1Zvino iwe, imba mariro pamusoro pamachinda aIsiraeri,
1獅子被捕捉的比喻“你當為以色列的眾領袖作一首哀歌,
2uti, Mai vako vaiva aniko? Vaiva shumbakadzi, yaivata pakati peshumba, ichirera vana vayo pakati peshumba duku.
2說:‘你的母親是甚麼?是獅子群中的母獅,牠臥在少壯獅子群中,養育牠的小獅子。
3Zvino yakarera mumwe mwana wayo, ikava shumba duku, ikadzidza kubata zvaingauraya, ikapedza vanhu.
3牠養大其中一隻小獅子,這幼獅成了一隻少壯的獅子,學會了撕碎獵物,把人吃掉。
4Marudzi avanhu akainzwawo ikabatwa muhuzha yavo, vakaiisa kunyika yeEgipita.
4列國聽見了,就把牠困在他們的坑中;他們用鉤子把牠帶到埃及地去。
5Zvino yakati ichiona kuti yanyengerwa, kuti tariro yanyangarika, ikatorazve mumwe mwana wayo, ikaiita shumba duku.
5母獅見自己所等候的落空了,所希望的幻滅了,就從牠的小獅子中另取出一隻,使牠成為少壯的獅子。
6Iyo ikafamba-famba pakati peshumba; ikava shumba duku, ikadzidza kubata zvaingauraya, ikapedza vanhu.
6牠在獅子群中行走;牠已成了一隻少壯的獅子,牠學會了撕碎獵物,把人吃掉。
7Ikaziva dzimba dzavo dzohushe, ikaparadza maguta avo; nyika nezvose zvayo ikava dongo, nokuda kokuwomba kwayo.
7牠拆毀了他們的城堡,使他們的城市荒涼;因牠吼叫的聲音,地和其中所充滿的都驚恐。
8Ipapo marudzi avanhu venyika dzakapoteredza akarwa nayo, vakakandira mumbure wavo pamusoro payo, ikabatwa muhuzha yavo.
8於是四圍的列國從各地來攻擊牠,把他們的網撒在牠身上,把牠困在他們的坑中。
9Vakaiisa muchirugu chine zvikokovonho, vakandoiisa kuna mambo weBhabhironi; vakaiisa munhare, kuti inzwi rayo rirege kuzonzwikwa pamakomo alsiraeri.
9他們把牠放進籠裡,用鉤子帶到巴比倫王那裡,囚在獄中,使牠的聲音在以色列眾山上不再聽見。
10Mai vako vakanga vakaita somuzambiringa, panguva yokuzorora kwako, wakange wakasimwa pamvura;wakabereka zvakanaka, una matavi mazhinji, nokuda kwemvura zhinji.
10葡萄樹被拔出的比喻“‘你的母親像葡萄園裡的一棵葡萄樹,栽種在水邊;因為水源充足,結果纍纍、枝葉茂盛。
11Ukava namatanda makobvu okuita tsvimbo dzavaibata hushe, musoro wawo ukakwirira kumusoro pakati pamatavi makobvu, ukaonekwa kumusoro-soro pamwechete namashizha awo mazhinji.
11它有粗壯的樹枝可作掌權者的杖;它樹身高大,超乎其他茂密枝葉之上;因為它樹身高大,枝子眾多,遠遠就可以看見。
12Asi wakadzurwa nehasha, ukakandirwa pasi, mhepo inobva mabvazuva ikaomesa michero yawo, matanda awo makobvu akavuniwa, ndokuoma, moto ukaapedza.
12但這葡萄樹因 神的烈怒被拔起,摔在地上;東風使它的果子枯乾散掉,粗壯的樹枝枯槁,被火吞滅。
13Zvino wasimwa murenje, munyika yakaoma ine nyota.
13現在它被栽種在曠野,在乾旱無水之地。
14Moto wabuda padanda ramatavi awo, ukapedza michero yawo, hapachine danda rine simba ringaita tsvimbo yokubata ushe. Awa ndiwo mariro, uye achazova mariro.
14有火從樹枝中的一根發出,吞滅樹的果子,以致樹上再沒有粗壯的樹枝,可以作掌權者的杖。’這是一首哀歌,是一首流行的哀歌。”