1Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
1為聖所奉獻(出35:4~9)耶和華對摩西說:
2Taura navana vaIsiraeri kuti vandipe chipo; munditorere chipo kune mumwe nomumwe anoda kundiitira izvozvo nomoyo wake.
2“你要告訴以色列民,叫他們給我送禮物來,所有心裡樂意奉獻的人,你們就可以收下他們給我的禮物。
3Ndicho chipo chamunofanira kutora kwavari: Ndarama, nesirivha, nendarira,
3以下是你們要從他們收取的禮物:金、銀、銅、
4nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, nemvere dzembudzi,
4藍色紫色朱紅色線、細麻、山羊毛、
5namatebwe amakondobwe akazodzwa zvitsvuku, namatebwe amatenhe, namatanda omuakasia,
5染紅的公羊皮、海狗皮、皂莢木、
6namafuta emwenje, nezvinonhuhwira zvamafuta okuzodza, noupfu unonhuhwira,
6燈油、膏油的香料和焚香用的香料,
7nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa paefodhi napahombodo yechipfuva.
7綠柱玉寶石和鑲嵌在以弗得和胸牌上的寶石。
8Ngavandiitire nzvimbo tsvene, kuti ndigare pakati pavo;
8他們要為我建造聖所,使我可以在他們中間居住。
9sezvandichakuratidza zvose, iwo mufananidzo wetabhenakeri, nomufananidzo wenhumbi dzayo dzose, munofanira kuita saizvozvo.
9按著我指示你建造會幕和一切器具的樣式,你們要照樣建造。
10Ngavaite areka yamatanda omuakasia, kureba kwayo kunofanira kuva makubhiti maviri nehafu, noupamhi hwayo kubhiti rimwe nehafu, nokukwira kwayo kubhiti rimwe nehafu.
10約櫃的做法(出37:1~9)“他們要用皂莢木做一個櫃,長一百一十公分,寬六十六公分,高六十六公分。
11Unofanira kuifukidza nendarama yakaisvonaka, uifukidze nechomukati nechokunze, uite pamusoro payo hata yendarama inoipoteredza.
11你要用純金包櫃,內外都要包上;櫃上的四圍要做金邊。
12Uiumbire zvindori zvina zvendarama, uzviise pamakumbo ayo mana, zvindori zviviri zvive parutivi rumwe, nezvindori zviviri panorumwe rutivi.
12你要鑄造四個金環,安放在櫃的四腳上,兩個環在這邊,兩個環在那邊。
13Uveze matanda omuakasia, ndokuafukidza nendarama.
13你要用皂莢木做幾根櫃槓,並要用金包裹起來。
14Ugopinza matanda iwayo muzvindori zviri panhivi dzeareka, kuti areka itakurwe nawo.
14你要把櫃槓穿在櫃旁的環中,以便用槓抬櫃。
15Matanda anofanira kugara muzvindori zveareka, ngaarege kubviswa kwazviri.
15櫃槓要常留在櫃的環中,不可抽出環外。
16Zvino unofanira kuisa mukati meareka chipupuriro chandichakupa.
16你要把我賜給你的法版放在櫃裡。
17Uitewo chifunhiro chokuyananisa nendarama yakaisvonaka; kureba kwacho makubhiti maviri nehafu; noupamhi hwacho kubhiti rimwe nehafu.
17你要用純金做施恩座,長一百一十公分,寬六十六公分。
18Uitewo makerubhi maviri endarama uaite nendarama yakapambadzirwa pamiromo miviri yechifunhiro chokuyananisa.
18你要用黃金錘成兩個基路伯,放在施恩座的兩端。
19Ita kerubhi rimwe pamuromo mumwe nerimwe kerubhi pano mumwe muromo; uite makerubhi pamiromo yacho miviri zvive chinhu chimwe nechifunhiro chokuyananisa.
19這端做個基路伯,那端做個基路伯,二基路伯要與施恩座連在一起製造,在施恩座的兩端。
20Makerubhi atambanudzire mapapiro avo kumusoro, akafukidza chifunhiro chokuyananisa.
20二基路伯要在上面展開雙翼,遮掩施恩座,基路伯的臉要彼此相對,他們的臉要朝著施恩座。
21Uise chifunhiro chokuyananisa pamusoro peareka, ugoisa mukati meareka chipupuriro chandichakupa.
21你要把施恩座安放在櫃頂,又要把我賜給你的法版放在櫃裡。
22Ndipo pandichasangana newe, nditaure newe, ndiri pamusoro pechifunhiro chokuyananisa, pamusoro peareka yechipupuriro, ndikuudze zvose zvandichakupa, kuti uraire vanhu valsiraeri.
