Shona

聖經新譯本

Ezekiel

37

1Ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu, akandibudisa noMweya waJehovha, akandondiisa pakati pomupata; iwo wakange uzere namafupa;
1枯骨復生的異象耶和華的手按在我身上;耶和華藉著他的靈領我出去,把我放在平原上,這平原布滿了骸骨。
2akandipfuudza napakati pawo kumativi ose; tarirai, aivapo akawanda kwazvo pakachena pamupata; uye tarirai, akanga akaoma kwazvo.
2他帶我在骸骨的四圍經過;我看見平原上面有很多骸骨,都非常枯乾。
3Akati kwandiri, Mwanakomana, mafupa awa angararama here? Ndikapindura, ndikati, Imi Ishe Jehovha munozviziva.
3他問我:“人子啊!這些骸骨能活過來嗎?”我回答:“主耶和華啊!唯有你才知道。”
4Zvino akatizve kwandiri, Porofita pamusoro pamafupa awa, uti kwaari, Imi mafupa akaoma, inzwai shoko raJehovha.
4他又對我說:“你要向這些骸骨說預言,對它們說:‘枯乾的骸骨啊!你們要聽耶和華的話。
5Zvanzi naIshe Jehovha kumafupa awa, Tarirai, ndichapinza mweya mukati menyu, muchararamazve.
5主耶和華對這些骸骨這樣說:看哪!我必使氣息進入你們裡面,你們就活過來了。
6Ndichaisa marunda pamusoro penyu, nokuuyisa nyama pamusoro penyu, nokukufukidzai neganda, nokuisa mweya mukati menyu, murarame; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
6我必使你們生筋長肉,給你們包上皮,又把氣息放入你們裡面,你們必活過來;你們就知道我是耶和華。’”
7Ipapo ndakaporofita sezvandakarayirwa; zvino ndakati ndichiporofita, mubvumo ukavapo, uye, tarira, kudengenyeka kwenyika kwakavapowo; mafupa akaswederana, pfupa rimwe kune rimwe pfupa raro.
7於是我遵命說預言;我正在說預言的時候,就聽見有響聲,骨頭與骨頭互相結合起來,格格作響。
8Ndikatarira, wane marunda avapo pamusoro pawo, nyama ikauya, ganda rikaafukidza pamusoro payo; asi makanga musina mweya mukati mawo.
8我觀看,見骸骨生了筋,長了肉,又有皮包在上面,只是它們裡面還沒有氣息。
9Ipapo akati kwandiri, porofitira kumhepo, porofita, Mwanakomana womunhu, uti kumhepo, zvanzi naIshe Jehovha, Uya uchibva kumativi mana anobva mhepo, iwe mweya, ufuridzire pamusoro pavava vakaurawa, kuti vararame.
9他對我說:“你要向氣息說預言。人子啊!你要說預言。你要向氣息說:‘主耶和華這樣說:氣息啊!你要從四方(“四方”原文作“四風”)而來,吹在這些被殺的人身上,使它們活過來。’”
10Ipapo ndakaporofita sezvaakandirayira, mweya ukapinda mukati mavo, vakararama, vakamira netsoka dzavo, iri hondo huru kwazvo.
10於是我遵命說預言,氣息就進入骸骨裡面,骸骨就活過來,並且站起,成了一支極大的軍隊。
11Zvino akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, mafupa awa ndiyo imba yose yaIsiraeri. Tarira ivo vanoti, mafupa edu aoma, tariro yedu yaenda, taparadzwa chose.
11枯骨的寓意他對我說:“人子啊!這些骸骨就是以色列全家;他們常說:‘我們的骸骨枯乾了,我們的盼望消失了;我們都滅亡了。’
12Naizvozvo porofita, uti kwavari zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndichazarura marinda enyu, ndichakukwidzai mubve mumarinda enyu, imwi vanhu vangu; ndichakusvitsai munyika yaIsiraeri.
12因此,你要說預言,對他們說:‘主耶和華這樣說:我的子民哪!我要打開你們的墳墓,把你們從墳墓中領上來,帶你們回以色列地去。
13Muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndazarura marinda enyu, ndikakukwidzai mubve mumarinda enyu, imwi vanhu vangu.
13我的子民哪!我打開你們的墳墓,把你們從墳墓中領上來的時候,你們就知道我是耶和華。
14Ndichaisa mweya wangu mukati menyu, murarame, ndichakuisai munyika yenyu; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndakazvitaura ndikazviita, ndizvo zvinotaura Jehovha.
14我要把我的靈放在你們裡面,你們就活過來;我要把你們安頓在你們的土地上,你們就知道我耶和華說了,就必實行。這是主耶和華的宣告。’”
15Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
