1Zvino Dhariusi akaona kuti zvakanaka kugadza machinda ane zana namakumi maviri paushe hwake, vaifanira kuva paushe hwose;
1但以理被立為監察司大利烏按自己的心意,立了一百二十個總督,治理全國;(本節在《馬索拉抄本》為6:2)
2pamusoro pavo akagadza vakuru vatatu, Dhanyeri ari mumwe wavo; kuti machinda awa auye namashoko ose kwavari, uye kuti mambo arege kutadzirwa.
2他又在這些總督之上,設立三位監察司(但以理是其中之一),監管總督的工作,免得王受虧損。
3Zvino Dhanyeri uyu akapfuura vamwe vakuru namachinda, nekuti maari makanga muno mweya wakanaka kwazvo; mambo akada kumuita mukuru woushe hwake hwose.
3因為但以理裡面有美好的靈性,所以各方面都比其他的監察司和總督優勝;王有意立他治理全國。
4Ipapo vakuru namachinda vakatsvaka mhosva yavangapomere Dhanyeri pamusoro poushe, asi vakashayiwa shoko kana mhosva, nekuti akanga akatendeka, uye kwakanga kusina kutadza kana mhosva kwaari.
4引起同僚的嫉妒與謀害於是這些監察司和總督在但以理治國的事上,尋找把柄控告他,只是不能找到任何的把柄和過失,因為他忠心可靠,他們找不到他的任何錯誤和過失。
5Zvino varume ava vakati, Hatingatongowani shoko pamusoro paDhanyeri uyu, kana tisingamutsvakiri iro pamusoro pomurayiro waMwari wake.
5那些人就說:“如果我們要控告這但以理,就只有在他 神的律法中去找把柄。”
6Ipapo vakuru ava namachinda vakaunganira kuna mambo vari vazhinji, vakati kwaari, Mambo Dhariusi, raramai nokusingaperi.
6這些監察司和總督就相約前來見王,對他說:“願大利烏王萬歲!
7Vakuru vose voushe, navarayiri namachinda namakurukota namadzishe vakarangana kuti mambo aite murayiro nokutema chirevo chakasimba, kuti ani naani anokumbira chinhu kuna mwari upi noupi kana munhu upi noupi namazuva ana makumi matatu, asi kwamuri, imwi mambo, awisirwe mugomba reshumba.
7國中所有的監察司、總監、總督、謀臣和省長,一同商議,請王立一條法例,實施一道禁令:無論何人,在三十天內,王啊!除了向你以外,若向任何神或任何人求甚麼,就必扔在獅子坑中。
8Zvino chitemai chirevo, imwi mambo, muise zita renyu parunyoro, kuti chirege kuzoshandurwa, nomurayiro wavaMedhia navaPeresia usingashandurwi.
8王啊!現在求你立這禁令,簽署這份文告,使禁令不能更改。按照瑪代和波斯的律法,這樣的禁令是不能廢除的。”
9Naizvozvo mambo Dhariusi akaisa zita rake parunyoro nechirevo.
9於是大利烏王簽署了這禁令文告。
10Zvino Dhanyeri akati anzwa kuti runyoro rwaiswa zita ramambo, akapinda mumba make zvino mahwindo ekamuri yake akanga akazarurwa achitarira kurutivi rweJerusaremu; akapfugama namabvi ake katatu pazuva, akanyengetera nokurumbidza Mwari wake, sezvaaisimboita.
10但以理照常禱告但以理知道這文告簽署了以後,就上到自己家裡樓頂上的房間,這房間的窗戶朝向耶路撒冷開著;他一日三次雙膝跪下,在他的 神面前禱告稱謝,像往日一樣。
11Ipapo varume avo vakaungana vari vazhinji, vakawana Dhanyeri achikumbira nokunyengetera Mwari wake.
11那些人相約前來,看見但以理在他的 神面前祈禱懇求。
12Ipapo vakaswedera, vakataura pamberi pamambo pamusoro pechirevo chamambo, vachiti, Hamuna kuisa zita renyu pachirevo, kuti ani naani anokumbira chinhu kuna mwari upi noupi kana munhu upi noupi namazuva ana makumi matatu, asi kwamuri, imwi mambo, awisirwe mugomba reshumba here? Mambo akataura, akati, Ishoko rechokwadi, nomurayiro wavaMedhia navaPeresia, usingashandurwi.
12他們就來到王面前,提起王的禁令,說:“你豈不是簽署了禁令,無論何人,在三十天內,王啊!除了向你以外,若向任何神或任何人求甚麼,就必扔在獅子坑中?”王回答說:“確有此事。按照瑪代和波斯的律法,這樣的禁令是不能廢除的。”
13Zvino vakapindura, vakati pamberi pamambo, Uya Dhanyeri wavana vaJudha vakatapwa, haana hanya nemi, imwi mambo, kana nechirevo chamakaisa zita renyu, asi unokumbira katatu pazuva.
13於是他們對王說:“王啊,在被擄的猶大人中的但以理不理會你的命令,也不理會你簽署的禁令,竟仍一日三次向他的 神祈求。”
14Zvino mambo akati achinzwa mashoko iwayo, akatsamwa kwazvo, akafunga mano pamwoyo pake okurwira Dhanyeri akarwisa kusvikira zuva richivira achiedza kumurwira.
