1Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
1懲罰埃及與它的盟邦
2Mwanakomana womunhu, porofita, uti, zvanzi naIshe Jehovha, Ungudzai! Aiwa, zuva rakaipa sei!
2“人子啊!你要說預言:‘主耶和華這樣說:你們要哀號:那一天有禍了!
3nekuti zuva rava pedo, izuva ramakore; ichava nguva yamarudzi avanhu.
3因為那一天臨近了,耶和華的日子臨近了,就是密雲的日子,列國受罰的時候。
4Munondo uchauya pamusoro peEgipita, kurwadziwa kukuru kuchavapo paItiopia, kana vakaurawa vachiparadzwa vachabvisa vanhu vayo vazhinji, nenheyo dzayo dzichakoromorwa.
4必有刀劍臨到埃及,被殺的人倒在埃及的時候,在古實就有痛苦;埃及的財富必被奪去,它的根基必被拆毀。
5Itiopia nePuti, neRudhi, navanhu vose vakavhengana, neKubhi, navana venyika vakaita sungano, vachaparadzwa pamwechete navo nomunondo.
5古實人、弗人、路德人、所有外族的人、呂彼亞(“呂彼亞”原文作“古巴”)人,以及與埃及結盟的人,都必與埃及人一起倒在刀下。
6Zvanzi naJehovha, Naivo vanotsigira Egipita vachaparadzwa; kuzvikudza kwesimba rayo kuchaderera; vachaparadzwamo nomunondo kubva paMigidhori kusvikira paSevhene.
6“‘耶和華這樣說:那些支持埃及的必傾倒,埃及所誇耀的勢力必衰落。從密奪到色弗尼,他們都必倒在刀下;這是主耶和華說的:
7Vachava dongo pakati penyika dzakaitwa matongo, namaguta ayo achava pakati pamaguta akaitwa matongo.
7埃及必成為荒地中的荒地,它的城必成為廢城中的廢城。
8Zvino vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndaisa moto vabatsiri vayo vose vaparadzwa.
8我在埃及點起火來的時候,所有幫助埃及的都必滅亡;那時他們就知道我是耶和華。
9Nezuva iro nhume dzichabva kwandiri nezvikepe kundotyisa vaItiopia vasine hanya; vachava nokurwadziwa kukuru, sapazuva reEgipita; nokuti, tarirai, zvinouya.
9那一天,必有使者從我面前乘船出去,使安逸無慮的古實人驚慌;在埃及遭難的日子,必有痛苦臨到他們。看哪!這事來到了!
10Zvanzi naIshe Jehovha, Ndichagumisawo vanhu vazhinji veEgipita noruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi.
10主耶和華這樣說:“‘我必藉著巴比倫王尼布甲尼撒的手,消滅埃及的財富。
11Iye navanhu vake vaanavo, vanotyisa zvikuru pakati pamarudzi, vachauyiswamo kuzoparadza nyika; vachavhomorera Egipita minondo yavo, nokuzadza nyika navakaurawa.
11他和跟隨他的人,就是列國中最強橫的人,必被領進來,毀滅這地;他們必拔出刀來攻擊埃及,使遍地滿了被殺的人。
12Ndichapwisa mvura yenzizi, nokutengesa nyika mumaoko avanhu vakaipa; nyika ndichaiita dongo, nezvose zvirimo, noruoko rwavatorwa; ini Jehovha, ndakataura izvozvo.
12我必使江河乾涸,把這地賣給惡人;我必藉著外族人的手,使這地和其中所充滿的,都變成荒涼。我耶和華已經說了。
13Zvanzi naIshe Jehovha, Ndichaparadzawo zvifananidzo, nemifananidzo ndichaigumisa paNofi; hapangazovi nomuchinda kunyika yeEgipita; ndichaisa kutya panyika yeEgipita.
