1Zvino Jakove akagara munyika youtorwa hwababa vake, munyika yeKanani.
1約瑟和他的兄弟雅各住在他父親寄居的地方,就是迦南地。
2Marudzi aJakove ndiwo: Josefa akanga ana makore ane gumi namanomwe, akafudza makwai pamwechete navakoma vake; akanga achiri mukomana pamwechete navanakomana vaBhiriha, navanakomana vaZiripa, vakadzi vababa vake; Josefa akasivaudzira kuna baba vavo.
2雅各的歷史記在下面:約瑟十七歲的時候,與他的哥哥們一同牧羊。他是個孩童,與他父親的妾,辟拉和悉帕的眾子,常在一起。約瑟把他們的惡行報告給父親。
3Zvino Isiraeri akanga achida Josefa kupfuura vana vake vose, nekuti aiva mwanakomana woutana hwake; akamuitira nguvo yakanga yakareba ina maoko.
3以色列愛約瑟過於愛其他的兒子,因為約瑟是他年老時生的。他給約瑟做了一件彩色長衣。
4Vakoma vake vakaona kuti baba vavo vanomuda kupfuura vakoma vake vose; vakamuvenga, vakasagona kutaura naye nomufaro.
4約瑟的哥哥們見父親愛約瑟過於愛他們,就恨約瑟,不能與他和和氣氣地說話。
5Zvino Josefa akarota hope, akaudza vakoma vake, ipapo vakanyanya kumuvenga.
5約瑟的夢約瑟作了一個夢,把夢告訴哥哥們,他們就越發恨他。
6Akati kwavari, Inzwaiwo hope dzangu dzandarota.
6約瑟對他們說:“請聽我所作的這個夢:
7Tarirai, takanga tichisunga zvisote mumunda, onei chisote changu chikasimuka, chikaramba chimire; ndikaona zvisote zvenyu zvichikomba changu, zvikakotama pamberi pechisote changu.
7我們正在田間捆麥子,我的麥捆忽然站立起來,你們的麥捆都來圍著我的下拜。”
8Vakoma vake vakati kwaari, Ko iwe uchabata ushe pamusoro pedu kanhi? Ko iwe uchava nesimba pamusoro pedu kanhi? Vakanyanya kumuvenga nokuda kokurota kwake nokwamashoko ake.
8他的哥哥們對他說:“你真的要作我們的王嗎?真的要管轄我們嗎?”他們就為了約瑟的夢和他的話,越發恨他。
9Akapamha kurotazve, akaudza vakoma vake, akati, Tarirai, ndarotazve dzimwe hope; ndakaona zuva, nomwedzi, nenyeredzi dzine gumi neimwe, dzichikotamira pamberi pangu.
9後來約瑟又作了一個夢,也把夢向哥哥們述說了。他說:“我又作了一個夢,我夢見太陽、月亮和十一顆星向我下拜。”
10Akaudza baba vake navakoma vake izvozvo; baba vake vakamutuka, vakati kwaari, Kurota kwako uku kwawarota kurota kunyi? Ini namai vako navakoma vako tichauya tikakotama pasi pamberi pako kanhi?
10約瑟把夢向他父親和哥哥們述說了,他父親就斥責他,說:“你所作的這夢是甚麼夢呢?我和你母親,以及你的兄弟,真的要來俯伏在地向你下拜嗎?”
11Vakoma vake vakamugodora; asi baba vake vakachengeta shoko iro.
11他哥哥們都嫉妒他,他父親卻把這事記在心裡。
12Zvino vakoma vake vakandofudza makwai ababa vavo paShekemu.
12約瑟被賣到埃及約瑟的哥哥們去了示劍,牧放他們父親的羊群。
13Isiraeri akati kuna Josefa, Vakoma vako havafudzi makwai paShekemu here? Uya ndikutumire kwavari. Iye akati, Ndiri pano hangu.
13以色列對約瑟說:“你的哥哥們不是在示劍牧放羊群嗎?來吧,我要派你到他們那裡去。”約瑟回答他:“我在這裡。”
14Akati kwaari, Zvino chienda undotarira kana vakoma vako vakafara, namakwai kana akafarawo; ugodzoka kuzondiudza. Naizvozvo akamutuma, ari pamupata weHebhuroni, akandosvika Shekemu.
14以色列對他說:“你去看看你的哥哥們是不是平安,羊群是不是平安,就回來告訴我。”於是打發他離開希伯崙谷,他就到示劍去了。
15Zvino mumwe murume akamuwana achidzungaira musango; murume akamubvunza, akati, Unotsvakeiko?
15有人遇見約瑟在田間迷了路,就問他說:“你找甚麼?”
16Iye akati, Ndinotsvaka vakoma vangu; dondiudza hako kwavanofudza makwai.
16他回答:“我正在找我的哥哥們,請你告訴我他們在哪裡牧放羊群。”
17Murume akati, Vabva pano, nokuti ndakavanzwa vachiti, Ngatiende Dhotani. Josefa akatevera vakoma vake, akandovawana paDhotani.
17那人說:“他們已經離開了這裡;我聽見他們說:‘我們要到多坍去。’”於是約瑟去追尋哥哥們,結果在多坍找到了他們。
18Ivo vakamuona achiri kure; zvino asati asvika kwavari, vakarangana kuti vamuuraye.
