Shona

聖經新譯本

Ezekiel

42

1Zvino akandibudisira kuruvanze rwokunze, nenzira inoenda kurutivi rwokumusoro; akandiisa mukamuri rakatarisana nenzvimbo yaiva yoga, yakanga yakatarisana neimba kurutivi rwokumusoro.
1聖殿三層祭司專用他領我出來,向著北面的外院去;帶我到了祭司的房子。這些房子一排對著殿院的空地,一排對著北面的建築物。
2Pamberi porutivi rwakareba, rwakasvika mamita ane zana, kwakanga kuno mukova worutivi rwokumusoro, uye upamhi hwakaita mamita makumi mashanu.
2房子共長五十公尺,寬二十五公尺,有朝北的門。
3Pakatarisana nemamita makumi maviri eruvanze rwomukati, uye pakatarisana neguva rakarongwa roruvanze rwokunze, kwakanga kuna maberere akatarisana, akaturikidzwa ari matatu.
3這些房子一排對著內院十公尺寬的空地,一排對著外院的鋪石地,在三層樓上,都有走廊對著走廊。
4Pamberi pamakamuri pakanga pane nzvimbo yokufamba ichipinda mukati yakaita mamita ane zana; mikova yazvo yakanga yakatarira kurutivi rwokumusoro.
4房子前面有一條夾道,寬五公尺,長五十公尺。房子的門都朝向北面。
5Asi makamuri okumusoro akanga ari maduku kuna mamwe, nekuti maberere akanga achiatapudzira, kupfuura apasi naapakati mukati meimba.
5上層的房子最窄,因為上層的走廊所佔的地方,比下層和中層的為多。
6nekuti akanga akaturikidzwa, ari matatu, asine mbiru dzakaita sembiru dzamavanze; naizvozvo okumusoro akanga akamanikana kupfuura apasi naapakati zvichibva pasi.
6第三層房子沒有柱子,不像外院的房子有柱子。因此,上層比下層和中層較窄。
7Rusvingo rwakanga ruri kunze kurutivi rwamakamuri kuruvanze rwokunze pamberi pamakamuri, rwakasvika mamita makumi mashanu pakureba.
7在外面有一道牆,在房子的前面,與房子和外院平行,長二十五公尺。
8nekuti kureba kwamakamuri akanga ari muruvanze rwokunze kwakasvika mamita makumi mashanu, asi tarira, pamberi petemberi akaita mamita ane zana.
8朝著外院的房子,長二十五公尺;朝著聖殿的房子,長五十公尺。
9Pasi pamakamuri awa ndipo pakanga pane mukova wokurutivi rwamabvazuva, kana munhu achipinda kwaari achibva kuruvanze rwokunze.
9下層的房子在東面有一個入口,人從外院進入房子裡。
10Mukati moupamhi hworusvingo rworuvanze kurutivi rwamabvazuva, pamberi penzvimbo yaiva yoga, napamberi peimba, pakanga pana makamuri.
10在南面(這譯法參古譯本,“在南面”原文作“在東面”),沿著內院的牆也有房子,一排對著殿院的空地,一排對著南面的建築物。
11Nzira yakanga iri pamberi pawo yakanga yakafanana nenzira yamakamuri okurutivi rwokumusoro; sezvakanga zvakaita kureba kwawo, ndizvo zvakanga zvakaita upamhi hwawo; pokubuda pawo pose pakanga pakafanana nokurongerwa kwawo nemikova yawo.
11這些房子前面有一條夾道,跟北面的一樣,長寬相同。出口之處,也與北面的一樣。
12Sezvakanga zvakaita mikova yamakamuri akanga ari kurutivi rwezasi, saizvozvo kwakanga kuno mukova pakuguma kwenzira, iyo nzira yemabvazuva yakaruramira pamberi porusvingo kurutivi rwamabvazuva, kana munhu achipinda mukati mawo.
12南邊的房子的門,也與北面的一樣。在東面夾道的開端,與牆相對的地方,有門可以進入。
13Zvino akati kwandiri, Makamuri okurutivi rwokumusoro namakamuri okurutivi rwezasi, ari pamberi penzvimbo iyo yoga, ndiwo makamuri matsvene, panofanira kudyiwa zvinhu zvitsvene-tsvene navapristi vari pedo naJehovha; ndipo pavachafanira kuisa zvinhu zvitsvene-tsvene, nezvipiriso zvoupfu, nezvipiriso zvezvivi, nezvipiriso zvemhosva; nekuti inzvimbo tvsene.
13他對我說:“在南北兩面,朝著殿院空地的房子,都是聖潔的房子;親近耶和華的祭司們要在那裡吃至聖之物,也要在那裡存放至聖之物,就是素祭、贖罪祭和贖愆祭的祭物,因為那地方是聖的。
14Kana vapristi vapinda, havafaniri kuzobuda panzvimbo tsvene vachienda kuruvanze rwokunze, asi vanofanira kuisapo nguvo dzavo dzavanoshumira nadzo, nekuti idzo itsvene; asi vanofanira kufuka dzimwe nguvo, ndokuzoswedera kune zvavanhu.
14祭司進了去,不可從聖所出來到外院去;他們要在房子裡放下供職時所穿的衣服,因為那些衣服是聖的;他們要穿上別的衣服,才可以到民眾的地方。”
15Zvino akati apedza kuyera imba yomukati, akandibudisa nenzira yesuwo rakatarira kurutivi rwamabvazuva, akapayera kumativi ose.
15分隔聖俗的圍牆他量了內院,就領我出朝東的門,又量了整個殿的周圍。
16Akayera kurutivi rwamabvazuva norutsanga rwokuyera narwo, zvikaita tsanga dzina mazana mashanu, norutsanga rwokuyera narwo kumativi ose.
16他用測量竿量了東面,按著測量竿計算,共長二百五十公尺。
17Akayera kurutivi rwokumusoro norutsanga rwokuyera narwo kumativi ose, zvikaita tsanga dzina mazana mashanu.
17他又量了北面,按著測量竿計算,共長二百五十公尺。
18Akayera kurutivi rwezasi norutsanga rwokuyera narwo, zvikaita tsanga dzina mazana mashanu.
18他又量了南面,按著測量竿計算,共長二百五十公尺。
19Akadzoka kurutivi rwamavirazuva, akayera norutsanga rwokuyera narwo, zvikaita tsanga dzina mazana mashanu.
19他又轉去量了西面,按著測量竿計算,共長二百五十公尺。
20Akapayera kumativi ose mana; pakanga pane rusvingo rwakapoteredza, rwakanga rwakaita zviyero zvina mazana mashanu pakureba, namazana mashanu pahupamhi, kuti ruparadzanise pakati pezvitsvene nezvisati zviri zvitsvene.
20這樣,他量了四面。聖殿長二百五十公尺,寬二百五十公尺,四圍都有牆,為要分開聖地和俗地。