Shona

聖經新譯本

Ezra

2

1Zvino ava ndivo vana vorutivi rwenyika yaJudha vakadzoka pakutapwa, pakati pavakanga vakatapwa, vakatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakaiswa Bhabhironi, vakazodzokera Jerusaremu nokwaJudha, mumwe nomumwe kuguta rake;
1第一次回歸的猶大人(尼7:6)這些猶大省的人,從前被巴比倫王尼布甲尼撒擄到巴比倫去,現在他們從被擄之地回到耶路撒冷和猶大,各歸自己的城鎮。
2ivo vakauya naZerubhabheri, naJeshua, naNehemiya, naSeraya, naReeraya, naModhekai, naBhirishani, naMisipari, naBhigivhai, naRehumi, naBhaana.
2回歸的領袖(尼7:7)他們與所羅巴伯、耶書亞、尼希米、西萊雅、利來雅、末底改、必珊、米斯拔、比革瓦伊、利宏和巴拿一同回去。以色列民的男丁數目記在下面:
3Kuwanda kwavarume vavanhu vaIsiraeri ndiko: Vana vaParoshi, zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri.
3回歸的平民(尼7:8~38)巴錄的子孫二千一百七十二人;
4Vana vaShefatia, mazana matatu namakumi manomwe navaviri.
4示法提雅的子孫三百七十二人;
5Vana vaAra, mazana manomwe namakumi manomwe navashanu.
5亞拉的子孫七百七十五人;
6Vana vaPahatimoabhi, vavana vaJeshua naJoabhi, zviuru zviviri namazana masere negumi navaviri.
6巴哈.摩押的子孫,就是耶書亞和約押的子孫,二千八百一十二人;
7Vana vaErami, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mashanu navana.
7以攔的子孫一千二百五十四人;
8Vana vaZetu, mazana mapfumbamwe namakumi mana navashanu.
8薩土的子孫九百四十五人;
9Vana vaZakai, mazana manomwe namakumi matanhatu.
9薩改的子孫七百六十人;
10Vana vaBhani, mazana matanhatu namakumi maviri navaviri.
10巴尼的子孫六百四十二人;
11Vana vaBhebhai, mazana matanhatu namakumi maviri navatatu.
11比拜的子孫六百二十三人;
12Vana vaAzagadhi, chiuru chimwe namazana maviri namakumi maviri navaviri.
12押甲的子孫一千二百二十二人;
13Vana vaAdhonikami, mazana matanhatu namakumi matanhatu navatanhatu.
13亞多尼干的子孫六百六十六人;
14Vana vaBhigivhai, zviuru zviviri namakumi mashanu navatanhatu.
14比革瓦伊的子孫二千零五十六人;
15Vana vaAdhini, mazana mana namakumi mashanu navana.
15亞丁的子孫四百五十四人;
16Vana vaAteri, waHezekia, makumi mapfumbamwe navasere.
16亞特的子孫,就是希西家的子孫,九十八人;
17Vana vaBhezai, mazana matatu namakumi maviri navatatu.
17比宰的子孫三百二十三人;
18Vana vaJora, zana negumi navaviri
18約拉的子孫一百一十二人;
19Vana vaHashumi, mazana maviri namakumi maviri navatatu.
19哈順的子孫二百二十三人;
20Vana veGibhari, makumi mapfumbamwe navashanu.
20吉罷珥的子孫九十五人;
21Vana VeBheterehemu, zana namakumi maviri navatatu
21伯利恆人一百二十三人。
22Varume veNetofa, makumi mashanu navatanhatu.
22尼陀法人五十六人。
23Varume veAnatoti, zana namakumi maviri navasere.
23亞拿突人一百二十八人。
24Vana veAzimavheti, makumi mana navaviri.
24亞斯瑪弗人四十二人。
25Vana veKiriatirimi, neKefira, neBheeroti, mazana manomwe namakumi mana navatatu.
25基列.耶琳人、基非拉人和比錄人,共七百四十三人。
26Vana veRama neGhebha, mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe.
26拉瑪人和迦巴人共六百二十一人。
27Varume veMikimashi, zana namakumi maviri navaviri.
27默瑪人一百二十二人。
28Varume veBhetieri neAi, mazana maviri namakumi maviri navatatu.
