Shona

聖經新譯本

Genesis

15

1Shure kwezvinhu izvi shoko raJe­hovha rakauya kuna Abhuramu pachiratidzo richiti: Usatya Abhuramu, ndiri nhovo yako, nemu­bayiro wako mukuru-kuru.
1 神與亞伯蘭立約這些事以後,耶和華的話在異象中臨到亞伯蘭說:“亞伯蘭,你不要懼怕,我是你的盾牌;你的賞賜是很大的。”
2Abhuramu ndokuti: Ishe Jehovha, muchandipei? zvandoenda ndisina mwana; uchava mudyi wenhaka yeimba yangu ndiEriezeri weDhamasiko?
2亞伯蘭說:“主耶和華啊,我一向都沒有孩子,你還能賜給我甚麼呢?這樣,承受我家業的,就是大馬士革人以利以謝了。”
3Abhuramu ndokuti: Tarira, kwandiri hamuna kupa mbeu; uye tarira, uyo wakaponerwa mumba mangu ndiye achava mudyi we­nhaka yangu.
3亞伯蘭又說:“你既然沒有給我後裔,那生在我家中的人,就是我的繼承人了。”
4Zvino tarira, shoko raJehovha kwaari rakati: Uyu haangavi mudyi we­nhaka wako; asi uyo uchabuda paura hwako, ndiye achava mudyi wenhaka wako.
4耶和華的話又臨到亞伯蘭說:“這人必不會作你的繼承人;你親生的才會是你的繼承人。”
5Zvino wakamubudisa panze akati: Zvino tarira kumatenga, ugoverenga nyere­dzi, kana ungagona kudziverenga. Ndokuti kwaari: Ndizvo zvichaita mbeu yako.
5於是領他到外面去,說:“你向天觀看,數點眾星,看你能不能把它們數得清楚。”又對他說:“你的後裔將要這樣眾多。”
6Iye ndokutenda kuna Jehovha. Zvino akamuverengera izvi kuva kururama.
6亞伯蘭信耶和華,耶和華就以此算為他的義了。
7Zvino wakati kwaari: Ndini Jehovha wa­kakubudisa paUri yevaKaradhea, ndikupe nyika iyi ive nhaka yako.
7耶和華又對亞伯蘭說:“我是耶和華,曾經把你從迦勒底的吾珥領出來,為要把這地賜給你作產業。”
8Ndokubva akati: Ishe Jehovha, ndichaziva sei kuti ichava nhaka yangu?
8亞伯蘭說:“主耶和華啊,我憑甚麼能知道我必得這地為業呢?”
9Zvino akati kwaari: Nditorere tsiru remakore matatu, nesheche yembudzi yemakore matatu, negondohwe remakore matatu, nenjiva, nemwana wehangaiwa.
9耶和華對他說:“你給我拿一頭三歲的母牛,一隻三歲的母山羊,一隻三歲的公綿羊,一隻斑鳩和一隻雛鴿。”
10Akamutorera zvose izvi, akazvipamura nepakati, akagadzika rwumwe rutivi rwakatarisana nerwumwe; asi shiri haana kudzipamura.
10亞伯蘭就把這一切拿了來,每樣都從當中劈開,一半一半相對擺列;只是鳥卻沒有劈開。
11Zvino magora aka­burukira kuzvitunha, asi Abhuramu wakaa­dzinga.
11有鷙鳥下來,落在這些屍骸上,亞伯蘭就把牠們嚇走了。
12Zvino zuva rakati rovira, hope huru dzakawira pana Abhuramu; zvino tarira, kutya nerima guru zvakawira pamusoro pake.
12日落的時候,亞伯蘭沉沉地睡著了,忽然有可怕的大黑暗落在他身上。
13Zvino wakati kuna Abhuramu: Uzive kwazvo kuti mbeu yako ichava mutorwa munyika isiri yavo, uye vachavashandira, uye vachatambudzwa makore mazana mana.
13耶和華對亞伯蘭說:“你要確實地知道,你的後裔必在外地寄居,也必服事那地的人,那地的人苦待他們四百年。
14Asi rudzi rwavachashandira ndicharwutonga, uye pashure vachabuda nenhumbi zhinji.
14他們所要服事的那國,我要親自懲罰。後來他們必帶著很多財物,從那裡出來。
15Asi iwe uchaenda kuna madzibaba ako nerugare, uchavigwa paku­kwegura kwakanaka.
15你必得享長壽,被人埋葬,平平安安地回到你列祖那裡。
16Zvino rudzi rwechina ru­chadzoka pano; nekuti kuipa kwevaAmori kuchigere kuzara.
16到了第四代,他們必回到這裡,因為亞摩利人的罪孽還沒有滿盈。”
17Zvino zvakaitika kuti zuva ravira, uye kwa­sviba, zvino tarira, choto chinopfungaira nemwenje unopfuta zvinopfuura pakati penhindi idzodzo.
17日落天黑的時候,忽然有冒煙的爐和燒著的火把,從那些肉塊中經過。
18Nezuva iroro Jehovha wakaita sungano naAbhu­ramu achiti: Kumbeu yako ndapa nyika iyi, kubva parwizi rweEgipita kusvikira kurwizi rukuru, rwizi Yufuratesi.
18就在那時候,耶和華與亞伯蘭立約說:“我已經把這地賜給你的後裔了,就是從埃及河直到幼發拉底河之地;
19VaKeni nevaKenizi nevaKadhimoni
19就是基尼人、基尼洗人、甲摩尼人、
20nevaHeti nevaPerezi nevaRefaimi,
20赫人、比利洗人、利乏音人、
21nevaAmori nevaKanani nevaGiriga­shi nevaJebhusi.
21亞摩利人、迦南人、革迦撒人、耶布斯人之地。”