Shona

聖經新譯本

Acts

17

1Zvino vakati vagura nemuAmufipori neAporonia, vakasvika paTesaronika paiva nesinagoge revaJudha;
1帖撒羅尼迦的騷動保羅和西拉經過暗非波里、亞波羅尼亞,來到帖撒羅尼迦,在那裡有猶太人的會堂。
2Zvino setsika yaPauro wakapinda kwavari, masabata matatu akataurirana navo kubva mumagwaro,
2保羅照他的習慣進去,一連三個安息日,根據聖經與他們辯論,
3achizarura nekuratidza kuti Kristu waifanira kutambudzika nekumukazve kuvakafa, uye kuti Jesu uyu wandinoparidza kwamuri, ndiye Kristu.
3講解證明基督必須受害,從死人中復活,說:“我所傳給你們的這位耶穌,就是基督。”
4Vamwe vavo vakatenda, vakazvibatanidza naPauro naSirasi, nechaunga chikuru chevaGiriki vainamata Mwari, nevakadzi vaikudzwa vasiri vashoma.
4他們中間有人給說服了,就附從了保羅和西拉;還有一大群虔誠的希臘人,和不少顯要的婦女。
5Asi vaJudha vakange vasingatendi vakaita godo, vakatora vamwe varume vakaipa, dzaiva simbe, vakaunganidza chikwata, vakaita mhirizhonga paguta rose; vakawira imba yaJasoni, vachida kuvabudisira kuvanhu.
5但猶太人嫉妒起來,招聚了一些市井流氓,糾合成群,騷動全城,衝進了耶孫的家,搜索保羅和西拉,要把他們交給民眾。
6Vakati vasingavawani, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama kuvatongi veguta, vachidanidzira vachiti: Ava vakapidugura nyika vasvika nepanowo,
6搜索不到他們,就把耶孫和幾個弟兄,拉到地方長官那裡,喊叫著說:“這些擾亂天下的人,也到這裡來了,
7Avo Jasoni vaakagamuchira; ava vose vanoita zvinopesana nezviga zvaKesari vachiti umwe mambo uriko unonzi Jesu.
7耶孫卻收留他們。這些人都違背凱撒的法令,說另外還有一個王耶穌。”
8Vakavhiringidza vanhu nevatongi veguta pavakanzwa izvi zvinhu.
8群眾和地方長官聽見這話,就驚慌起來,
9Zvino vakati vatora chibatiso kuna Jasoni nekuvamwe, vakavarega.
9取得耶孫和其餘的人簽保後,才放了他們。
10Pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi Bheriya usiku; ivo vakati vachisvika vakapinda musinagoge revaJudha.
10來到比里亞弟兄們當夜立刻送保羅和西拉往比里亞去。二人到了,就進入猶太人的會堂。
11Ava vakange vakanaka kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nemwoyo wose, vachinzvera magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo zvaiva izvo.
11這裡的人,比帖撒羅尼迦人開明,熱切接受主的道,天天考查聖經,要知道所聽的是否與聖經相符。
12Naizvozvo vazhinji vavo vakatenda, nevakadziwo vaikudzwa vevaGiriki, nevarume vasiri vashoma.
12結果他們中間有很多人信了,也有高貴的希臘婦女,男的也不少。
13Asi vaJudha veTesaronika vakati vachiziva kuti shoko raMwari rinoparidzwa naPauro paBheriya, vakasvikapowo vakamutsa chaunga.
13但帖撒羅尼迦的猶太人,知道保羅又在比里亞宣講 神的道,就到那裡去,煽動挑撥群眾。
14Zvino pakarepo hama dzakatuma Pauro pakarepo seanoenda kugungwa, asi Sirasi naTimotio vakangosarapo.
14弟兄們立刻把保羅送到海邊去;西拉和提摩太仍然留在比里亞。
15Zvino avo vakaperekedza Pauro vakamusvitsa Atene; vakati varairwa kuna Sirasi naTimotio kuti vakurumidze kuuya kwaari, vakaenda.
15護送保羅的人帶他到了雅典;保羅吩咐他們叫西拉和提摩太趕快去見他,於是他們就回去了。
16Zvino Pauro achakavagarira paAtene, mweya wake wakatambudzika maari, achiona guta rizere zvifananidzo.
16在雅典保羅在雅典等候他們的時候,看見滿城都是偶像,心靈十分忿激。
17Naizvozvo wakapikisana musinagoge nevaJudha nevanhu vainamata Mwari, nepamusika zuva rimwe nerimwe nevaaisangana navo.
17於是在會堂裡,同猶太人和虔誠的人辯論;並且天天在市中心和所遇見的人辯論。