28伯特利人和艾人共二百二十三人。
29Varume veNebho, makumi mashanu navaviri.
29尼波人五十二人。
30Vana veMagibhishi, zana namakumi mashanu navatanhatu.
30瑪革比士的子孫一百五十六人。
31Vana voumwe Erami, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mashanu navana.
31另外一個以攔的子孫一千二百五十四人。
32Vana vaHarimi, mazana matatu namakumi maviri.
32哈琳的子孫三百二十人。
33Vana veRodhi, neHadhidhi, neOno, mazana manomwe namakumi maviri navashanu.
33羅德、哈第和阿挪的子孫共七百二十五人。
34Vana veJeriko, mazana matatu namakumi mana navashanu.
34耶利哥的子孫三百四十五人。
35Vana veSena, zviuru zvitatu namazana matanhatu namakumi matatu.
35西拿的子孫三千六百三十人。
36Vapristi vakanga vari: Vana vaJadhaya, weimba yaJeshua, mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu.
36回歸的祭司(尼7:39~42)祭司的數目記在下面:耶書亞家的耶大雅的子孫九百七十三人。
37Vana veImeri, chiuru chimwe namakumi mashanu navaviri.
37音麥的子孫一千零五十二人。
38Vana vaPashuri, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mana navanomwe.
38巴施戶珥的子孫一千二百四十七人。
39Vana vaHarimi, chiuru chimwe negumi navanomwe.
39哈琳的子孫一千零一十七人。
40VaRevhi vakanga vari: Vana vaJeshua, naKadhimieri, vavana vaHodhavhia, makumi manomwe navana.
40回歸的利未人(尼7:43~45)利未人的數目記在下面:何達威雅的子孫,就是耶書亞和甲篾的子孫,七十四人。
41Vaimbi vakanga vari: Vana vaAsafi, zana namakumi maviri navasere.
41負責歌唱的:亞薩的子孫一百二十八人。
42Vana vavarindi vemikova vakanga vari: Vana vaSharumi, navana vaAteri navana vaTarimoni, navana vaAkubhi, navana vaHatita, navana vaShobhai, vose zana namakumi matatu navapfumbamwe.
42負責守門的:沙龍的子孫、亞特的子孫、達們的子孫、亞谷的子孫、哈底大的子孫和朔拜的子孫,共一百三十九人。
43VaNetinimi vakanga vari: Vana vaZhiha, navana vaHasufa, navana vaTabhaoti;
43回歸的殿役(尼7:46~56)殿役的數目記在下面:西哈的子孫、哈蘇巴的子孫、答巴俄的子孫、
44navana vaKerosi navana vaShiaha, navana vaPadhoni;
44基綠的子孫、西亞的子孫、巴頓的子孫、
45navana vaRebhana, navana vaHagabha, navana vaAkubhi;
45利巴拿的子孫、哈迦巴的子孫、亞谷的子孫、
46navana vaHagabhi, navana vaShamirai, navana vaHanani,
46哈甲的子孫、薩買的子孫、哈難的子孫、
47navana vaGidheri, navana vaGahari, navana vaReaya;
47吉德的子孫、迦哈的子孫、利亞雅的子孫、
48navana vaRezini, navana vaNekodha, navana vaGazami;
48利汛的子孫、尼哥大的子孫、迦散的子孫、
49navana vaUza, navana vaPasea, navana vaBhesai;
49烏撒的子孫、巴西亞的子孫、比塞的子孫、
50navana vaAsina, navana vaMeunimi, navana vaNefisimi;
50押拿的子孫、米烏寧的子孫、尼普心的子孫、
51navana vaBhakibhuki, navana vaHakufa, navana vaHarihuri;
51巴卜的子孫、哈古巴的子孫、哈忽的子孫、
52navana vaBhaziruti, navana vaMehidha, navana vaHarishaa;
52巴洗律的子孫、米希大的子孫、哈沙的子孫、
53navana vaBharikosi, navana vaSisera, navana vaTema;
53巴柯的子孫、西西拉的子孫、答瑪的子孫、
54navana vaNezia, navana vaHatifa.