14王聽見了這話,就非常愁煩;他定意要搭救但以理,直到日落的時候,他還在設法營救但以理。
15Ipapo varume ava vakaunganira kuna mambo vari vazhinji, vakati kuna mambo, Zivai imwi mambo, kuti ndiwo murayiro wavaMedhia navaPeresia, kuti chirevo chipi nechipi kana murau upi noupi wakatemwa namambo, hazvingashandurwi.
15那些人就相約前來見王,對他說:“王啊,你該知道,根據瑪代和波斯的律法,王所立的禁令和法例,都是不能更改的。”
16Ipapo mambo akarayira, vakauya naDhanyeri vakamuwisira mugomba reshumba. Mambo akataura, akati kuna Dhanyeri, Mwari wako waunosishumira nguva dzose, achakurwira.
16但以理被扔在獅子坑中於是王下令,人就把但以理帶來,扔在獅子坑中。王對但以理說:“你常常事奉的 神,他必搭救你!”
17Ibwe rakauyiswa, rikaiswa pamuromo wegomba, mambo akarisimbisa nechidhindo chake uye nechidhindo chamadzishe ake; kuti kurege kuva nechinhu chimwe pamusoro paDhanyeri chingashandurwa.
17有人搬了一塊石頭,放在坑口,王又蓋上自己的印鑒和眾大臣的印鑒,使懲辦但以理的事不得更改。
18Ipapo mambo akaenda kuimba yake youshe, akavata achitsanya; kunyange nezvinoridzwa zvipi nezvipi hazvina kuuyiswa pamberi pake; hope dzake dzikatiza.
18王回到宮裡,整夜沒有吃東西,也不要任何娛樂解悶,並且睡不著覺。
19Zvino mambo akafumomuka kwazvo mangwanani, akakasira kuenda kugomba reshumba.
19次日黎明,天一亮,王就起來,急忙到獅子坑那裡去。
20Akati achiswedera kugomba kuna Dhanyeri, akadana nezwi rokuchema; mambo akataura, akati kuna Dhanyeri, Nhai Dhanyeri, iwe muranda waMwari mupenyu, Mwari wako waunosishumira nguva dzose, ane simba rokukurwira pashumba here?
20他走近坑邊的時候,就用哀痛的聲音呼叫但以理,對但以理說:“永活 神的僕人但以理啊!你常常事奉的 神能搭救你脫離獅子嗎?”
21Ipapo Dhanyeri akati kuna mambo, Imi mambo, raramai nokusingaperi.
21但以理毫無損傷但以理對王說:“願王萬歲!
22Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba, dzikasandikuvadza; nekuti pamberi pake ndakawanikwa kuti handina mhosva, napamberi penyuwo, imwi mambo, hakune chakaipa chandakaita.
22我的 神差遣了他的使者,封住獅子的口,使牠們沒有傷害我,因為我在 神面前是清白的;王啊!在你面前我也沒有作過任何錯事。”
23Ipapo mambo akafara zvikuru kwazvo, akarayira kuti vabudise Dhanyeri mugomba. Naizvozvo Dhanyeri akabudiswa mugomba, vakashayiwa chose paakakuvadzwa, nekuti wakange avimba naMwari wake.
23王就非常高興,吩咐人把但以理從坑裡拉上來。於是但以理從坑裡被拉上來,他身上一點損傷也沒有,因為他信靠他的 神。
24Ipapo mambo akarayira, vakauya navaya vanhu vakanga vapomera Dhanyeri, vakavawisira mugomba reshumba, ivo, navana vavo, navakadzi vavo; shumba dzikavakunda, dzikavhuna-vhuna mafupa avo, vachigere kusvika pasi mugomba.
24陷害但以理的人自食其果王下令,人就把那些誣衊控告但以理的人,連同他們的妻子和兒女都一起帶來,扔在獅子坑中;他們還沒有下到坑底,獅子就抓住他們,把他們所有的骨頭都咬碎了。
25Ipapo Dhariusi akanyorera vanhu vose, namarudzi ose, namarimi ose, vagere munyika yose, akati, Rugare ngaruwanzwe kwamuri.
25王通令全國敬畏 神後來大利烏王寫信給住在全地的各國、各族和說各種語言的人,說:“願你們大享平安!
26Ndinotema chirevo, kuti munyika yose youshe hwangu vanhu vose vadedere vatye pamberi paMwari waDhanyeri; nekuti ndiye Mwari mupenyu, aripo nokusingaperi, ushe hwake haungaparadzwi; kubata kwake ushe kuchavapo kusvikira pakuguma.
26現在我下令,我所統治的全國人民都要在但以理的 神面前戰兢恐懼。“他是永活的 神,他永遠長存;他的國度永不滅亡,他的統治直到永遠。
27Ndiye anorwira nokusunungura, ndiye anoita zviratidzo nezvishamiso kudenga napanyika, ndiye akarwira Dhanyeri pasimba reshumba.
27他搭救人,拯救人;他在天上地下施行神蹟奇事;他搭救了但以理脫離獅子的爪。”
28Saizvozvo Dhanyeri uyu akagara zvakanaka pakubata ushe kwaDhariusi napakubata ushe kwaKoreshi muPeresia.
28於是這但以理在大利烏作王的時候,和在波斯人古列作王的時候(本句或譯:“於是這但以理在大利烏﹝即波斯人古列﹞作王的時候”),事事亨通。