Shona

聖經新譯本

Ezekiel

45

1Zvino kana muchiganhura nyika nemijenya, kuti ive nhaka yenyu, munofanira kuvigira Jehovha chipo, uve mugove mutsvene panyika; kureba kwawo kunofanira kuita tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu, nohupamhi tsanga dzine zviuru zvine gumi, anofanira kuva mutsvene kusvikira kumiganho yawo yose kumativi ose.
1歸聖所之地“你們抽籤分地為業的時候,要獻上一份給耶和華作聖區,長十二公里半,寬十公里(此譯法參古譯本,“十公里”原文作“五公里”);整個地區都是聖的。
2Ipapo panofanira kuva nzvimbo tsvene yakaita tsanga dzina mazana mashanu pakureba uye tsanga dzina mazana mashanu pahupamhi mativi ose mana akaenzana; uye panofanira kuva noruwa rwakapoteredza kumativi ose runosvika makubhiti makumi mashanu.
2其中要有一塊作為聖所之地,長二百五十公尺,寬二百五十公尺,四面見方;周圍再有二十五公尺作空地。
3Zvino pamugove wakaganhurwa unofanira kuyera nzvimbo inosvika zviyero zviuru zvine makumi maviri nezvishanu pakureba, nezviyero zviuru zvine gumi paupamhi; imomo ndimo munofanira kuva nenzvimbo tsvene, iyo nzvimbo tsvene-tsvene.
3你們要從所量的聖區量出一塊地來,長十二公里半,寬五公里,其中要有聖所,是至聖的地方。
4Uyu unofanira kuva mugove mutsvene wenyika, uchava kuva wavapristi, ivo vanoshumira panzvimbo tsvene, vanoswedera kuna Jehovha kumushumira; inofanira kuva nzvimbo yedzimba dzavo, nenzvimbo tsvene yenzvimbo tsvene.
4這是整個地區中的一塊聖地,要歸給那些在聖所裡供職,親近事奉耶和華的祭司,作他們房屋之地和聖所之聖地。
5Nzvimbo inosvika zviyero zvinezviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nezviuru zvine gumi paupamhi, inofanira kuva yavaRevhi, ivo vanoshumira paimba, ive nhaka yavo, pavangavaka maguta okugaramo.
5其餘的一塊地,長十二公里半,寬五公里,要歸給在聖殿裡供職的利未人,作為二十間房屋的基業。
6Nhaka yavo paguta munofanira kuiganhura, iite zviyero zvine zviuru zvishanu pahupamhi, nezvuiru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, parutivi rwechipo chomugove mutsvene; iyo inofanira kuva yeimba yose yaIsiraeri.
6歸以色列全家的“你們要劃分一塊地作城的基業,寬兩公里半,長十二公里半,在所獻的聖區旁邊,歸給以色列全家。
7Muchinda unofanira kuva nemugove kurutivi rumwe nokune rumwe rwechipo chedunhu dzvene, nokwenhaka iri muguta, pamberi pechipo chitsvene, napamberi penhaka iri muguta, kubva kurutivi rwamavirazuva zvichienda kumavirazuva, nokurutivi rwamabvazuva zvichienda kumabvazuva; pakureba unofanira kuenzana nomugove mumwe, kubva kumuganhu wokumavirazuva kusvikira kumuganhu wokumabvazuva.
7歸君王的“歸給君王之地要在所獻的聖區和城的基業兩旁,一塊對著所獻的聖區,一塊對著城的基業,從西邊那塊地的西面邊界,到東邊那塊地的東面邊界,長度與每支派所分得的地一樣長。
8Nyika iyo inofanira kuva nhaka yake pakati paIsiraeri; machinda angu haangazomanikidzi vanhu vangu, asi achapa imba yaIsiraeri nyika vachienzanisa namarudzi avo.
8這地在以色列中要歸給君王作基業。我所立的君王都不可再欺壓我的子民,卻要按支派把地分給以色列家。”
9Zvanzi naIshe Jehovha, Chiringaniswai nazvo, imwi machinda aIsiraeri; bvisai kuita nesimba nokupamba, tongai zvakarurama nezvakatendeka; bvisai kumanikidza kwenyu pakati pavanhu vangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
9君王應守的條例主耶和華這樣說:“以色列的君王啊!你們所作的該夠了吧。你們要除掉強暴和毀滅的事,施行公平和公義。不要再掠奪我子民的產業。這是主耶和華的宣告。
10Munofanira kuva nezviyero zvakarurama, neefa yakarurama, nebhati rakarurama.
10你們要用公道的天秤、公道的量器。
11Efa nebhati zvinofanira kuva nechiyero chimwe, kuti bhati riite chegumi chimwe chehomeri, uye efa iite chegumi chimwe chehomeri; chiyero chazvo chinofanira kuyerwa nehomeri.
11量液體的‘罷特’和量固體的‘伊法’的容量要相同:一‘罷特’等於‘賀梅珥’的十分之一;一‘伊法’也等於‘賀梅珥’的十分之一,都以‘賀梅珥’的容量為準。