13主耶和華這樣說:“‘我必毀滅偶像,使虛無的神像從挪弗滅絕。必不再有君王從埃及地而出;我也必使懼怕臨到埃及地。
14Patirosi ndichariita dongo, paZoani ndichaisa moto, ndichaita zvandakatonga pamusoro peNo.
14我必使巴忒羅荒涼,也必在瑣安點起火來,又向挪施行審判。
15Ndichadurura hasha dzangu pamusoro peSini, iyo nhare yeEgipita; ndichaparadza vanhu vazhinji veNo.
15我必把我的烈怒倒在訓上,就是埃及的保障,並要剪除挪的眾民。
16Ndichaisa moto paEgipita; Sini richabatwa nokurwadziwa kukuru, No richaparadzwa, Nofi richava navavengi masikati.
16我必在埃及點起火來;訓必有大痛苦;挪必被攻破;挪弗必終日受難。
17Majaya eAvheni neePibhesheti achaurawa nomunondo, maguta awa achatapwa.
17亞文和比伯實的年輕人都必倒在刀下;這些城的人必被擄去。
18PaTapanesi masikati achaita rima, kana ndichivhunapo majoko kuzvikudza kwesimba raro kuchapera mukati maro; kana riri iro, richafukidzwa negore, vakunda varo vachatapwa.
18我在答比匿折斷埃及眾軛的時候,白晝就必變為黑暗;埃及所誇耀的勢力必在其中止息;這城必有密雲遮蓋,城中的居民必被擄去。
19Saizvozvo ndichaita zvandakatonga pamusoro zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
19我必這樣向埃及施行審判,他們就知道我是耶和華。’”
20Zvino negore regumi nerimwe, nomwedzi wokutanga, nezuva rechinomwe romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
20折斷法老的膀臂十一年正月初七日,耶和華的話臨到我說:
21Mwanakomana womunhu, ndavhuna ruoko rwaFarao mambo zvino tarira, haruna kupomberwa, kuti rurapwe, nemishonga, ruiswe chiseketo, kuti ruve nesimba rokubata munondo.
21“人子啊!我折斷了埃及王法老的膀臂;看哪!沒有人把它包紮治療,沒有人用繃帶把它纏裹,好讓它有力量拿起刀來。
22Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndine mhaka naFarao mambo weEgipita, ndichavhuna maoko ake, irwo rune simba norumwe rwakavhunika; ndichawisa pasi munondo uri paruoko rwake.
22因此,主耶和華這樣說:‘看哪!我與埃及王法老為敵;我必打斷他有力的膀臂,和已經折了的膀臂,使刀從他的手中掉下。
23Ndichaparadzira vaEgipita pakati pamarudzi, ndichavadzingira kunyika dzose.
23我必把埃及人分散到列邦,四散在各地。
24Asi ndichasimbisa maoko amambo weBhabhironi, nokuisa munondo wangu muruoko rwake; asi ndichavhuna maoko aFarao, uchagomera pamberi pake sezvinogomera munhu akakuvadzwa ari pakufa.
24堅強巴比倫王的膀臂“‘我必使巴比倫王的膀臂有力量,把我的刀交在他手中;我要折斷法老的膀臂,使他在巴比倫王面前呻吟,像一個受傷快死的人一樣。
25Ndichatsigira maoko amambo weBhabhironi, asi maoko aFarao acharemberera pasi; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichiisa munondo wangu muruoko rwamambo weBhabhironi, iye akautambanudzira pamusoro penyika
25我必使巴比倫王的膀臂有力量,法老的膀臂卻要下垂。我把我的刀交在巴比倫王手裡,使他舉刀攻擊埃及地的時候,他們就知道我是耶和華。
26Ndichaparadzira vaEgipita pakati pamarudzi avanhu, nokuvadzingirira kunyika dzose; zvino vachazoziva kuti ndini Jehovha.
26我必把埃及人分散到列邦,四散在各地;他們就知道我是耶和華。’”