Shona

聖經新譯本

Ezekiel

40

1Zvino negore ramakumi maviri namashanu rokutapwa kwedu, pakutanga kwegore, nezuva regumi romwedzi, negore regumi namana rakatevera kurohwa kweguta, nezuva iroro, ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu.
1建城的異象我們被擄後第二十五年,耶路撒冷城被攻陷後第十四年的年初;那月的初十日,耶和華的手按在我身上;他把我帶到那裡去。
2Pane zvandakaratidzwa naMwari, akandisvitsa munyika yaIsiraeri, akandiisa pagomo refu-refu, pakanga pane chinhu chakanga chakafanana neguta kurutivi rwezasi.
2在 神的異象中,他帶我到以色列地,把我安置在一座很高的山上;在山上的南面,有好像是一座城的建築物。
3Akandiisako; zvino tarira, kwakanga kuno murume, pakuonekwa kwake akanga akaita sendarira, anorwonzi muruoko rwake, norutsanga rwokuyeresa narwo; akamira pasuwo.
3他把我帶到那裡,我見有一個人,他看來像銅,手裡拿著麻繩和測量竿,站在門口。
4Murume uyo akati kwandiri, Mwanakomana womunhu, tarira nameso ako, inzwa nenzeve dzako, urangarire nomoyo wako zvose zvandichakuratidza; nekuti wakasvitswa pano kuti ndikuratidze izvozvo; paridzira imba yaIsiraeri zvose zvaunoona.
4那人對我說:“人子啊!我所要指示你的,你都要用眼看,用耳聽,並要放在心上,因為我帶你到這裡來,為的是要指示你;你所看見的,你都要告訴以色列家。”
5Zvino tarira, kwakanga kuno rusvingo rwakapoteredza imba nechokunze; muruoko rwomurume uyo makanga munorutsanga rwokuyeresa narwo, rwakasvika mamita matanhatu pakureba kwarwo, rimwe nerimwe richiitawo mita imwe nohupamhi bwechanza; ipapo akayera ukobvu hworusvingo, hukaita rutsanga rumwe, nokureba rutsanga rumwe.
5城牆我見殿四圍有牆,那人手裡的測量竿長三公尺。他量了那建築物,牆厚三公尺、高三公尺。
6Zvino wakasvika pasuwo rakatarira kurutivi rwamabvazuva, akakwira nezvikwiriso zvaro, akayera chikumbaridzo chesuwo, zvikaita rutsanga rumwe, nechimwe chikumbaridzozve, zvikaita rutsanga rumwe.
6東面他到了朝東的門,上了門的臺階,量度門檻,厚三公尺;又量另一個門檻,厚三公尺。
7Kamuri imwe neimwe yavarindi yakanga yakaita rutsanga rumwe pakureba, norutsanga rumwe paupamhi; pakati pamakamuri pakanga panamamita mashanu; uye chikumbaridzo chesuwo paberere resuwo kurutivi rweimba chakaita rutsanga rumwe.
7又有守衛室,長三公尺、寬三公尺;守衛室與守衛室之間,相隔兩公尺半;朝向殿內,在門廊旁邊的門檻,厚三公尺。
8Akayerawo berere resuwo kurutivi rweimba, zvikaita rutsanga rumwe.
8他又量朝向殿內的門廊(有古卷加“厚三公尺”)。
9Ipapo akayera berere resuwo, zvikaita mamita masere, nembiru dzaro, mamita maviri; berere resuwo rakanga riri kurutivi rweimba.
9門廊深四公尺;牆柱厚一公尺;門廊是朝向殿內的。
10Makamuri esuwo rokumabvazuva aiva matatu nechemberi namatatu necheseri, ose matatu aiva nechiyero chimwe, nembiru dzaiva nechiyero chimwe nechemberi necheseri.
10東門的守衛室,這邊有三間,那邊有三間;三間都是一樣的長寬;兩邊的牆柱都是一樣的厚。
11Akayera upamhi hwomukova bwesuwo, zvikaita mamita ane gumi; nokureba kwesuwo, mamita ane gumi namatatu.
11他量了東門,入口寬五公尺,通道寬六公尺半。
12Kwakanga kuno rumhanda pamberi pamakamuri, rwakaita mita rimwe nechemberi, norumhanda rwakaita mita rimwe necheseri.
