Shona

聖經新譯本

Genesis

1

1Pakutanga Mwari wakasika matenga nenyika.
1創造天地萬物起初, 神創造天地。
2Zvino nyika yakange isina chimiro, isina chinhu, uye rima raiva pamusoro peudzamu; uye Mweya waMwari waindeya pamusoro mvura.
2地是空虛混沌;深淵上一片黑暗; 神的靈運行在水面上。
3Zvino Mwari akati: Ngakuve nechie­dza, chiedza ndokuvapo.
3 神說:“要有光!”就有了光。
4Zvino Mwari wakaona chiedza kuti chaka­naka; Mwari ndokuparadzanisa chiedza nerima.
4 神看光是好的,他就把光暗分開了。
5Zvino Mwari akatumidza chiedza, kuti masikati, nerima akaritumidza kuti Usiku. Madekwani akavapo, nemangwanani akavapo, zuva rekutanga.
5 神稱光為晝,稱暗為夜。有晚上,有早晨;這是第一日。
6Zvino Mwari wakati: Ngakuve nenzvimbo pakati pemvura, uye ngaiparadzanise pakati pemvura nemvura.
6 神說:“眾水之間要有穹蒼,把水和水分開!”事就這樣成了。
7Zvino Mwari wakaita nzvimbo, ndokuparadzanisa mvura yaiva pasi penzvimbo, nemvura yaiva pamusoro pemuganhu; zvikaita saizvozvo.
7 神造了穹蒼,把穹蒼以下的水和穹蒼以上的水分開了。
8Mwari akatumidza nzvimbo kuti matenga. Ma­dekwani akavapo, nemangwanani akavapo, zuva repiri.
8 神稱穹蒼為天。有晚上,有早晨;這是第二日。
9Zvino Mwari wakati: Mvura iri pasi pede­nga ngaiunganidzwe panzvimbo imwe, uye pasi pakaoma ngapaonekwe; ndokuita saizvozvo.
9 神說:“天下的水要聚在一處,使旱地露出來!”事就這樣成了。
10Zvino Mwari wkatumidza pasi pakaoma, kuti nyika; nemuunganidzwa wemvura akautumi­dza kuti makungwa. Mwari akaona kuti zvakanaka.
10 神稱旱地為地,稱水的聚處為海。 神看這是好的。
11Zvino Mwari wakati: Nyika ngaimerese uswa, miriwo inobereka mbeu, nemiti yemichero inobereka michero inoenderana nemarudzi ayo, mbeu dzayo dziri mukati mayo, panyika; ndokuita saizvozvo.
11 神說:“地上要長出青草、結種子的蔬菜和結果子的樹木,各從其類,在地上的果子都包著核!”事就這樣成了。
12Zvino nyika ika­meresa uswa, nemiriwo inobereka mbeu dzine marudzi adzo, nemuti unobereka michero, mbeu dzawo dziri mukati mawo, une marudzi awo. Mwari akaona kuti zva­kanaka.
12於是,地上長出了青草和結種子的蔬菜,各從其類;又長出結果子的樹木,各從其類,果子都包著核。 神看這是好的。
13Zvino madekwani akavapo nemangwa­nani akavapo, zuva retatu.
13有晚上,有早晨;這是第三日。
14Zvino Mwari wakati: Ngakuve nezviedza panzvimbo yedenga, kuti zviparadzanise masikati neusiku; kuti zvive zviratidzo, nenguva yakatarwa, nemazuva, nemakore.
14 神說:“在天上穹蒼中,要有光體來分晝夜;這些光體要作為記號,定節令、日子和年歲;
15Zvino ngazvive zviedza panzvimbo yedenga, kuti zvipe chiedza panyika; zvikaita saizvo­zvo.
15它們要在天上穹蒼中發光,照耀地上!”事就這樣成了。
16Zvino Mwari wakaita zviedza zvikuru zviviri: Chiedza chikuru kuti chitonge masikati, nechiedza chiduku, kuti chitonge usiku, nenyeredziwo.
16於是, 神造了兩個大光體,大的管晝,小的管夜;又造了星星。
17Zvino Mwari aka­zviisa pasi penzvimbo yedenga, kuti zvipe chiedza panyika,
17 神把這些光體安放在天上穹蒼中,照耀地上,
18uye zvitonge masikati neusiku, nekuparadzanisa chie­dza kubva parima; zvino Mwari akaona kuti zvaka­naka.
