1Zvino vaapositori nehama dzaiva paJudhiya vakanzwa kuti vahedheni vagamuchirawo shoko raMwari.
1彼得向耶路撒冷教會報告使徒和在猶太的弟兄們,聽說外族人也接受了 神的道。
2Zvino Petro wakati akwira kuJerusarema, vekudzingiswa vakapokana naye,
2彼得上到耶路撒冷的時候,那些守割禮的人與他爭論,
3vachiti: Wakapinda muvarume vasina kudzingiswa, ukadya navo.
3說:“你竟然到未受割禮的人那裡,跟他們一起吃飯!”
4Asi Petro atanga wakavarondedzera zvichitevedzana achiti:
4彼得就按著次序向他們講解,說:
5Ini ndakange ndiri muguta reJopa ndichinyengetera, zvino muchiyeverwa ndakaona chiratidzo, umwe mudziyo wakaburuka, semucheka mukuru unoburuswa kubva kudenga nemakona mana, ndokusvika kwandiri;
5“我在約帕城禱告的時候,魂遊象外,見到異象:有一件東西,好像一塊大布,綁著四角,從天上降下來,一直來到我面前。
6wandakati ndatarisisa ndacherekedza, zvino ndakaona mhuka dzine makumbo mana dzenyika nezvikara nezvinokambaira neshiri dzedenga.
6我定睛觀察,看見裡面有地上的四足牲畜、走獸,還有昆蟲和天空的飛鳥。
7Zvino ndakanzwa inzwi richiti kwandiri: Simuka, Petro, baya udye.
7我也聽見有聲音對我說:‘彼得,起來,宰了吃!’
8Asi ndakati: Aiwa kwete Ishe; nekuti hakuna chisakachena kana chine tsvina chakatongopinda mumuromo mangu.
8我說:‘主啊,千萬不可,因為俗物或不潔的東西,從來沒有進過我的口。’
9Asi inzwi rakandipindura rwechipiri richibva kudenga richiti: Mwari chaachenesa, iwe usati chakasviba.
9第二次又有聲音從天上回答:‘ 神所潔淨的,你不可當作俗物。’
10Uye izvi zvakaitika kusvikira katatu, zvose ndokukweverwazve kumusoro kudenga.
10這樣一連三次之後,所有的東西都拉回天上去了。
11Zvino tarira, pakarepo varume vatatu vamire pamberi pemba yandakange ndiri, vatumwa kwandiri kubva kuKesariya.
11就在那個時候,有三個從該撒利亞派到我這裡來的人,站在我住的房子門前。
12Mweya ndokuti kwandiri ndiende navo, ndisingakahadziki chinhu; nehama idzi nhanhatuwo dzakaenda neni, zvino takapinda mumba memurume uyu;
12聖靈吩咐我跟他們一起去,一點也不要疑惑。這六位弟兄也跟我一起去,我們就進了那人的家。
13iye akatipira kuti wakaona sei mutumwa amire mumba make, achiti kwaari: Tumira varume kuJopa, ugodana Simoni, unonzi Petro,
13他告訴我們,他怎樣看見天使站在他家裡說:‘派人到約帕去,請那個名叫彼得的西門來,
14uchakuudza mashoko, auchaponeswa nawo iwe nemhuri yako yose.
14他有話要告訴你,使你和你全家都可以得救。’
15Zvino ndakati ndichatanga kutaura, Mweya Mutsvene wakaburukira pamusoro pavo, sezvazvakaita pamusoro pedu pakutanga.
15我一開始講話,聖靈就降在他們身上,正像當初降在我們身上一樣。
16Zvino ndakarangarira shoko raIshe, kuti wakataura sei achiti: Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nemvura, asi imwi muchabhabhatidzwa neMweya Mutsvene.
16我就想起主所說的話:‘約翰用水施洗,但你們要受聖靈的洗。’
17Naizvozvo kana Mwari avapa chipo chakafanana nechaakapa kwatiriwo, takatenda kuna Ishe Jesu Kristu, ini ndaiva ani waigona kudzivisa Mwari?
