Shona

聖經新譯本

2 Timothy

3

1Asi uzivewo ichi, kuti mumazuva ekupedzisira nguva dzekutambudzika dzichasvika.
1末世的情況你應當知道,末後的日子必有艱難的時期來到。
2Nekuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanyombi, vasingateereri vabereki, vasingavongi, vasiri vatsvene,
2那時,人會專愛自己、貪愛錢財、自誇、高傲、褻瀆、悖逆父母、忘恩負義、不聖潔、
3vasina rudo rwechisikigo, vasingadi kuyanana, vacheri, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvakanaka,
3沒有親情、不肯和解、惡言中傷、不能自律、橫蠻兇暴、不愛良善、
4vatengesi, vanongomhanyirira, vane manyawi, vanoda mafaro kupfuura kuda Mwari;
4賣主賣友、容易衝動、傲慢自大、愛享樂過於愛 神,
5vane mufananidzo weuMwari, asi vakaramba simba rako; ubve pavanhu vakadai.
5有敬虔的形式,卻否定敬虔的能力;這些人你應當避開。
6Nekuti pane ivava varipo vanopinda mudzimba vachiverevedza, vachitapa zvikadzi nzenza, vakaremedzwa nezvivi, vanozvuzvurudzwa nekuchiva kwakasiyana siyana,
6他們中間有人潛入別人的家裡,操縱無知的婦女。這些婦女被罪壓住,又被各種私慾拖累,
7zvinongogara zvichidzidza, asi hazvitongogoni kusvika paruzivo rwechokwadi.
7雖然常常學習,總不能充分明白真理。
8Jane naJambere sezvavakapikisa Mozisi, saizvozvo ava vanoramba chokwadi, vanhu vendangariro dzakaodzwa, vakarashwa parutendo.
8從前雅尼和楊蓓怎樣反對摩西,這些人也怎樣反對真理。他們的心思敗壞,信仰也經不起考驗。
9Asi havachapfuuriri mberi, nekuti upenzi hwavo hwuchaonekwa kune vose, sezvakazoita hwavowo.
9然而他們不能再這樣下去了,因為他們的愚昧終必在眾人面前顯露出來,好像那兩個人一樣。
10Asi iwe wakatevera zvakazara dzidziso yangu, mufambiro, chinangwa, rutendo, moyo murefu, rudo, kutsungirira,
10聖經都是 神默示的但是,你已經了解我的教訓、品行、志向、信心、寬容、愛心和忍耐,
11kushushwa, nenhamo, zvakandiwira paAndiyokiya, paIkoniyamu, napaRistra, kushushwa kwakadini kwandakatsunga makuri, uye Mwari wakandinunura maari ose.
11以及我在安提阿、以哥念、路司得所受的苦和迫害。我所忍受的是怎樣的迫害;這一切主都救我脫離了。
12Hongu, nevose vanoda kurarama muuMwari muna Kristu Jesu vachashushwa;
12其實,所有立志在基督耶穌裡過敬虔生活的,都必遭受迫害。
13asi vanhu vakaipa nevanyengeri vachaenderera mberi pakuipa vachitsausa nekutsauswa.
13但惡人和騙子必越來越壞,他們欺騙人,也必受欺騙。
14Asi iwe rambira pazvinhu zvawakadzidza uye zvakasimbiswa kwauri, uchiziva kuti wakazvidzidza kuna ani,
14你應當遵守所學和確信的;你知道是跟誰學的,
15uye kuti kubvira paucheche wakaziva magwaro matsvene, anogona kukuchenjedza kusvikira pakuponeswa kubudikidza nerutendo rwuri muna Kristu Jesu.
15並且知道自己從小就明白聖經,這聖經能夠使你有智慧,可以因信基督耶穌得著救恩。
16Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari runobatsira padzidziso, pakutsiura, pakururamisa, nekuraira kuri mukururama,
16全部聖經都是 神所默示的,在教訓、責備、矯正和公義的訓練各方面,都是有益的,
17kuti munhu waMwari ave wakakwana, agadzirirwa kwazvo basa rose rakanaka.
17為要使屬 神的人裝備好,可以完成各樣的善工。