Shona

聖經新譯本

Esther

9

1Zvino nomwedzi wegumi nemiviri,iwo mwedzi weAdhari, nezuva regumi namatatu, nguva yakati yaswedera yokuti murayiro wamambo nechirevo chake zviitwe, pazuva rakafunga vavengi vavaJudha kuvamukira naro; asi zvakashandurwa, nekuti vaJudha vakamukira vavengi vavo;
1猶大人殺戮仇敵十二月,就是亞達月,十三日,王的命令和諭旨快要執行的時候,就是猶大人的仇敵盼望轄制猶大人的日子,反成了猶大人轄制恨他們的人的日子。
2vaJudha vakaungana pamaguta avo pamativi ose enyika dzamambo Ahashivheroshi, kuti vauraye avo vakatsvaka kuvaitira zvakaipa; hakuna akanga achigona kuvadzivisa, nekuti vanhu vose vakavatya.
2猶大人在亞哈隨魯王各省的城裡聚集起來,要下手攻擊那些想謀害他們的人;沒有人能抵擋他們,因為各族的人都懼怕他們。
3Machinda ose amativi enyika, namachinda makuru, navabati, vaibata basa ramambo, vakabatsira vaJudha; nekuti vakatya Modhekai.
3各省的官長、總督、省長和辦理王事務的人,因為懼怕末底改,就都支持猶大人。
4nekuti Modhekai akanga ari mukuru paimba yamambo, nembiri yake yakanga yasvika kumativi ose enyika; nekuti murume uyu Modhekai akaramba achikura.
4末底改在朝中的確非常尊大,他的聲譽傳遍各省;末底改這人的權力越來越大。
5VaJudha vakaparadza vavengi vavo vose, nokuvatema neminondo, nokuvauraya, nokuvaparadza, vakaitira vavengi vavo sezvavaida.
5這樣,猶大人擊殺他們所有的仇敵,他們用刀盡量擊殺,隨意對待他們的仇人。
6NapaShushani nhare yamambo, vaJudha vakauraya nokuparadza varume vana mazana mashanu.
6在書珊城裡,猶大人就殺滅了五百人。
7Parishandata, naDharifoni, naAsipata,
7他們又殺了巴珊大他、達分、亞斯帕他、
8naPorata, naAdharia, naAridhata,
8破拉他、亞大利雅、亞利大他、
9naParimashita, naArisai, naAridhai, naVaizata,
9帕瑪斯他、亞利賽、亞利代和瓦耶撒他,
10ivo vanakomana vane gumi vaHamani mwanakomana waHamedhata, muvengi wavaJudha, vakavaurayawo; asi havana kupambara nhumbi dzavo.
10這十個人就是哈米大他的孫子、哈曼的兒子,猶大人的敵人;至於財物,猶大人卻沒有下手掠奪。
11Pazuva iro kuwanda kwavakaurawa paShushani nhare yamambo kwakaverengwa kukaiswa kuna mambo.
11當日在書珊城被殺的人的數目,呈到王面前。
12Ipapo mambo akati kuna vahosi Esiteri, VaJudha vauraya nokuparadza paShushani nhare yamambo, varume vana mazana mashanu, navanakomana vane gumi vaHamani; ndoda zvavakaita kuna mamwe mativi enyika yamambo! Zvino chinyiko chaunonyengetera? Uchazvipiwa. Kana chinyiko chaunokumbira zvino? Zvichaitwa.
12王問王后以斯帖:“猶大人在書珊城殺滅了五百人,又殺了哈曼的十個兒子;在王其他省內,他們怎樣行呢!現在你要甚麼,我必賜給你,你還求甚麼,也必給你成全。”
13Ipapo Esiteri akati, Kana mambo achifara nazvo, vaJudha vari paShushani ngavatenderwe kuita mangwanawo nechirevo chanhasi, navanakomana vaHamani vane gumi vasungirirwe pamatanda.
13以斯帖回答:“王若是同意,求你恩准書珊的猶大人,明日也照著今日的諭旨行事,把哈曼的十個兒子掛在木架上。”
14Ipapo mambo akaraira kuti zviitwe saizvozvo; chirevo chikatemwa paShushani, vakasungurira vanakomana vaHamani vane gumi.
14王就下令這樣行;諭旨傳遍書珊,人就把哈曼的十個兒子掛在木架上。
15VaJudha vaiva paShushani vakaunganazve nezuva regumi namana romwedzi weAdhari, vakauraya varume vana mazana matatu paShushani, asi havana kupambara nhumbi.
15亞達月十四日,在書珊的猶大人又聚集起來,在書珊殺了三百人,卻沒有下手掠奪他們的財物。
16Navamwe vaJudha vaiva pamativi enyika yamambo vakaungana, vakarwira upenyu hwavo, vakazorora pavavengi vavo, vakauraya pakati pavavengi vavo vane zviuru zvina makumi manomwe nezvishanu; asi havana kupambara nhumbi.
16在王各省其餘的猶大人,也都聚集起來,保護自己的性命,向他們的仇敵報復,殺了恨他們的人共七萬五千;至於財物,他們卻沒有下手掠奪。
17Izvozvo zvakaitwa nezuva regumi namatatu romwedzi weAdhari, vakazorora nezuva regumi namana, vakariita zuva romutambo neromufaro.
17這是在亞達月十三日的事,十四日他們得享安寧,以這日為設宴歡樂的日子。
18Asi vaJudha vaiva paShushani vakaungana pazuva regumi namatatu napazuva regumi namana romwedzi iwoyo; nezuva regumi namashanu romwedzi uyo vakazorora, vakariita zuva romutambo neromufaro.