15兩杖合一的比喻耶和華的話又臨到我說:
16Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, tora rutanda rumwe, unyore pamusoro parwo, kuti, ZvaJudha, nezvavana vaIsiraeri shamwari dzake; ipapo utore rumwe rutanda, unyore pamusoro parwo, kuti, ZvaJosefa, rutanda rwaEfuremu, nezveimba yose yavaIsiraeri shamwari dzake;
16“人子啊!你要拿一根木杖,在上面寫‘猶大和那些與他一起的以色列人’;又拿另一根木杖,在上面寫‘以法蓮的木杖,就是約瑟和與他一起的以色列全家’。
17zvino uzvibatanidzire matanda iwawo, ruve rutanda rumwe, ruve rumwe muruoko rwako.
17你要把這兩根木杖連接在一起,使它們在你手裡成為一根。
18Zvino kana vana vavanhu vako vakataura newe vachiti kwauri, Haungatizivisi zvaunoda kuratidza nezvinhu izvi here?
18如果你本國的人民問你:‘你不告訴我們這些木杖是甚麼意思嗎?’
19Iwe uti kwavari, zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndichatora rutanda rwaJosefa, ruri muruoko rwaEfuremu, namarudzi aIsiraeri shamwari dzake; ndichavaisa kwaruri, kurutanda rwaJudha, ndivaite rutanda rumwe, vachaita rumwe muruoko rwangu.
19你就要回答他們:‘主耶和華這樣說:看哪!我要拿約瑟和與他一起的以色列眾支派的木杖,就是在以法蓮手裡的,跟猶大的木杖連接在一起,使它們在我手裡成為一根。’
20Zvino matanda aunonyora pamusoro pawo anofanira kuva muruoko rwako vazvione.
20你寫上了字的那兩根木杖,要在他們眼前握在手裡;
21Ipapo uti kwavari, zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndichabvisa vana vaIsiraeri pakati pamarudzi, kwavakaenda, ndichavaunganidza vabve kumativi ose, ndivaise kunyika yavo;
21你要對他們說:‘主耶和華這樣說:看哪!我要把以色列人從他們所到的列國中領出來,又從四圍聚集他們,把他們領回故土。
22ndichavaita rudzi rumwe panyika, pamakomo aIsiraeri; mambo mumwe uchava mambo wavose, havangazovi marudzi maviri, uye havangatongozovi ushe huviri hwakaparadzana;
22我要使他們在那地上,在以色列的眾山上,成為一國;必有一王統治他們眾人;他們不再是兩個國,不再分為兩個邦。
23havangazozvisvibisi nezvifananidzo zvavo, kana nezvinhu zvavo zvinosemesa, kana nechinhu chipi nechipi chavanodarika nacho; asi ndichavaponesa pose pavagere, pavaitadza, nokuvanatsa; saizvozvo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo.
23他們必不再因自己的偶像和可憎的像,以及一切過犯,而玷污自己;我必拯救他們脫離一切背道的罪(“背道的罪”有古卷作“他們在其中犯罪的住處”);我必潔淨他們,他們就必作我的子民,我必作他們的 神。
24Muranda wangu Dhavhidhi achava mambo wavo; vose vachava nomufudzi mumwe; vachafambawo nezvandakarayira, nokuchengeta mitemo yangu, vachiita.
24永遠的約“‘我的僕人大衛必作他們的王;他們眾人只有一個牧者。他們必遵行我的典章,謹守實行我的律例。
25Vachagara munyika yandakapa Jakove muranda wangu, maigara madzibaba enyu; vachagaramo, ivo navana vavo, navana vavana vavo, nokusingaperi; Dhavhidhi muranda wangu achava muchinda wavo nokusingaperi.
25他們必住在我所賜給我僕人雅各的地上,就是你們列祖所住的地。他們和他們的子孫,以及子孫的子孫,都必永遠住在那裡;我的僕人大衛必永遠作他們的領袖。
26Ndichaitawo sungano yorugare navo, ichava sungano isingaperi navo; ndichavaisapo, nokuvawanza, nokuisa nzvimbo yangu tsvene pakati pavo nokusingaperi.
26我要與他們立平安的約,是一個永遠的約;我必堅立他們,使他們人數增多,又在他們中間設立我的聖所,直到永遠。
27Tabhenakeri yanguvo ichava pakati pavo; ini ndichava Mwari wavo, naivo vachava vanhu vangu.
27我的居所必在他們當中;我要作他們的 神,他們要作我的子民。
28Zvino marudzi achaziva kuti ndini Jehovha, anoita vaIsiraeri vatsvene, kana nzvimbo yangu tsvene iri pakati pavo nokusingaperi.
28我的聖所必永遠在他們中間,列國就知道我是耶和華,是我使以色列成聖的。’”