12每個守衛室前面都有矮牆,高五十公分,兩邊守衛室都是一樣。守衛室長三公尺,兩邊都是一樣。
13Akayera suwo kubva padenga rekamuri imwe kusvikira padenga reimwe, zvikaita mamita makumi maviri namashanu pakufara; mukova mumwe wakatarisana nomumwe mukova.
13他量了東門,從這邊房頂到那邊房頂,就是從這邊守衛室後面的門到那邊守衛室後面的門,寬十二公尺半。
14Akaitawo mbiru, dzakasvika mamita makumi matanhatu; ruvanze rwakanga rwakapoteredza suwo kusvikira pambiru.
14又沿著裡面各牆柱量度,直到朝向院子的牆柱,共長三十公尺(原文意思不詳,有古譯本作“又量了門廊,寬十公尺,牆柱外面周圍是院子”)。
15Zvino kubva pamberi pesuwo, pavanopinda napo, kusvikira pamberi peberere resuwo romukati, zvakaita mamita makumi mashanu.
15從東門前面的入口到後面的門廊,共二十五公尺。
16Mumakamuri makanga muna mahwindo akapfigwa, nomumbiru dzawo mukati mesuwo kumativi ose, saizvozvowo pamaberere; mahwindo akanga aripowo kumativi ose nechomukati; pambiru imwe neimwe pakanga pane miti yemichindwe.
16守衛室和東門裡面周圍的牆柱,以及門廊,都有小窗;裡面周圍都有小窗;牆柱上還刻有棕樹。
17Zvino akandiisa muruvanze rokunze, ndikaona makamuri neguva rakarongwa namabwe, zvakaitirwa ruvanze kumativi ose; kwakanga kuna makamuri makumi matatu paguva rakarongwa.
17外院他帶我到了外院,我見有些房子,院子周圍有鋪石地,鋪石地上有三十間房子。
18Guva rakarongwa rakanga riri kurutivi rwamasuwo, rakaenzana pakureba kwaro namasuwo, iro guva rakarongwa rapasi.
18鋪石地在各大門的旁邊,比門矮一點,寬度與門的長度相同。
19Zvino wakayera hupamhi kubva pamberi pesuwo rapazasi kusvikira kunze pamberi poruvanze rwomukati, zvikaita mamita ane zana, kurutivi rwamabvazuva nokurutivi rwokumusoro.
19他從下面的大門量到內院的外牆,共寬五十公尺;東面、北面,都是一樣。
20Wakayerawo kureba nohupamhi bwesuwo roruvanze rwokunze rakatarira kurutivi rwokumusoro.
20外北門他又量了外院朝北大門的長度和寬度。
21Makamuri aro aiva matatu nechemberi, namatatu necheseri; mbiru dzaro namaberere aro zvakanga zvakaenzana nechiyero chesuwo rokutanga; kureba kwaro kwakasvika mamita makumi mashanu nohupamhi mamita makumi maviri namashanu.
21裡面的守衛室,這邊有三間,那邊有三間;牆柱和門廊的尺寸都與東門的一樣;北門全長二十五公尺,寬十二公尺半。
22Mahwindo aro, namaberere aro, nemichindwe yaro zvakanga zvakaenzana nechiyero chesuwo rakatarira kurutivi rwamabvazuva; vanhu vaikwirako nezvikwiriso zvinomwe; maberere aro akanga ari pamberi paro.
22它的窗子、門廊和雕刻的棕樹,都與東門的一樣;人要登七級臺階才到這門,前面盡頭是門廊。
23Muruvazhe rwomukati makanga munesuwo rakatarisana nerimwe suwo, kurutivi rwokumusoro nokurutivi rwamabvazuva; akayera kubva kune rimwe suwo kusvikira kune rimwe suwo zvikaita makubhiti ane zana.
23內院有門與這門相對;北面、東面,都是一樣;他從這門量到那門,共有五十公尺。
24Zvino akaenda neni kurutivi rwezasi, ndikaona suwo kurutivi rwezasi; akayera mbiru dzaro namaberere aro nezviyero izvozvo.
24外南門他領我向南走,我就看見朝南的門。他量了牆柱和門廊,大小與先前的一樣。
25Mahwindo aivapo mukati maro nomumaberere aro kumativi ose, akafanana namahwindo iwayo; pakureba kwazvo zvakaita mamita makumi mashanu, nokufara kwazvo mamita makumi maviri namashanu.
