Shona

聖經新譯本

Ezekiel

12

1Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
1遷移的預兆耶和華的話又臨到我說:
2Mwanakomana womunhu, ugere pakati pavanhu veimba inondimukira simba, vana meso okuona, asi havaoni, vane nzeve dzokunzwa, asi havanzwi; nekuti iimba inondimukira simba.
2“人子啊!你是住在叛逆的民族之中;他們有眼睛可以看,卻看不見;他們有耳朵可以聽,卻聽不見,因為他們是叛逆的民族。
3Naizvozvo iwe Mwanakomana womunhu, zvirongedzere nhumbi dzokutama nadzo, utame masikati, vachizviona; unofanira kutama uchibva panzvimbo yako uchienda kune imwe nzvimbo, vachizviona; zvimwe vangazofunga, kunyange iri imba inondimukira simba.
3因此,人子啊!你要為自己預備被擄時所需的東西,在日間當著他們眼前離去,從你所住的地方移居別處;他們雖然是叛逆的民族,或者他們可以看得明白。
4Unofanira kubudisa nhumbi dzako masikati vachizviona, dziite senhumbi dzokutama nadzo; zvino madekwana iwe umene unofanira kubuda vachizviona, sezvinoita vanhu kana votama.
4你要在日間當著他們眼前,把你的東西(好像被擄時所需的物件)搬出來,到了晚上,你要當著他們眼前出去,像被擄的人出去一樣。
5Zvino uboore rusvingo vachizviona, ubudise nhumbi dzako napo.
5你要當著他們眼前把牆挖穿,把你的東西從那裡帶出去。
6Unofanira kudzitakura pafudzi rako vachizviona, ndokudzibudisa kwasviba; unofanira kufukidza chiso chako, kuti urege kuona zvenyika; nekuti ndakakuita chiratidzo kuimba yalsiraeri.
6到了天黑,你要當著他們眼前把這些東西扛在肩頭上帶出去;你要蒙住你的臉,使你看不見這地,因為我已經立你作以色列家的一個兆頭。”
7Ini ndikaita sezvandakarayirwa; ndakabudisa nhumbi dzangu masikati, dzakaita senhumbi dzokutama nadzo, madekwana ndikabvovora rusvingo noruoko rwangu; ndakadzibudisa kwasviba, ndikadzitakura pafudzi rangu vachizviona.
7於是我照著所吩咐的去行,在日間我把我的東西(好像被擄時所需的物件)搬出來;到了晚上,我用手把牆挖穿;天黑的時候,我就當著他們眼前把這些東西扛在肩頭上帶出去。
8Zvino mangwanani shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
8預兆的意義到了早晨,耶和華的話臨到我說:
9Mwanakomana womunhu, imba yaIsiraeri, iyo imba inondimukira, havana kuti kwauri, Unoiteiko?
9“人子啊!以色列家,就是叛逆的民族,不是問你:‘你在作甚麼呢?’
10Uti kwavari, Zvanzi naIshe Jehovha, chirevo ichi chinoreva muchinda weJerusaremu neimba yose yaIsiraeri iri pakati pavo.
10你要對他們說:‘主耶和華這樣說:這默示(“默示”原文作“擔子”)是關乎耶路撒冷的君王,和以色列全家。’
11Uti, Ndini chiratidzo chenyu; sezvandakaita ini, ndizvo zvavachaitirwa ivo; vachatama vachitapwa.
11你要說:‘我作你們的一個兆頭,我怎樣行,他們的遭遇也必怎樣;他們必被擄去。’
12Muchinda ari pakati pavo achatakura nhumbi dzake pafudzi rake kwasviba, ndokubuda; vachabvovora rusvingo kuti vadzibudise napo; achafukidza meso ake, nekuti haangaoni nyika nameso ake.
12他們中間的君王必在天黑的時候,把東西扛在肩頭上,從他們挖穿的牆帶出去;他必蒙住自己的臉,不能看見這地。
13Ndichakandawo mumbure wangu pamusoro pake, achabatwa mumusungo wangu; ndichamuisa Bhabhironi kunyika yavaKaradhea; asi haangaioni, kunyange zvakadaro achafirako.
13我要把我的網撒在他身上,他必被我的網羅網住;我要把他帶到巴比倫,就是迦勒底人之地;他不會看見那地,卻要死在那裡。
14Ndichaparadzira kumhepo dzose vose vakamupoteredza vangamubatsira, namapoka ake ose ndichavavhomorera munondo ndichivateverera.