18但在書珊的猶大人在十三、十四日聚集起來殺敵,他們就在十五日休息,以這日為設宴歡樂的日子。
19Naizvozvo vaJudha vemisha, vanogara pamisha isina kukombwa namasvingo, vanoita zuva regumi namana romwedzi weAdhari zuva romufaro neromutambo, uye zuva rakanaka, nerokutumirana zvinonaka.
19因此鄉村的猶大人,就是住在沒有城牆的村鎮的,都以亞達月十四日為歡樂飲宴的吉日,互送禮物。
20Zvino Modhekai akanyora zvinhu izvo, akatuma tsamba kuvaJudha vose vakanga vari pamativi ose enyika yamambo Ahashivheroshi, pedo nokure,
20末底改把這些事記錄下來,並且送文書給亞哈隨魯各省遠近所有的猶大人,
21akavaraira kuti varangarire zuva iro regumi namana romwedzi weAdhari, nezuva regumi namashanu rawo, gore rimwe nerimwe,
21囑咐他們每年都要守亞達月十四、十五兩日。
22nekuti ndiwo mazuva vaJudha avakazorodzwa nawo pavavengi vavo, nomwedzi wavakashandurirwa nawo kuchema kwavo ukava mufaro, uye zuva rokuchema rikava zuva rakanaka; uye kuti vaaite mazuva omutambo noomufaro, nookutumirana zvinonaka uye zvipo kuvarombo.
22以這月的兩日,為猶大人脫離仇敵,得享安寧的日子,是轉憂為喜,轉哀為樂的吉日,叫他們在這兩日飲宴歡樂,大家互贈禮物,也賙濟窮人。
23VaJudha vakatenda kuita nomutowo wavakatanga nawo, sezvavakanyorerwa naModhekai;
23於是,猶大人承諾要守他們起初所守的,也承諾要遵守末底改寫給他們的。
24nekuti Hamani mwanakomana waHamedhata muAgagi, muvengi wavaJudha vose akanga afunga zano rokuparadza vaJudha, akakanda Puri, ndiyo mijenya, kuvapedza nokuvaparadza;
24原本猶大人的敵人,亞甲族哈米大他的兒子哈曼曾經設謀陷害猶大人,要消滅他們;他弄卜“普珥”,就是抽籤,為要打擊和消滅猶大人。
25asi shoko iri rakati richisvika kuna mambo, iye ndokuraira netsamba kuti zano iri rake rakaipa raakafunga pamusoro pavaJudha, ridzoserwe pamusoro wake, uye kuti iye navanakomana vake vasungirirwe pamatanda.
25但這事呈到王面前以後,王使用文書降旨吩咐,使哈曼計謀的惡事,就是他設謀陷害猶大人的事歸到他自己的頭上,又使人把他和他的眾子掛在木架上。
26Naizvozvo vakatumidza zita ramazuva iwayo Purimi nezita rePuri. Zvino nokuda kwamashoko ose etsamba iyo, nezvavakaona pamusoro pechinhu icho, nezvavakaitirwa,
26普珥節的來歷因此,猶大人照著“普珥”的名字,稱這兩日為普珥節;所以他們因這信上的話,又因他們所看見和所遭遇的事,
27vaJudha vakatema chirevo vakazvisunga, kuti ivo navana vavo, navose vaizozviisa kwavari, havangatongoregi kurangarira mazuva iwayo maviri, sezvakanga zvanyorwa pamusoro pawo, uye panguva yakanga yatarwa gore rimwe nerimwe;
27猶大人就立了定例,承諾他們自己和他們的後裔,以及所有與他們聯合的人,每年都要按著所寫的和指定的兩日守這節日,永不可廢止。
28uye kuti mazuva iwayo arangarirwe nokutambwa pakati porudzi rumwe norumwe, nemhuri imwe neimwe, norutivi rumwe norumwe rwenyika neguta rimwe nerimwe; uye kuti mazuva iwayo ePurimi arege kutongoregwa pakati pavaJudha, arangarirwe nokusingaperi pakati pavana vavo.
28使人在各省各城,家家戶戶,世世代代,都記念、遵守這兩日,使這普珥節的日子在猶大人中,永不廢止。
29papo vahosi Esiteri, mukunda waAbhihairi, naModhekai muJudha, vakanyora nesimba ravo rose vakasimbisa tsamba iyo yechipiri yePurimi.
29亞比孩的女兒王后以斯帖和猶大人末底改以全權寫了這第二封信,囑咐猶大人守這普珥節。
30Akatuma tsamba kuvaJudha, vose vakanga vari pamativi ane zana namakumi maviri namanomwe enyika yamambo Ahashivheroshi, akanga ana mashoko orugare nechokwadi,
30他用和平和誠實的話,把文書送給亞哈隨魯國中一百二十七省所有的猶大人,
31kuzosimbisa mazuva iwayo ePurimi panguva dzawo dzakatarwa, sezvavakarairwa naModhekai muJudha navahosi Esiteri, uye sezvavakanga vazvisunga ivo navana vavo pamusoro peshoko rokutsanya nerokuchema kwavo.
31勸他們按著規定的時期,照著猶大人末底改和王后以斯帖所囑咐的,也照著他們在禁食和哀求的時候為自己與後裔所承諾的,守這普珥節。
32Murayiro waEsiteri ukasimbisa mashoko iwayo ePurimi; zvikanyorwa mubhuku.
32以斯帖的命令確定了普珥節;這命令也記錄在史記上。