25門的裡面和門廊周圍都有窗子,與先前的窗子一樣。南門全長二十五公尺,寬十二公尺半。
26Kwakanga kune zvikwiriso zvinomwe zvokukwira nazvo kwariri; maberere aro akanga ari pamberi paro; uye rakanga rine michindwe pambiru dzaro, mumwe nechemberi nomumwe necheseri.
26人要登七級臺階才到這門,前面盡頭是門廊,牆柱上兩邊都刻有棕樹。
27Kwakanga kune suwo paruvanze rwomukati kurutivi rwezasi; akayera kubva kune rimwe suwo kusvikira kune rimwe suwo kurutivi rwezasi zvikaita mamita ane zana.
27內院南面也有門;他從這門量到南門,共有五十公尺。
28Zvino wakandiisa kuruvanze rwomukati kusuwo rezasi; akayera suwo rezasi nezviyero izvozvi;
28內院他領我從內院的南門進到內院,量了這門,大小與先前的一樣。
29namakamuri aro, nembiru dzaro, namaberere aro nezviyero izvozvi; kwakanga kuna mahwindo mukati maro nomumaberere aro kumativi ose; zvakanga zvakaita makubhiti makumi mashanu pakureba, namamita makumi maviri namashanu pahupamhi.
29內南門守衛室、牆柱和門廊的尺寸都與先前的一樣;門的裡面和門廊周圍都有窗子。這門全長二十五公尺,寬十二公尺半(有古卷加“周圍有門廊,長十二公尺半,寬兩公尺半”之句)。
30Kwakanga kuna maberere kumativi ose, akaita mamita makumi maviri namashanu pakureba, namamita mashanu pahupamhi.
30
31Maberere aro akanga akatarira kuruvanze rwokunze; kwakanga kune michindwe pambiru dzaro; chikwiriso charo chakanga chine zvikwiriso zvisere.
31門廊朝向外院;牆柱刻有棕樹;臺階共有八級。
32Zvino wakandiisa muruvanze rwomukati kurutivi rwamabvazuva, akayera suwo nezviyero izvozvi;
32內東門他領我到內院的東門,他量了那門,大小與先前的一樣。
33namakamuri aro, nembiru dzaro, namaberere aro nezviyero izvozvi; makanga muna mahwindo mukati maro nomumaberere aro kumativi ose; zvakaita mamita makumi mashanu pakureba, namamita makumi maviri namashanu pahupamhi.
33守衛室、牆柱和門廊的尺寸都與先前的一樣;門的裡面和門廊的周圍都有窗子。這門全長二十五公尺,寬十二公尺半。
34Maberere aro akanga akatarira kuruvazhe rwokunze, kwakanga kune michindwe pambiru dzaro, nechemberi necheseri; chikwiriso charo chakanga chine zvikwiriso zvisere.
34門廊朝著外院;牆柱上兩邊都刻有棕樹;臺階共有八級。
35Zvino wakandiisa kusuwo rokumusoro, akariyera nezviyero izvi;
35內北門他領我到內院的北門,量了那門,大小與先前的一樣;
36makamuri aro, nembiru dzaro, namaberere aro; makanga muna mahwindo mukati maro kumativi ose; pakureba zvakaita mamita makumi mashanu, napahupamhi mamita makumi maviri namashanu.
36守衛室、牆柱和門廊,都是一樣。門的裡面周圍都有窗戶;這門全長二十五公尺,寬十二公尺半。
37Mbiru dzaro dzakanga dzakatarira kuruvanze rwokunze; kwakanga kune michindwe yakavezwa pambiru dzaro, nechemberi necheseri; chikwiriso charo chakanga chine zvikwiriso zvisere.
37門廊(這譯法參古譯本,“門廊”原文作“牆柱”)朝向外院;牆柱上兩邊都刻有棕樹,臺階共有八級。
38Pambiru napamasuwo pakanga pane kamuri yaiva nomukova wayo; ndipo pavaisuka zvipiriso zvinopiswa.
38預備宰殺祭牲的地方在各門的牆柱旁邊都有一間有門的房子;那裡是洗燔祭牲的地方。
39Muberere resuwo makanga muna matafura uku maviri nechemberi, namatafura maviri necheseri, pokubayira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro zvezvivi nezvibayiro zvemhosva.