14我要把他周圍所有的人,就是所有幫助他的和他所有的軍隊,分散到四方去,也要拔出刀來追趕他們。
15Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichivadzingira pakati pamarudzi, nokuvaparadzira kunyika dzose.
15我使他們四散到列邦中,分散在各地的時候,他們就知道我是耶和華。
16Asi ndichapukunyusa vashoma vavo pamunondo nenzara nehosha yakaipa;kuti vanoparidza pakati pamarudzi kwavanosvika zvinonyangadza zvavo zvose; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
16然而我卻要留下他們少數的人,免受刀劍、饑荒和瘟疫之害,好使他們在所到的列國中,述說他們一切可憎惡的事,他們就知道我是耶和華。”
17Shoko raJehovha rakasvikawo kwandiri, richiti,
17戰懼驚惶的預兆耶和華的話又臨到我說:
18Mwanakomana womunhu, idya zvokudya zvako nokubvunda nokumwa mvura yako nokudedera nokutya;
18“人子啊!你要戰戰兢兢地吃你的飯,滿心憂慮地喝你的水。
19uti kuvanhu venyika iyi, Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavagere Jerusaremu nenyika yaIsiraeri, vachadya zvokudya zvavo vachitya nokumwa mvura yavo vachikanganiswa, kuti nyika yaro iitwe dongo, yatorerwa zvose zvayo, nemhaka yokuita nesimba, yavose vanogaramo.
19你要對這地的人民說:‘論到耶路撒冷的居民和以色列地,主耶和華這樣說:他們要滿心憂慮地吃他們的飯,十分驚惶地喝他們的水;因為所有居民的強暴,這地必全然荒涼。
20Maguta anogarwa navanhu achaparadzwa, nenyika ichaitwa dongo; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
20有人居住的城市必成為荒場,這地必然荒涼,你們就知道我是耶和華。’”
21Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
21 神的預言必要應驗耶和華的話臨到我說:
22Mwanakomana womunhu, tsumo ndeyeiko yamunayo munyika yaIsiraeri, inoti, Mazuva anoramba achiwedzerwa, asi zvakaoneswa zvose hazviitiki?
22“人子啊!你們在以色列地怎麼有這一句俗語說:‘日子一天一天過去,所有異象都落空了’呢?
23Naizvozvo vaudze, uti, Zvanzi naIshe Jehovha, ndichagumisa tsumo iyi, havangazobati nayo iri tsumo pakati paIsiraeri; asi uti kwavari, Mazuva ava pedo nokuitika kwezvose zvakaoneswa.
23因此,你要對他們說:主耶和華這樣說:‘我必使這一句俗語不再流行,在以色列中,人必不再引用這句俗語。’你卻要對他們說:‘日子臨近了,所有異象都必應驗。’
24nekuti pakati peimba yaIsiraeri hapangazovi kuoneswa kwenhema kana kuporofita kunobata kumeso.
24從此,在以色列家中必不再有虛假的異象和奉承的占卜。
25nekuti ndini Jehovha; ndichataura, neshoko randichataura richaitika, haringazononoswi; nekuti pamazuva enyu, iwe imba inondimukira simba, ndichataura shoko nokuriitawo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
25我耶和華所說的,是我要說的話,我所說的必定成就,不再耽延。叛逆的民族啊!我所說的話必在你們還活著的日子成就。這是主耶和華的宣告。”
26Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
26耶和華的話又臨到我說:
27Mwanakomana womunhu, tarira, veimba yaIsiraeri vanoti, Zvaakaoneswa ndezvamazuva ari kure anozouya, anoporofita zvenguva dziri kure.
27“人子啊!以色列家說:‘這人所見的異象是關乎許多年日以後的事,他所說的預言是指著遙遠的將來。’
28Naizvozvo uti kwavari, Zvanzi naIshe Jehovha, hakuna shoko rimwe ramashoko angu richazononoka, asi shoko randichataura richaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
28因此,你要對他們說:‘主耶和華這樣說:我所有的話,必沒有一句再耽延;我所說的,都必成就。這是主耶和華的宣告。’”