21Ndianiko wakauraya Abhimereki mwanakomana waJeribhesheti? wakange asiri mukadzi wakakanda huyo pamusoro pake ari parusvingo, akafira paTebhezi here? Makaswederereiko pedo zvikuru norusvingo? Ipapo iwe uti, Muranda wenyu Uriya muHiti, wafawo.
21從前擊殺了耶路.比設的兒子亞比米勒的是誰呢?不是一個婦人從城牆上把一塊磨石丟在他身上,他就死在提備斯嗎?你們為甚麼靠近城牆呢?’你就回答:‘王的僕人赫人烏利亞也死了。’”
22Naizvozvo nhume yakaenda, ikasvika, ikaudza Dhavhidhi zvose zvayakanga yatumirwa naJoabhu.
22於是那使者去了;他一來到,就把約押差遣他所要說的一切都報告了大衛。
23Nhume ikati kuna Dhavhidhi, Varume avo vakatikurira, vakabudira kwatiri kusango, tikavadzingirira kusvikira pavanopinda napo pasuwo.
23那使者又對大衛說:“那些人比我們強,他們出到曠野攻打我們,我們把他們趕回城門口。
24Vafuri vakafura varanda venyu vari parusvingo, vamwe varanda vamambo vakafa, naiye muranda wenyu Uriya muHiti wafawo.
24那時射手從城牆上射王的僕人;王的僕人中有些陣亡了,你的僕人赫人烏利亞也死了。”
25Ipapo Dhavhidhi akati kunhume, Iti kuna Joabhu, Izvi ngazvirege kukusuwisa, nekuti munondo unoparadza mumwe pano nomumwe kumwe; tsunga hako pakurwa neguta, uriputse; newe enda undomusimbisa.
25大衛對那使者說:“你要對約押這樣說:‘不要為這件事難過,因為刀劍有時吞滅這人,有時吞滅那人。你只要加緊攻打這城,把城毀滅。’你要這樣鼓勵他。”
26Zvino mukadzi waUriya wakati anzwa kuti murume wake Uriya wafa, akachema murume wake.
26娶拔示巴為妻烏利亞的妻子聽到丈夫烏利亞死了,就為他哀哭。
27Akati apedza kuchema, Dhavhidhi akatuma nhume kumutora, akamuisa mumba make, akava mukadzi wake, akamuberekera mwana komana. Asi chinhu ichi, chakanga chaitwa naDhavhidhi, hachina kufadza Mwari.
27守喪期一過,大衛就派人去把拔示巴接到宮裡,她就作了大衛的妻子,給大衛生了一個兒子。大衛所作的這事,耶和華看為惡。