1Rondedzero yekutanga ndakaiita, haiwa Teofiro, pamusoro pezvose Jesu zvaakatanga kuti kuita akati kudzidzisa,
1吩咐門徒等候聖靈提阿非羅先生:我已經寫了前書,敘述耶穌開始所行所教的一切,
2kusvikira zuva raakakwidzwa, amboraira neMweya Mutsvene kuvaapositori vaakange asarudza;
2一直到他藉著聖靈吩咐所揀選的使徒之後,被接上升的日子為止。
3vaakazviratidzawo kwavari ari mupenyu shure kwekutambudzika kwake neuchapupu uzhinji hunopwisa, achionekwa navo mazuva makumi mana, achitaura zvinhu zvoushe hwaMwari.
3他受難以後,用許多憑據向使徒顯示自己是活著的。他向使徒顯現,並且講論 神的國的事,有四十天之久。
4Zvino aungana navo, akavaraira kuti varege kubva muJerusarema asi vamirire chivimbiso chaBaba, chamakanzwa neni;
4耶穌和他們一同吃飯的時候,吩咐他們不要離開耶路撒冷,說:“你們要等候父的應許,就是你們聽我講過的,
5nekuti Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nemvura, asi imwi muchabhabhatidzwa neMweya Mutsvene kusati kwapfuura mazuva awa mazhinji.
5約翰是用水施洗,但再過幾天,你們要受聖靈的洗。”
6Naizvozvo ivo vakati vaungana vakamubvunza vachiti: Ishe, muchadzosera ushe kuIsraeri nenguva ino here?
6耶穌升天他們聚集的時候,問耶穌說:“主啊,你要在這時候使以色列復國嗎?”
7Zvino akati kwavari: Hazvisi zvenyu kuziva nguva kana misi Baba yavakatara nesimba ravo romene;
7耶穌說:“父憑著自己的權柄所定的時間或日期,你們不必知道。
8asi muchagamuchira simba, Mweya Mutsvene asvika pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu zvose paJerusarema nemuJudhiya mose nemuSamaria, kusvikira kumugumo wenyika.
8可是聖靈降臨在你們身上,你們就必領受能力,並且要在耶路撒冷、猶太全地、撒瑪利亞,直到地極,作我的見證人。”
9Zvino wakati areva zvinhu izvi, akakwidzwa vakatarira, negore rikamubvisa pameso avo.
9說完了,他們還在看的時候,他被接上升,有一朵雲把他接去,就看不見他了。
10Zvino vachakatarisisa kudenga, achikwira, tarira, varume vaviri vakamira navo nenguvo chena;
10當他往上升,他們定睛望天的時候,忽然有兩個人,身穿白衣,站在他們旁邊,說:
11ivowo vakati: Varume veGarirea, makamirirei makatarisisa kudenga? Iyeyu Jesu, unobviswa kwamuri achikwidzwa kudenga, uchauya saizvozvo sezvamunomuona achienda kudenga.
11“加利利人哪,為甚麼站著望天呢?這位被接升天離開你們的耶穌,你們看見他怎樣往天上去,他也要怎樣回來。”
12Zvino vakadzokera kuJerusarema vachibva pagomo rinonzi reMiorivhi riri pedo neJerusarema, chinhambwe cherwendo rwesabata.
12選出馬提亞作使徒後來,他們從橄欖山回到耶路撒冷。那山靠近耶路撒冷,有一安息日可走的路程。
13Vakati vapinda, vakakwira muimba yepamusoro apo paigara vose Petro naJakobho naJohwani naAndiriya, Firipi naTomasi, Bhatironomiyo naMatewu, Jakobho waArifio naSimoni muZiroti, naJudhasi waJakobho.
13他們進了城,上了一間樓房,就是彼得、約翰、雅各、安得烈、腓力、多馬、巴多羅邁、馬太、亞勒腓的兒子雅各、激進派的西門、雅各的兒子猶大等人所住的。
14Ava vose vakatsungirira nemoyo umwe mumunyengetero nemukumbiro, pamwe nevakadzi, naMaria mai vaJesu, uye nevanin'ina vake.
14這些人和幾個婦女,耶穌的母親馬利亞,還有他的兄弟們,都在一起,同心地恆切禱告。
15Zvino mumazuva iwayo Petro wakasimuka pakati pevadzidzi akati (kwaiva nechaunga nevanhu pamwe vanenge zana nemakumi maviri):
15那時,約有一百二十人聚會,彼得在眾弟兄中間站起來說:
16Varume hama, zvakafanira kuti rugwaro urwu rwuzadziswe, Mweya Mutsvene zvawakagara wataura nemuromo waDhavhidhi pamusoro paJudhasi, wakange ari mutungamiriri wevaya vakabata Jesu,
16“弟兄們,經上的話,就是聖靈藉著大衛的口,預言那領人捉拿耶穌的猶大的事,是一定會應驗的。
17nekuti wakange achiverengwa pamwe nesu, akagamuchira mugove weushumiri uhwu.
17他本是我們中間的一個,一同領受了這職分。
18Zvino uyu wakawana munda nemubairo wezvakaipa, akawa nemusoro, akaparuka nepakati, ura hwake hwese hukabvajukira kunze.
18他用不義的酬勞買了一塊田,結果倒頭栽了下去,腹破腸流。
19Zvikanzwikwa kuvagari vose paJerusarema, kusvikira munda uyo watumidzwa nerurimi rwavo pachavo kuti Akeridhama, ndiko kuti: Munda weropa.
19這事住在耶路撒冷的人全都知道,所以按當地的話,那塊地稱為亞革大馬,意思就是‘血田’。
20Nekuti zvakanyorwa mubhuku reMapisarema zvichinzi: Musha wake ngauve dongo, uye kurege kuva neunogara mauri; uye: Utariri hwake, umwe ngaatore.
20因為詩篇上寫著:‘願他的住處變為荒場,無人居在其中。’又說:‘願別人取代他的職分。’
21Naizvozvo zvakafanira pavarume ava vaifamba nesu nguva yose, apo Ishe Jesu vaipinda nekubuda pakati pedu,
21所以,從約翰施洗起,直到主離開我們被接上升的那天為止,當他在我們中間來往的時候,那些跟我們常在一起的人中,應該有一個人出來與我們一同作耶穌復活的見證人。”
22kutanga parubhabhatidzo rwaJohwani, kusvikira pazuva raakwidzwa kubva kwatiri, umwe wavo ngaave chapupu pamwe nesu chekumuka kwake.
22
23Zvino vakamisa vaviri: Josefa wainzi Bhasabhasi, wakatumidzwawo Jusito, naMatiasi.
23於是他們提出兩個人:約瑟(號稱巴撒巴,又名猶士都)和馬提亞,
24Vakanyengetera vachiti: Imwi Ishe, imwi munoziva moyo yevose, taridzai umwe pavaviri ava wamasarudza,
24就禱告說:“主啊!你知道萬人的心,求你從這兩個人中,指明你要揀選誰,
25kugamuchira mugove paushumiri nevuapositori uhu, Judhasi hwaakatsauka pahuri, kuti aende panzvimbo yake pachake.
25來承擔這使徒的職位和工作。這職位猶大已經放棄,往他自己的地方去了。”
26Zvino vakavapa mujenya yavo, mujenya ukawira pana Matiasi; akaverengwa pamwe nevaapositori vanegumi neumwe.
26大家就為他們抽籤,結果抽中了馬提亞,他就與十一使徒同列。