54尼細亞的子孫和哈提法的子孫。
55Vana vavaranda vaSoromoni vakanga vari: Vana vaSotai, navana vaHasofereti, navana vaPerudha;
55所羅門僕人的後裔(尼7:57~60)所羅門僕人的子孫的數目記在下面:瑣太的子孫、瑣斐列的子孫、比路大的子孫、
56navana vaJaara, navana vaDharikoni, navana vaGidheri;
56雅拉的子孫、達昆的子孫、吉德的子孫、
57navana vaShefatia, navana vaHatiri, navana vaPokeretihazebhaimi, navana vaAmi.
57示法提雅的子孫、哈替的子孫、玻黑列.哈斯巴音的子孫和亞米的子孫。
58VaNetinimi vose navana vavaranda vaSoromoni vaiva mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri.
58作殿役的和所羅門僕人的子孫共三百九十二人。
59Ndizvo vakakwira vachibva Terimera, neTeriharisha, neKerubhi, neAdhani, neImeri; asi vakanga vasingagoni kududza dzimba dzamadzibaba avo, namarudzi avo, kana vakanga vari vaIsiraeri.
59身世不明的人(尼7:61~65)以下這些人是從特.米拉、特.哈薩、基綠、押但、音麥上來的,可是他們無法證明他們的父家或世系是以色列人。
60Vana vaDheraya, navana vaTobhia, navana vaNekodha, mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri.
60這些人是第萊雅的子孫、多比雅的子孫和尼哥大的子孫,共六百五十二人。
61Navana vavapristi vakanga vari: Vana vaHabhaya, navana vaHakozi, navana vaBharizirai, akanga awana mukadzi wavakunda vaBharizirai muGiriyadhi, akazotumidzwa zita rokwavo.
61祭司的子孫中,有哈巴雅的子孫、哈哥斯的子孫和巴西萊的子孫;巴西萊娶了基列人巴西萊的一個女兒為妻,所以起名叫巴西萊。
62Ava vakatsvaka mazita avo pakati pamazita amadzitateguru, asi akashaikwa; saka vakanzi vakasvibiswa, vakabviswa paupristi.
62這些人查考族譜的記錄,卻找不著,因此他們算為不潔淨,不能作祭司。
63Ipapo mubati akavaudza kuti varege kudya zvinhu zvitsvene-tsvene, kusvikira kwamuka mupristi ane Urimi neTumimi.
63省長告訴他們不可吃至聖之物,直等到有能用烏陵和土明來決疑的祭司興起來。
64Ungano yose yakasvika zviuru zvina makumi mana nezviviri namazana matatu namakumi matanhatu,
64回歸者的總數(尼7:66~69)全體會眾共有四萬二千三百六十人。
65vasingaverengi varanda vavo navarandakadzi vavo, vakasvika zviuru zvinomwe namazana matatu namakumi matatu navanomwe; vakanga vana vaimbi varume navakadzi vana mazana maviri.
65此外,還有他們的僕婢七千三百三十七人;又有男女歌唱者二百人。
66Vakanga vana mabhiza ana mazana manomwe namakumi matatu namatanhatu; mahesera avo akanga ana mazana maviri namakumi mana namashanu;
66他們有馬七百三十六匹,騾子二百四十五匹,
67makamera avo, mazana mana namakumi matatu namashanu, nembongoro dzavo zviuru zvitanhatu namazana manomwe namakumi maviri.
67駱駝四百三十五匹和驢子六千七百二十頭。
68Vamwe vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, pakusvika kwavo paimba yaJehovha iri paJerusaremu, vakavigira nomoyo wavo zvipo zvavo, kuti vamutse imba yaMwari paugaro hwayo.
68為聖殿而奉獻的財物(尼7:70~73)當他們到達耶路撒冷耶和華殿的原址的時候,就為 神的殿甘心獻上禮物,要把殿在原址重建起來。
69Vakapa sezvavakagona mari yokubata basa nayo madhariki endarama ane zviuru zvina makumi matanhatu nechimwe, nepondo dzesirivha dzine zviuru zvishanu, nenguvo dzavapristi dzine zana.
69他們按照自己的力量奉到工程庫裡的,有金子五百公斤和銀子兩千八百公斤,以及祭司的禮服一百件。
70Zvino vapristi navaRevhi, navamwe vanhu, navaimbi navarindi vemikova, navaNetinimi, vakagara pamaguta avo, navaIsiraeri vose pamaguta avo.
70於是祭司、利未人、歌唱者、守門的、作殿役的,和一部分人民住在城裡;以色列眾人都住在自己的城裡。