18Zvino dzimwe nyanzvi dzekufunga dzevaEpikuro nevaStoiko, dzakaita nharo naye. Vamwe vakati: Uyu muropoti unoda kurevei? Vamwezve vakati: Unenge muparidzi wevamwari vekumwe; nekuti wakavaparidzira Jesu nekumuka kwevakafa.
18還有伊壁鳩魯派和斯多亞派的哲學家也同他爭論,有的說:“這個拾人牙慧的人要說甚麼呢?”有的說:“他似乎是一個宣傳外地鬼神的人。”這是因為保羅傳揚耶穌和復活的道理。
19Ipapo vakamubata, vakamuisa paAreopago vachiti: Tingaziva here dzidziso iyi itsva, inotaurwa newe?
19他們拉著保羅,把他帶到亞略.巴古那裡,說:“你所講的這個新道理,我們可以知道嗎?
20Nekuti unoreva zvimwe zvinoshamisa panzeve dzedu; naizvozvo tinoda kuziva kuti zvinhu izvi zvii?
20因為你把一切新奇的事,傳到我們耳中,我們願意知道這些事是甚麼意思。”
21Nekuti vose vaAtene nevatorwa vaigarapo, havana kushandisa nguva yavo pane chimwe chinhu asi kunzwa kana kutaura chinhu chitsva.
21原來所有雅典人和外僑,專好談論和打聽新奇的事,來打發時間。
22Zvino Pauro amira pakati peAreopago wakati: Varume veAtene, pazvinhu zvose ndinoona kuti mune chitendero chikuru.
22保羅站在亞略.巴古當中,說:“各位雅典人,我看你們在各方面都非常敬畏鬼神。
23Nekuti ndati ndichipfuura, ndichicherekedza zvinhu zvamunonamata, ndawana aritari ine chinyorwa ichi: KUNA MWARI USINGAZIKAMWI. Naizvozvo iye wamunonamata musingazivi, ndiye wandinokuparidzirai.
23我走路的時候,仔細看你們所敬拜的,發現有一座壇,上面寫著‘獻給不認識的神’。我現在把你們不認識而敬拜的這位神,傳給你們。
24Mwari wakaita nyika nezvinhu zvose zviri mairi, iye Ishe wedenga nepasi, haagari mutembere dzakaitwa nemaoko,
24創造宇宙和其中萬有的 神,既然是天地的主,就不住在人手所造的殿宇,
25kana kushumirwa nemaoko evanhu, sezvinonzi unoshaiwa chinhu, zvaari iye unopa vose upenyu nekufema nezvinhu zvose;
25也不受人手的服事,好像他缺少甚麼;他自己反而把生命、氣息和一切,賜給萬人。
26uye wakaita neropa rimwe marudzi ose evanhu, kuti agare pazviso zvose zvenyika, ambotara nguva dzakagara dzatemwa, nemiganhu yeugaro hwavo;
26他從一個本源造出了萬族來,使他們住在整個大地上,並且定了他們的期限和居住的疆界,
27kuti vatsvake Ishe, zvimwe vamutsvangadzire vamuwane, kunyange asiri kure neumwe neumwe wedu.
27要他們尋求 神,或者可以摸索而找到他。其實他離我們各人不遠,
28Nekuti maari tinorarama uye tinofamba uye tiripo; sezvo vamwe vanyanduri vekwenyu vakati: Nekuti tiri zvizvarwa zvakewo.
28因著他我們可以生存、活動、存在,就如你們有些詩人說:‘原來我們也是他的子孫。’
29Zvatiri zvizvarwa zvaMwari, hatifaniri kufunga kuti uMwari hwakafanana nendarama kana sirivheri kana ibwe, zvakavezwa neumhizha kana umhare hwevanhu.
29我們既然是 神的子孫,就不應該以為他的神性是好像人用手藝、心思所雕刻的金銀石頭一樣。
30Naizvozvo nguva dzekusaziva Mwari wakarega kurangarira, asi zvino unoraira vanhu ose kose-kose kuti vatendeuke.
30過去那無知的時代, 神不加以追究;現在,他卻吩咐各處的人都要悔改,
31Nekuti wakatara zuva raachatonga nyika mukururama, nemurume waakagadza; akasimbisa kune vose, pakuti wakamumutsa kuvakafa.
31因為他已經定好了日子,要藉著他所立的人,按公義審判天下,並且使他從死人中復活,給萬人作一個可信的憑據。”
32Zvino vakati vanzwa zvekumuka kwevakafa, vamwe vakashora, asi vamwe vakati: Tichazokunzwazve pamusoro paizvozvi,
32眾人一聽到死人復活的事,就譏笑他,但有的說:“我們要再聽聽你講這件事!”
33Nekudaro Pauro wakabuda pakati pavo.
33這樣,保羅就離開他們。
34Asi vamwe varume vakamunamatira, vakatenda; pakati pavo Dhionisio, muAreopago, nemukadzi wainzi Dhamarisi, nevamwe vanavo.
34但有幾個人接近他,並且信了主,其中有亞略.巴古的議員丟尼修,一個名叫戴馬里的女子,還有其他的人。