1Zvino iwe Mwanakomana womunhu, tora chitinha uchigadzike pamberi pako, ufananidzirepo guta, iro reJerusaremu.
1耶路撒冷被困的象徵“人子啊!你要拿一塊磚頭,放在你面前,在上面刻一座城,代表耶路撒冷。
2Zvino urikombe nehondo, urivakire nhare dzokurwa naro, uritutire murwi wokurwa nawo; uriisire misasa, nokurikomberedza kumativi ose nezvokugumura kuriputsa.
2然後安放圍城設施,建造圍城高牆,築起攻城土壘,擺列兵營,四周架起攻城鎚。
3Zvino utore gango redare, urigadze pakati pako neguta, ruve rusvingo rwedare; zvino urinzire chiso chako kwariri, ipapo richava guta rakakombwa nehondo, iwe ndiwe ucharikomba. Ichi chichava chiratidzo kuimba yaIsiraeri.
3你又要拿一個鐵的煎盤,放在你和城的中間當作鐵牆。你要面向著城,象徵城要被圍困,你就是圍攻那城的。這要作以色列家的預兆。
4Uyezve, uvate pasi parutivi rwako rworuboshwe, uise pamusoro parwo zvakaipa zveimba yaIsiraeri; mazuva aunovata parutivi urwo ndiyo nguva yauchatakura zvakaipa zvavo.
4被擄期限的象徵“你要向左邊側臥,承擔以色列家的罪孽。你向左邊側臥多少日子,你擔當他們的罪孽也是多少日子。
5nekuti ndakatara makore ezvakaipa zvawo aenzane namazuva ako, mazuva ana mazana matatu namakumi mapfumbamwe; saizvozvo uchatakura zvakaipa zveimba yaIsiraeri.
5我已經給你定了日子的數目,就是三百九十天,等於他們作孽的年數,你要在這些日子擔當以色列家的罪孽。
6Zvino kana wapedza mazuva awa, uvate pasi norutivi rwako rworudyi, kuti utakure zvakaipa zveimba yaJudha; ndakakutarira mazuva ana makumi mana, zuva rimwe nerimwe rifananidze gore.
6這些日子滿了以後,你要再向右邊側臥,擔當猶大家的罪孽,我已經給你定了四十天,一天等於一年。
7Urinzire chiso chako wakatarira kukombwa kweJerusaremu ruoko rwako rwakafukurwa; ugoporofita pamusoro paro.
7你要面向著被圍困的耶路撒冷,赤露著膀臂,說預言攻擊這城。
8Tarira, ndinokusunga nezvisungo, urege kutendeukira kuno rumwe rutivi, kusvikira wapedza mazuva okukomba kwako.
8我要用繩子把你捆綁起來,使你不能轉身,直等到你圍困城的日子滿了。
9Zvino utorewo gorosi nebhari nemarendiri* nenyemba namapfunde nesipereti uzviise mumudziyo mumwe, ugozviitira chingwa nazvo; unofanira kuchidya mazuva aunovata pasi parutivi rwako, iwo mazuva ana mazana matatu namakumi mapfumbamwe.
9城困糧絕的象徵“你要拿小麥、大麥、豆子、扁豆、粟米和粗麥,放在一個器皿裡,給自己做餅。在你側臥的三百九十天裡,你都要吃這些餅。
10Zvokudya zvako zvaunofanira kudya, zvichayerwa kurema kwazvo, mashekeri ana makumi maviri nezuva rimwe nerimwe; uchazvidya nguva nenguva.
10你所吃的食物要有一定分量,每天二百三十克,要在指定的時候吃。
11Unofanira kumwawo mvura yakayerwa, chechitanhatu chehini; uchaimwa nguva nenguva.
11你喝的水也要有一定分量,每天半公升,要在指定的時候喝。
12Unofanira kuzvidya zvakafanana nezvingwa zvebhari, unofanira kuzvibika pamberi pavo nendove inobudiswa navanhu.
12你吃這些餅,要像吃烙的大麥餅一樣,但要用人糞在眾人面前燒烤。”
13Jehovha akati, Saizvozvo vana valsiraeri vachadya zvokudya zvavo zvakanora pakati pamarudzi kwandichavadzingira.
13耶和華說:“以色列人在我趕他們去的列國中,也要這樣吃不潔淨的食物。”
14Ipapo ndikati, Aiwa, Ishe Jehovha! Tarirai mweya wangu hauna kumbosvibiswa; nekuti kubva pauduku hwangu kusvikira zvino, handina kumbodya chakafa choga, kana chakaurawa nezvikara, nenyama yakanora haina kumbopinda mumuromo mangu.
14我說:“主耶和華啊!我從來沒有玷污過自己。我從小到現在都沒有吃過已經死去的,或是野獸撕裂的動物,不潔淨的肉從沒有進過我的口。”
15Ipapo akati kwandiri, Tarira, ndakupa ndove yemombe panzvimbo yendove yavanhu, unofanira kugadzira zvokudya zvako nayo.
15於是他對我說:“你看,我准你用牛糞代替人糞,你可以在牛糞上烤你的餅。”
16Akatiwo kwandiri, Mwanakomana womunhu, tarira ndichavhuna mudonzvo wezvokudya paJerusaremu; vachadya zvokudya zvakayerwa vachitya, vachamwa mvura yakayerwa, vachivhunduka;
16他又對我說:“人子啊,我要斷絕耶路撒冷的糧食。他們要滿心憂慮,吃配給的口糧;十分驚惶,喝配給的水。
17kuti vashayiwe zvokudya nemvura, vavhunduke mumwe nomumwe, vavore muzvakaipa zvavo.
17他們缺糧缺水,各人都必驚惶,因自己的罪孽衰弱而死。”