39在門廊裡,這邊有兩張桌子,那邊也有兩張桌子,在上面可以宰殺燔祭牲、贖罪祭牲和贖愆祭牲。
40Kurutivi rwokunze, kana munhu achikwira kundopinda pasuwo kurutivi rwokumusoro kwakanga kuna matafura maviri, uye kuno rumwe rutivi rweberere resuwo, kwakanga kuna matafura maviri.
40在北門入口的臺階那裡,朝向外面的一邊有兩張桌子,朝向門廊的另一邊也有兩張桌子。
41Kwakanga kuna matafura mana kune rumwe rutivi, namatafura mana kurutivi rweseri, kurutivi rwesuwo, matafura masere paibayirwa zvibayiro.
41在大門兩邊,這邊有四張桌子,那邊也有四張桌子,共有八張,供宰殺祭牲之用。
42Kwakanga kuna matafura mana amabwe akavezwa, ezvipiriso zvinopiswa; pakureba akasvika mita nehafu, pahupamhi mita nehafu, pakukwirira mita nehafu; ndipo pavakaisa nhumbi dzavaibayira nadzo zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro.
42另有四張桌子供燔祭使用,是用鑿好的石頭做的,長七十五公分,寬七十五公分,高五十公分,宰殺燔祭牲和其他祭牲所用的器皿是放在那裡的。
43Haka dzakanga dzakaita soupamhi hwechanza pakureba kwadzo, dzakanga dzakasungirwa kumativi ose; pamatafura pakanga pane nyama yokuvonga.
43周圍的牆上釘有鉤子,各長七公分半。桌子上放有獻祭的肉。
44Kunze kwesuwo romukati kwakanga kuna makamuri avaimbi voruvanze rwomukati, rwaiva kurutivi rwesuwo rokumusoro; iwo akatarira kurutivi rwezasi, rimwe kurutivi rwamabvazuva richitarira kurutivi rwokumusoro.
44祭司廂房內院的門外有兩間(這譯法參古譯本,“兩間”原文作“供歌唱的人使用的”)房子:一間在北門旁邊,朝向南面;一間在南門旁邊,朝向北面。
45Zvino akati kwandiri, Kamuri iri, rakatarira kurutivi rwezasi, nderavapristi, ivo vachengeti vebasa reimba;
45他對我說:“這間朝向南面的房子是給那些負責聖殿職事的祭司使用的。
46kamuri, rakatarira kurutivi rwokumusoro, nderavapristi, vachengeti vebasa rearitari; ndivo vanakomana vaZadhoki, vanobva pakati pavanakomana vaRevi vachaswedera kuna Jehovha kuzomushumira.
46那間朝向北面的房子是給那些負責祭壇職事的祭司使用的。這些祭司都是撒督的子孫,在利未人中只有他們可以近前來事奉耶和華。”
47Zvino akayera ruvanze, zvikaita mamita ane zana pakureba, namamita ane zana paupamhi, mativi mana akaenzana; aritari yakanga iri pamberi peimba.
47他又量了內院,長五十公尺,寬五十公尺,是正方形的;祭壇就在殿的前面。
48Zvino akandiisa paberere reimba, akayera mbiru imwe neimwe yeberere, zvikaita makubhiti mashanu kune rumwe rutivi, namamita mashanu kurutivi rweseri; upamhi bwesuwo hwakaita mamita matatu kune rumwe rutivi mamita matatu kurutivi rweseri.
48聖殿走廊他領我到聖殿的門廊,量了門廊的牆柱,這邊厚兩公尺半,那邊厚兩公尺半。門口寬七公尺(這譯法參古譯本,原文沒有“七公尺”),門的內牆,這邊一公尺半,那邊一公尺半。
49Kureba kweberere kwakanga kuchiita mamita makumi maviri, noupamhi mamita ane gumi nerimwe, ipapo pazvikwiriso zvavaikwira nazvo; pambiru dzesuwo pakanga pane dzimwe mbiru, imwe kuno rumwe rutivi, neimwe kurutivi rweseri.
49門廊寬十公尺,深六公尺(這譯法參古譯本,“六公尺”原文作“七公尺”);人要登臺階才上到門廊;牆柱旁邊有柱子,這邊一根,那邊一根。