1Zvino Dhavhidhi wakati, Kuchinomumwe wakasara weimba yaSauro, wandingaitira zvakanaka nokuda kwaJonatani here?
1大衛厚待米非波設大衛問:“掃羅家還有剩下的人沒有?我要因約拿單的緣故,以慈愛待他。”
2Zvino kwakanga kuchinomuranda weimba yaSauro wainzi Zibha, vakamudanira kuna Dhavhidhi; mambo akati kwaari, Ndiwe Zibha here? Iye akati, Muranda wenyu ndiye.
2掃羅家有一個僕人,名叫洗巴。有人叫他來見大衛;王問他:“你是洗巴嗎?”他回答:“僕人正是。”
3Mambo akati kwaari, Hakuchina mumwe weimba yaSauro, wandingaitira kunaka kwaMwari here? Zibha akati kuna mambo, Jonatani uchinomwanakomana wakaremara tsoka.
3王又問:“掃羅家還有人沒有?我要以 神的慈愛待他。”洗巴回答王說:“還有約拿單的一個兒子,他雙腳殘廢了。”
4Mambo akati kwaari, Uripi? Zibha akati kuna mambo, Tarirai, uri kumba kwaMakiri mwanakomana waAmieri paRhodhebhari.
4王又問他說:“他在哪裡?”洗巴回答王說:“他在羅.底巴亞米利的兒子瑪吉家裡。”
5Ipapo mambo Dhavhidhi akatuma nhume kundomutora kumba kwaMakiri mwanakomana waAmieri paRhodhebhari.
5於是大衛王派人去把他從羅.底巴亞米利的兒子瑪吉家裡接來。
6Naizvozvo Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, akasvika kuna Dhavhidhi, akawira pasi nechiso chake, akamupfugamira. Dhavhidhi akati, Mefibhosheti! Iye akapindura akati, Tarirai muranda wenyu.
6掃羅的孫子,約拿單的兒子米非波設來到大衛面前,俯伏叩拜。大衛說:“米非波設!”他回答:“僕人在這裡。”
7Dhavhidhi akati kwaari, Usatya, nekuti zvirokwazvo ndichakuitira zvakanaka nokuda kwaJonatani baba vako, uye ndichakudzosera nyika yose yababa vako Sauro; iwe uchagara uchidya zvokudya patafura yangu.
7大衛對他說:“你不要怕,我必因你父親約拿單的緣故,以慈愛待你,把你祖父掃羅所有的田地都歸還給你;你也可以常常與我同席吃飯。”
8Iye akamupfugamira akati, Muranda wenyu chinyiko, zvamakatarira imbwa yakafa seni?
8米非波設再叩拜說:“僕人算甚麼?你竟然眷顧我這個像條死狗的人!”
9Ipapo mambo akadana Zibha muranda waSauro, akati kwaari, Zvose zvakanga zviri zvaSauro neimba yake yose, ndakazvipa mwanakomana watenzi wako.
9王把掃羅的僕人洗巴召來,對他說:“我已經把屬於掃羅,以及他全家所有的一切,給了你主人的孫子。
10Iwe unofanira kumurimira minda, iwe navanakomana vako, navaranda vako, nokukohwa mbesa kuti mwanakomana watenzi wako ave nezvokudya zvaangadya; asi Mefibhosheti mwanakomana watenzi wako, uchagara achidya zvokudya patafura yangu. Zvino Zibha waiva navanakomana vane gumi navashanu navaranda vana makumi maviri.
10你和你的兒子,以及你的僕人,都要替他耕種田地;你要把所收穫的拿來,供他食用。米非波設要常常與我同席吃飯。”洗巴有十五個兒子,二十個僕人。
11Ipapo Zibha akati kuna mambo, Muranda wenyu uchaita zvose zvinorairwa muranda wenyu nashe wangu mambo. Mambo akati, Kana ari Mefibhosheti, iye ucharamba achidya patafura yangu, somumwe wavanakomana vamambo.
11洗巴對王說:“我主我王吩咐僕人的一切,僕人都必遵行。”於是米非波設與王同桌吃飯,像是王的一個兒子一樣。
12Zvino Mefibhosheti waiva nomwanakomana muduku, wainzi Mika. Uye vose vakanga vagere mumba maZibha vaiva varanda vaMefibhosheti.
12米非波設有一個小兒子,名叫米迦。住在洗巴家裡的人,都作了米非波設的僕人。
13Naizvozvo Mefibhosheti wakagara Jerusaremu, nekuti waigara achidya patafura yamambo; wakange akaremara tsoka dzake dzose.
13這樣,米非波設住在耶路撒冷,常常與王同席吃飯。可是他的雙腿都是瘸的。