1Nenguva iyo Mikaeri achasimuka, iye muchinda mukuru anochengeta vana vavanhu vako; ipapo nguva yenjodzi ichavapo, isina kumbovapo yakadaro kubva pakumuka kwamarudzi avanhu kusvikira nguva iyo; nenguva iyo vanhu vako vacharwirwa, ivo vose vakanyorwa mubhuku.
1冊上有名的必蒙拯救“那時保護你同胞的偉大護衛天使米迦勒必站起來;並且必有患難的時期,是立國以來直到那時未曾有過的。那時你的同胞中名字記錄在冊上的,都必得拯救。
2Zvino vazhinji vavavete muvhu rapasi vachamuka, vamwe vachamukira upenyu hwusingaperi, vamwe kukunyadziswa nokuzvidzwa kusingaperi.
2必有許多睡在塵土中的人醒過來,有的要得永生,有的要受羞辱,永遠被憎惡。
3Vakachenjera vachapenya sokupenya kokudenga, uye vanodzorera vazhinji kukururama vachapenya senyeredzi nokusingaperi-peri.
3那些使人有智慧的必發光,好像天上的光體;那些使許多人歸義的必發光,如同星星,直到永永遠遠。
4Asi iwe Dhanyeri, vanza mashoko, unamire bhuku rechisimbiso, kusvikira kunguva yokupedzisira; vazhinji vachamhanya pose-pose, nezivo ichawanda.
4但以理啊!你要隱藏這些話,把這書密封,直到末期,必有許多人來往奔跑,知識增多。”
5Ipapo ini Dhanyeri ndakatarira, ndikaona vamwe vaviri, mumwe pamahombekombe erwizi nechouno mhiri, mumwe pamahombekombe erwizi nechemhiri.
5下令封閉預言直到末期我但以理觀看,看見另有兩個天使,一個站在河岸的這邊,一個站在河岸的那邊。
6Kukanzi kumurume akanga akapfeka hanzu dzemicheka, akanga ari pamusoro pemvura yorwizi, Inguva yakadini kusvikira pakuguma kwezvishamiso izvi?
6有一個問那身穿細麻衣、站在河水以上的人,說:“這些奇異的事的結局幾時才到呢?”
7Ndikanzwa murume akanga akapfeka hanzu dzemicheka, akanga ari pamusoro pemvura yorwizi, achisimudzira kudenga ruoko rwake rworudyi noruoko rwake rworuboshwe, achipika naiye anorarama nokusingaperi, kuti zvichaita nguva imwe, nedzimwe nguva, nehafu yenguva; kana vapedza kuputsanya simba ravanhu vatsvene, izvi zvose zvichapedziswa.
7我聽見那身穿細麻衣、站在河水以上的人,向天舉起左右手,指著活到永遠的主起誓,說:“要經過一載、二載、半載(“一載、二載、半載”或譯:“一個時期、多個時期、半個時期”);在他們完全粉碎聖民的勢力的時候,這一切事就都要完成。”
8Ndikanzwa, asi handina kuzvinzwisisa, ipapo ndikati, Aiwa ishe wangu, kupera kwezvinhu izvi ndokweiko?
8我聽見,卻不明白,我就問:“我主啊,這些事的結局是怎樣呢?”
9Iye akati, Chienda hako, iwe Dhanyeri, nekuti mashoko awa akavanzwa nokunamirwa nechisimbiso kusvikira panguva yokupedzisira.
9他回答:“但以理啊!你只管去吧,因為這些話已經隱藏密封,直到末期。
10Vazhinji vachazvinatsa nokuzvichenesa nokubviswa tsvina, asi vakaipa vachaita zvakaipa; hakuna pakati pavakaipa achanzwisisa, asi vakachenjera ndivo vachanzwisisa.
10許多人必潔淨自己,使自己潔白,並且被熬煉。可是惡人仍然作惡。所有惡人都不明白,只有那些使人有智慧的才能明白。
11Kubva panguva yokubviswa kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nokumutswa kwechifananidzo chinonyangadza chinoparadza, zvichaita mazuva ane chiuru chimwe namazana maviri namakumi mapfumbamwe.
11從廢除常獻祭,並設立那使地荒涼的可憎的像的時候起,必有一千二百九十天。
12Akaropafadzwa anoramba achimirira kusvikira pamazuva ane chiuru chimwe namazana matatu namakumi matatu namashanu.
12等候到一千三百三十五日的,那人是有福的。
13Asi iwe chienda hako kusvikira kuguma kwavapo; nekuti iwe achazorora, ndokumukirazve mugove wako pakupera kwamazuva iwayo.
13你應去等待結局!你必安歇;到了末日,你必起來,承受你的分。”