1Zvino nyoka yakanga yakasvinuka kupfuura mhuka dzose dzesango Jehovha Mwari dzaakange aita. Ndokuti kumukadzi, Nhai, ndizvo here kuti Mwari wakati: Regai kudya miti yose yemunda?
1始祖被引誘而違主命在耶和華 神所造野地所有的活物中,蛇是最狡猾的。蛇對女人說:“ 神真的說過,你們不可吃園中任何樹上的果子嗎?”
2Mukadzi ndokuti kunyoka: Tingadya zvemichero yemiti yemunda;
2女人對蛇說:“園中樹上的果子,我們都可以吃;
3asi zvemuchero wemuti uri pakati pemunda, Mwari wakati: Musadya, kana kuubata, zvimwe mufe.
3只有園中那棵樹上的果子, 神曾經說過:‘你們不可吃,也不可摸,免得你們死。’”
4Nyoka ikati kumukadzi: Hamungafi zvirokwazvo.
4蛇對女人說:“你們決不會死;
5Nekuti Mwari anoziva kuti nomusi wamunoudya nawo, meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.
5因為 神知道你們吃那果子的時候,你們的眼睛就開了;你們會像 神一樣,能知道善惡。”
6Zvino mukadzi wakati achiona kuti muti wakanaka kuva chikafu, uye kuti unofadza meso, uye kuti muti unodikamwa kungwadza, akatora zvemuchero yawo, akadya, akapawo kumurume wake pamwe naye, uye akadya.
6於是,女人見那棵樹的果子好作食物,又悅人的眼目,而且討人喜愛,能使人有智慧,就摘下果子來吃了;又給了和她在一起的丈夫,他也吃了。
7Zvino meso avo vari vaviri, akasvinudzwa, vakaziva kuti vakashama; vakasonanidza mashizha emuonde, vakazviitira mafasikoto.
7二人的眼睛就開了,才知道自己是赤身露體的。於是把無花果樹的葉子編縫起來,為自己做裙子。
8Zvino vakanzwa inzwi raJehovha Mwari achifamba mumunda pakutonhorera kwezuva, munhu nemukadzi wake ndokunohwanda pamberi paJehovha Mwari pakati pemiti yemunda.
8天起涼風的時候,那人和他的妻子聽見耶和華 神在園中行走的聲音,就藏在園子的樹林中,躲避耶和華 神的面。
9Jehovha Mwari akadana munhu, akati kwaari, Uripi?
9耶和華 神呼喚那人,對他說:“你在哪裡?”
10Iye ndokuti: Ndanzwa inzwi renyu mumunda, ndikatya, nekuti ndanga ndisina kupfeka, ndokuhwanda.
10他回答:“我在園中聽見你的聲音,就害怕;因為我赤身露體,就藏了起來。”
11Zvino wakati: Ndiani wakuudza kuti hauna kupfeka? Wadya kanhi zvemuti wandakakuraira kuti usaudya?
11耶和華 神說:“誰告訴你,你是赤身露體呢?難道你吃了我吩咐你不可吃的那樹上的果子嗎?”
12Zvino munhu wakati, Mukadzi wamakapa kuti ave neni, iye wandipa zvemuti ndikadya.
12那人說:“你所賜給我、和我在一起的那女人,她把樹上的果子給我,我就吃了。”
13Zvino Jehovha Mwari wakati kumukadzi: Chii chawakaita? Mukadzi ndokuti: Nyoka yandinyengera, ndikadya.
13耶和華 神對女人說:“你作了甚麼事呢?”女人說:“那蛇欺哄我,我就吃了。”
14Zvino Jehovha Mwari wakati kunyoka: Nekuti waita izvi, wapiwa rushambwa kupfuura chipfuwo chose nemhuka yose yesango; uye nedumbu rako uchafamba, uye guruva ucharidya mazuva ose eupenyu hwako.
14懲罰與應許耶和華 神對蛇說:“因為你作了這事,就必在所有的牲畜和田野的活物中受咒詛;你要用肚子行走,一生都吃泥土。
15Uye ndichaisa ruvengo pakati pako nemukadzi, nepakati pembeu yako nembeu yake, iyo ichakupwanya musoro, newe uchaipwanya chitsitsinho.
15我要使你和女人彼此為仇,你的後裔和女人的後裔,也彼此為仇,女人的後裔要傷你的頭,你要傷他的腳跟。”
16Kumukadzi wakati: Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nekutora mimba kwako, mukurwadziwa uchabereka vana, chishuwo chako chichava kumurume wako, uye uchakutonga.
16耶和華 神對女人說:“我要大大增加你懷胎的痛苦,你必在痛苦中生產兒女;你要戀慕你的丈夫,他卻要管轄你。”
17Zvino kumunhu wakati: Nekuti wateerera kuinzwi remukadzi wako, ukadya muti wandakakuraira ndichiti: Usadya zvawo, pasi papiwa rushambwa nemhosva yako, nekutambudzika uchadya zvibereko zvayo mazuva ose eupenyu hwako.
17耶和華 神又對亞當說:“因為你聽從了你妻子的話,吃了我吩咐你不可吃的那樹上的果子;地就必因你的緣故受咒詛;你必終生勞苦,才能從地裡得吃的。
18Zvino ichakuberekera mhinzwa neubayambeva, uye uchadya miriwo yemusango.
18地要給你長出荊棘和蒺藜來;你也要吃田間的蔬菜;
19Neziya rechiso chako uchadya chikafu kusvikira wadzokera kuvhu; nekuti wakatorwa kwariri. nekuti uri guruva, uchadzokerazve kuguruva.
19你必汗流滿面,才有飯吃,直到你歸回地土,因為你是從地土取出來的;你既然是塵土,就要歸回塵土。”
20Zvino munhu wakatumidza mukadzi wake kuti Evha; nekuti ndiye mai vevapenyu vose.
20被逐出伊甸園亞當給他的妻子起名叫夏娃,因為她是眾生之母。
21Zvino Jehovha Mwari wakaitira munhu nemukadzi wake nguvo dzamatehwe, akavafukidza nadzo.
21耶和華 神為亞當和他的妻子做了皮衣,給他們穿上。
22Zvino Jehovha Mwari akati, Tarirai, munhu ava somumwe wedu zvaanoziva zvakanaka nezvakaipa; zvino zvimwe angatambanudza ruoko rwake akatorawo zvomuti woupenyu, akadya, akararama nokusingaperi.
22耶和華 神說:“那人和我們中間的一個相似,能知善惡;現在恐怕他伸出手來,摘取生命樹上的果子吃,就永遠活著。”
23Naizvozvo Jehovha Mwari akamubudisa mumunda weEdheni, kuti arime ivhu raakatorwa kwariri.
23耶和華 神就把他趕出伊甸園,去耕種他自己也是從那裡出來的地土。
24Naizvozvo akadzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwamabvazuva rwomunda weEdheni, nomurazvo womunondo waimonereka kumativi ose, kurindira nzira yomuti woupenyu.
24於是把亞當驅逐出去,又派基路伯在伊甸園的東邊,拿著旋轉發火燄的劍,把守到生命樹去的路。