22我要在那裡和你相會,也要從施恩座上面,從二基路伯之間,告訴你一切我命令你傳給以色列人的事。
23Itawo tafura yamatanda omuakasia, kureba kwayo makubhiti maviri, noupamhi hwayo kubhiti rimwe nokukwirira kwayo kubhiti rimwe nehafu.
23桌子的做法(出37:10~16)“你要用皂莢木做一張桌子,長八十八公分,寬四十四公分,高六十六公分。
24Uifukidze nendarama yakaisvonaka, ugoiitirawo hata yendarama inoipoteredza.
24你要用純金包桌子,桌子的四圍要做金邊。
25Uiitire ukomba unoipoteredza, unoupamhi sobwechanza, ugoiitirawo hata yendarama inopoteredza ukomba hwayo.
25你要給桌子的四圍做七十五公釐寬的框邊,框邊上的四圍要做金邊。
26Uiitire zvindori zvina zvendarama, ugoisa zvindori pamakona mana ari pamakumbo ayo mana.
26你要做四個金環,把金環安放在桌子的四角上,就是在桌子的四腳上。
27Zvindori zvive pedo noukomba, pave pokutakura tafura napo namatanda.
27環子要靠近框邊,用來穿桌槓,以便抬桌子。
28Matanda uaite nomuakasia, uafukidze nendarama, tafura igotakurwa nawo.
28你要用皂莢木做幾根桌槓,又要用金包裹起來,桌子要用桌槓來抬。
29Uitewo midziyo yayo, nembiya dzayo, nezvirongo zvayo, nemikombe yayo yokudira nayo; uzviite nendarama yakaisvonaka.
29你要做桌子上的盤子、碟子、酒杯和奠酒用的瓶,這些你要用純金製造。
30Misi yose unofanira kuisa pamberi pangu patafura chingwa chokuratidza.
30你又要在桌子上,在我面前,常常擺放陳設餅。
31Unofanira kuitawo chigadziko chemwenje chendarama yakaisvonaka; chigadziko chiitwe nendarama yakapambadzirwa, chigadziko chacho, nehunde yacho, nezvimbiya zvacho, namapfundo acho, namaruva acho; zvose ngazviitwe chive chinhu chimwe nacho;
31燈臺的做法(出37:17~24)“你要用純金做一個燈臺,那燈臺你要用鎚錘成;燈臺的座、幹、杯、球、花,都要與燈臺連在一起。
32kumativi acho ngakubude matavi matanhatu; matavi matatu echigadziko kuno rumwe rutivi rwacho, namatavi matatu echigadziko kuno rumwe rutivi rwacho.
32燈臺的兩邊伸出六個枝子;一邊有三個燈臺枝子,另一邊也有三個燈臺枝子。
33Ngapave nezvimbiya zvitatu zvakaumbwa samaruva omuamanda padavi rimwe, nepfundo, neruva, nezvimbiya zvitatu zvakaumbwa samaruva omuamanda pane rimwe davi, nepfundo, neruva: saizvozvo matavi matanhatu anobuda pachigadziko;
33在第一個枝子上有三個杯,形狀像杏花,有球、有花;在另外一個枝子也有三個杯,形狀像杏花,有球、有花。從燈臺伸出的六個枝子,都是這樣。
34uye pachigadziko pave nezvimbiya zvina zvakaumbwa samaruva azvo;
34燈臺上有四個杯,形狀像杏花,有球、有花。
35nepfundo panyasi pamatavi maviri akaumbwa pamwechete nacho, nepfundo panyasi pamamwe matavi akaumbwa pamwechete nacho, nepfundo panyasi pamatavi maviri akaumbwa pamwechete nacho, akafanana namatavi matanhatu anobuda pachigadziko.
35每兩個枝子的下面有球和燈臺相連,從燈臺伸出來的六個枝子,都是這樣。
36Mapfundo azvo namatavi azvo ngazvive pamwechete nazvo; zvose zvive chinhu chimwe chakaumbwa nendarama yakaisvonaka yakapambadzirwa.
36球和枝子都要與燈臺連在一起,都是從一塊純金錘成的。
37Uitewo mwenje yacho minomwe; vagotungidza mwenje yacho, kuti ivhenekere pamberi pacho.
37你要做燈臺上的七個燈盞,這些燈盞要放在燈臺之上,使燈光照亮對面的地方。
38Nembato dzacho, nendiro dzacho, nemwenje yacho, zviumbwe nendarama yakaisvonaka.
38燈臺上的燈剪和燈花盆,也是要純金做的。
39Ngazviumbwe netarenda rendarama yakaisvonaka, pamwechete nemidziyo iyoyo yose.
39要用三十五公斤純金做燈臺和一切器具。
40Uchenjerere kuti uzviite nomufananidzo wazvo wawakaratidzwa pagomo.
40你要留心照著在山上指示你的樣式去做。”