17 神既然把同樣的恩賜給他們,像給我們這些信了主耶穌基督的人一樣,我是誰,我能夠阻止 神嗎?”
18Zvino vakati vanzwa zvinhu izvozvi vakanyarara, vakarumbidza Mwari, vachiti: Naizvozvo Mwari wakapawo kuvahedheni kutendeukira kuupenyu.
18眾人聽見這些話,就默然無聲,把榮耀歸給 神,說:“這樣看來, 神也把悔改的心賜給外族人,使他們得生命。”
19Zvino avo vakapararira nekushushwa kwakaitika pamusoro paSitefano vakagura kusvikira paFenikia neSaipuresi neAndiyokia, vasingatauri shoko kuna ani asi kuvaJudha chete.
19安提阿的教會那些因司提反事件遭受苦難而四散的門徒,一直走到腓尼基、塞浦路斯、安提阿;他們不對別人傳講,只對猶太人傳講。
20Asi kwaiva nevamwe vavo, varume vaSaipuresi nevaSairini vakati vasvika kuAndiyokiya, vakataura kuvaHerenisiti*, vachiparidza mashoko akanaka aIshe Jesu.
20但其中有些塞浦路斯人和古利奈人,來到安提阿,也對希臘人傳講主耶穌。
21Neruoko rwaIshe rwaiva navo; uye uwandu ukuru hwakatenda hwukatendeukira kuna Ishe.
21主的手與他們同在,信而歸主的人就多起來。
22Zvino shoko pamusoro pavo rikanzwikwa munzveve dzekereke yaiva paJerusarema; zvino vakatuma Bhanabhasi kuti agure kunosvika Andiyokiya;
22這事傳到耶路撒冷教會的耳中,他們就派巴拿巴到安提阿去。
23iye asvika ndokuona nyasha dzaMwari akafara, akavakurudzira vose kuti vanamatire Ishe nekuzvipira kwemoyo;
23他到了那裡,看見 神所施的恩,就很歡喜,勸勉眾人堅心靠主。
24nekuti waiva murume wakanaka, uye azere neMweya Mutsvene uye nekutenda; chaunga chikuru ndokuwedzerwa kuna Ishe.
24巴拿巴是個好人,滿有聖靈和信心,於是許多人歸了主。
25Bhanabhasi ndokubuda akaenda kuTaso kunotsvaka Sauro.
25後來他到大數去找掃羅,
26Zvino wakati amuwana akamuuisa kuAndiyokiya. Zvino zvikaitika kuti gore rose vakaungana mukereke vakadzidzisa chaunga chikuru; uye vadzidzi vakatanga kunzi vaKristu paAndiyokia.
26找到了,就帶他來安提阿。足足有一年,他們一同在教會聚集,教導了許多人。門徒稱為基督徒,是從安提阿開始的。
27Zvino nemazuva iwayo, vaporofita vakaburukira kuAndiyokia vachibva kuJerusarema.
27那時,有幾位先知從耶路撒冷下到安提阿。
28Zvino kwakasimuka umwe wavo wainzi Agabhusi, ndokuratidza neMweya kuti nzara huru ichavapo panyika yose; yakaitikawo panguva yaKiraudhio Kesari.
28其中有一個名叫亞迦布的站起來,藉著聖靈指出天下將要有大饑荒;這事在革老丟時期果然發生了。
29Uye vadzidzi vakazvipira kuti chero ani paaigona napo, umwe neumwe wavo atume zvinobatsira kuhama dzigere muJudhiya;
29於是門徒決定按著各人的力量捐款,好送給住在猶太的弟兄。
30zvavakaitawo, vakatumira kuvakuru neruoko rwaBhanabhasi naSauro.
30他們就這樣行了,由巴拿巴和掃羅經手送到長老們那裡。