18管晝夜,分光暗。 神看這是好的。
19Zvino madekwani akavapo, nemangwanani akavapo, zuva rechina.
19有晚上,有早晨;這是第四日。
20Zvino Mwari wakati: Mvura ngaizare nekupfakanyika kwemweya mipenyu, neshiri dzibhuru­ruke pamusoro penyika munzvimbo ye­denga.
20 神說:“水要滋長生物;地上和天空之中,要有雀鳥飛翔!”
21Zvino Mwari wakasika mabukanana egungwa, nezvipenyu zvose zvinokambaira, izvo mvura yakanga izere na­zvo, zvine marudzi azvo, neshiri dzose dzine mapapiro, dzine marudzi adzo; Mwari akaona kuti zvakanaka.
21於是, 神創造了大魚和在水中滋生各種能活動的生物,各從其類;又創造了各種有翅膀的飛鳥,各從其類。 神看這是好的。
22Zvino Mwari wakazviropafadza, achiti: Berekai, muwa­nde, muzadze mvura iri mumakungwa; neshiri ngadziwande panyika.
22 神就賜福給牠們,說:“要繁殖增多,充滿海洋;雀鳥也要在地上增多!”
23Zvino ma­dekwani akavapo, nemangwanani akavapo, zuva reshanu.
23有晚上,有早晨;這是第五日。
24Zvino Mwari wakati: Nyika ngaibereke zvisikwa zvipenyu zvine marudzi azvo, nezvi­pfuwo, nezvinokambaira, nemhuka dze­nyika, zvina marudzi azvo. Zvikaita sai­zvozvo.
24 神說:“地上要生出活物來,各從其類;牲畜、昆蟲和地上的野獸,各從其類!”事就這樣成了。
25Mwari akaita mhuka dzenyika dzine marudzi adzo, nezvipfuwo zvine marudzi azvo, nezvinhu zvose zvinoka­mbaira panyika zvine marudzi azvo. Mwari akaona kuti zvakanaka.
25於是, 神造了地上的野獸,各從其類;牲畜,各從其類;地上的各種昆蟲,各從其類。 神看這是好的。
26Zvino Mwari wakati: Ngatiite munhu nemufananidzo wedu, akafanana nesu; ngaave nesimba pamusoro pehove dzegu­ngwa, nepamusoro peshiri dzedenga, nepamusoro pezvipfuwo, nepamusoro pe­nyika yose, nepamusoro pezvose zvinokambaira panyika.
26創造人類 神說:“我們要照著我們的形象,按著我們的樣式造人;使他們管理海裡的魚、空中的鳥、地上的牲畜,以及全地,和地上所有爬行的生物!”
27Zvino Mwari wakasika munhu nemufananidzo waMwari; akavasika murume nemukadzi.
27於是, 神照著自己的形象創造人;就是照著他的形象創造了人;他所創造的有男有女。
28Zvino Mwari wakavaropafadza, Mwari ndokuti kwavari: Berekai, muwande, uye muzadze nyika, nekuitonga; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, nepamu­soro peshiri dzedenga, nepamusoro pe­zvipenyu zvose zvinokambaira pamusor penyika.
28 神就賜福給他們,對他們說:“要繁殖增多,充滿這地,征服它;也要管理海裡的魚、空中的鳥和地上爬行的所有生物。”
29Zvino Mwari wakati: Tarirai, ndakakupai mi­riwo yose inobereka mbeu, iri pachiso chenyika yose, nemiti yose ine michero yemiti inobereka mbeu, kwamuri ndeyekudya.
29 神說:“看哪!我把全地上結種子的各樣蔬菜,和一切果樹上有種子的果子,都賜給你們作食物。
30Zvino kumhuka dzose dzenyika, nekushiri dzose dzedenga, nezvose zvino­kambaira panyika, zvine mweya weupe­nyu, ndakazvipa miriwo yose minyoro, kuti zvive zvokudya zvazvo. Zvikaita saizvozvo.
30至於地上的各種野獸,空中的各種飛鳥,和地上爬行有生命的各種活物,我把一切青草蔬菜賜給牠們作食物。”事就這樣成了。
31Zvino Mwari wakaona zvose zvaakaita, onei zvakanaka kwazvo. Zvino madekwani akavapo, namangwanani akavapo, zuva retanhatu.
31 神看他所造的一切都很好。有晚上,有早晨;這是第六日。