12Shekeri rinofanira kuita magera makumi maviri; mana yenyu inofanira kuva mashekeri ana makumi maviri, namashekeri namakumi maviri namashanu, namashekeri ane gumi namashanu.
12重量單位的一‘舍客勒’是二十‘季拉’;二十‘舍客勒’,加二十五‘舍客勒’和十五‘舍客勒’、就是你們的一‘彌那’。
13Ichi ndicho chipo chamunofanira kuuya nacho: Mugove wechitanhatu weefa pahomeri imwe yezviyo; uye munofanira kupa mugove wechitanhatu cheefa pahomeri yebhari;
13“你們所當獻的供物是這樣:一‘賀梅珥’小麥,要獻一‘伊法’的六分之一;一‘賀梅珥’大麥,要獻一‘伊法’的六分之一。
14uye mugove wakatarwa wamafuta, webhati ramafuta, unofanira kuva mugove wegumi webhati wakatorwa pakori, ndiwo mabhati ane gumi, ndiyo homeri
14獻油的規定是這樣:要用‘罷特’來量,一‘柯珥’要獻一‘罷特’的十分之一。原來一‘柯珥’等於十‘罷特’或是一‘賀梅珥’,因為十‘罷特’就是一‘賀梅珥’。
15uye gwayana rimwe paboka ramakwai ana mazana maviri, ari pamafuro akanyatsodiridzwa avaIsiraeri; zvive chipiriso choupfu, nechipiriso chinopiswa, nechipiriso chokuyananisa, kuvayananisira, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
15從以色列肥沃的草場上,每二百隻羊中要獻一隻羊羔。這些供物要作素祭、燔祭和平安祭,為他們贖罪。這是主耶和華的宣告。
16Vanhu vose venyika vanofanira kuvigira muchinda waIsiraeri chipo ichi.
16國中所有的人民都要奉上供物給以色列的君王。
17Muchinda ndiye anofanira kuisa zvipiriso zvinopiswa, nezvipiriso zvoupfu, nezvipiriso zvinomwiwa pamitambo napakugara komwedzi, napamasabata, pamitambo yose yakatarwa yeimba yaIsiraeri; iye anofanira kugadzira chipiriso chezvivi, nechipiriso choupfu, nechipiriso chinopiswa, nechipiriso chokuyananisa, kuti ayananisire imba yaIsiraeri.
17君王要在節期、月朔、安息日,就是在以色列家一切規定的節日上,奉上燔祭、素祭和奠祭。他要預備贖罪祭、素祭、燔祭和平安祭,為以色列家贖罪。”
18Zvanzi naIshe Jehovha, Nomwedzi wokutanga, nezuva rokutanga rwomwedzi, munofanira kutora nzombe duku isina mhosva, ndokunatsa nzvimbo tsvene.
18節期的獻祭主耶和華這樣說:“正月初一日,你要取一頭無殘疾的公牛犢,潔淨聖所。
19Zvino mupristi anofanira kutora ropa rechipiriso chezvivi, ndokuriisa pambiru dzemikova yeimba, napamakona mana omusara wearitari, napambiru dzesuwo roruvanze rwomukati.
19祭司要取些贖罪祭牲的血,抹在殿的門框、祭壇臺上的四角,以及內院的門框上。
20Munofanira kuitawo saizvozvo nezuva rechinomwe romwedzi pamusoro pomumwe nomumwe anotadza, napamusoro pebenzi; saizvozvo munofanira kuyananisira imba.
20正月初七日,你也要為犯了誤殺罪的或因愚蒙而犯罪的人這樣行,為聖殿贖罪。
21Nomwedzi wokutanga nezuva regumi namana romwedzi, munofanira kuita Pasika, uye mutambo wamazuva manomwe; chingwa chisina mbiriso chinofanira kudyiwa.
21“正月十四日,你們要守逾越節,節期共七天,期間你們要吃無酵餅。
22Nezuva iro muchinda anofanira kuzvigadzirira iye, navanhu vose venyika, nzombe chive chipiriso chezvivi.
22在那一天,君王要為自己和國中所有的人民預備一頭公牛作贖罪祭。
23Namazuva manomwe omutambo anofanira kugadzirira Jehovha chipiriso chinopiswa, zvinoti nzombe nomwe namakondobwe manomwe zvisina mhosva, zuva rimwe nerimwe kwemazuva manomwe; uye nhongo imwe zuva rimwe nerimwe, chive chipiriso chezvivi.
23這節期的七天,每天他都要為耶和華預備無殘疾的公牛七頭和公綿羊七隻作燔祭;他每天又要預備公山羊一隻作贖罪祭。
24Uye anofanira kugadzira chipiriso choupfu, efa imwe panzombe imwe neimwe, neefa imwe pahondobwe rimwe nerimwe, nehini yamafuta paefa imwe neimwe.
24他也要預備素祭,每一頭公牛要與十七公升細麵一同獻上,每一隻公綿羊要與十七公升細麵一同獻上;每份十七公升的細麵加油三公升。
25Nomwedzi wechinomwe, nezuva regumi namashanu romwedzi, pamutambo, anofanira kuita saizvozvo namazuva iwayo manomwe, sezvaakarayirwa pamusoro pechipiriso chezvivi, napamusoro pechipiriso chinopiswa, napamusoro pechipiriso choupfu, napamusoro pamafuta.
25七月十五日,守節的時候,他也要這樣行,照著逾越節的贖罪祭、燔祭、素祭和油的條例去作。”