18他們遠遠就看見了他;趁他還沒有走近,大家就謀害他,要把他殺死。
19Vakataurirana, vachiti, Hoyo muroti uya wauya.
19他們彼此說:“看哪,那作夢的人來了。
20Uyai zvino timuuraye, timukandire mune rimwe ramakomba aya, tigoti, Wadyiwa nechikara; tigoona kuti kurota kwake kuchazoitwa seiko.
20來吧,我們把他殺了,丟在一個枯井裡,就說有猛獸把他吃了。我們要看看他的夢將來要怎麼樣。”
21Rubheni akazvinzwa, akamurwira mumaoko avo, akati, Ngatirege kumuuraya.
21流本聽見了,要救約瑟脫離他們的手。他說:“我們不可取他的性命。”
22Rubheni akati kwavari, Musadurura ropa; mukandirei mugomba iri riri musango, asi regai kutambanudza maoko enyu kwaari; kuti amurwire pamaoko avo, agomudzosera kuna baba vake.
22流本又對他們說:“不可流他的血,可以把他丟在這曠野的枯井裡,不可下手害他。”流本的意思是要救他脫離他們的手,把他帶回去給他的父親。
23Zvino Josefa akati asvika kuvakoma vake, vakabvisira Josefa nguvo yake, nguvo iya yakanga yakareba ina maoko, yaakanga akafuka;
23約瑟到了哥哥們那裡,他們就脫去他的外衣,就是他穿在身上的那件彩衣。
24vakamutora, vakamukandira mugomba; gomba rakanga risina chinhu, makanga musina mvura.
24他們拿住約瑟,把他丟在枯井裡。那井是空的,裡面沒有水。
25Vakagara pasi, vakadya zvokudya; zvino vakasimudza meso avo, vakatarira, vakaona boka ravaIshimaeri vachifamba, vachibva Giriyadhi, makamera avo akatakura zvinhu zvinonhuhwira, nebarisami, nemura, vachindozviisa Egipita.
25他們坐下吃飯,舉目觀看,見有一群以實瑪利人從基列來。他們的駱駝載著香料、乳香和沒藥,要帶下埃及去。
26Zvino Judha akati kuvana vababa vake, Tingawaneiko kana tikauraya munin'ina wedu tichivanza ropa rake?
26猶大對他的眾兄弟說:“我們殺了我們的兄弟,把他的血隱藏起來,究竟有甚麼益處呢?
27Uyai timutengese kuvaIshimaeri; maoko edu arege kuva kwaari; nekuti munun una wedu, nyama imwe nesu. Vana vababa vake vakamuteerera.
27我們不如把他賣給以實瑪利人,不要下手害他,因為他是我們的兄弟,我們的骨肉。”眾兄弟就聽從了他。
28Zvino vatengesi vavaMidhiani vakapfuurapo, vakakwidza Josefa vachimubudisa mugomba, vakatengesa Josefa kuvaIshimaeri namashekeri ana makumi maviri; ivo vakaisa Josefa Egipita.
28有些米甸的商人經過那裡,約瑟的哥哥們就把約瑟從枯井裡拉上來,以二十塊銀子把他賣給以實瑪利人。以實瑪利人就把約瑟帶到埃及去了。
29Zvino Rubheni akadzokera kugomba, akawana Josefa asisimo mugomba; akabvarura nguvo dzake.
29流本回到枯井那裡,見約瑟不在井裡,就撕裂自己的衣服。
30Akadzokera kuvanin'ina vake, akati, Mwana haachipo; ini zvino ndichaendepiko?
30他回到兄弟們那裡去,說:“孩子不見了,我可到哪裡去呢?”
31Zvino vakatora nguvo yaJosefa, vakauraya nhongo yembudzi, vakanyika nguvo muropa;
31於是,他們宰了一隻公山羊,把約瑟的長衣蘸在血裡;
32vakatumira nguvo iyo yakareba ina maoko kuna baba vavo, vakati, Tanonga chinhu ichi; fananidzai zvakanaka kana iri nguvo yomwanakomana wenyu, kana isati iri iyo.
32然後打發人把彩衣送到他們父親那裡,說:“這是我們找到的。請你認一認,是你兒子的長衣不是?”
33Ivo vakafananidza vakati, Inguvo yomwanakomana wangu; wadyiwa nechikara; Josefa zvirokwazvo waparadzwa.
33他認出這件長衣,就說:“是我兒子的長衣,有猛獸把他吃了。約瑟真的被撕碎了。”
34Jakove akabvarura nguvo dzake, akasimira madhumbu pachiuno chake, akachema mwanakomana wake mazuva mazhinji.
34雅各就撕裂自己的衣服,腰束麻布,為他兒子哀悼了很多日子。
35Vanakomana vake vose navakunda vake vose vakasimuka vakamunyaradza; asi akaramba kunyaradzwa, akati, Ndichaburukira kuguva kumwanakomana wangu, ndichichema. Baba vake vakamuwungudzira.
35他所有的兒女都起來安慰他,他卻不肯接受他們的安慰,說:“我要悲悲哀哀地下到陰間,到我的兒子那裡去。”約瑟的父親就為他哀哭。
36Zvino vaMidhiani vakandomutengesa Egipita kuna Potifari, muranda waFarao, mukuru wavarindi.
36米甸人後來把約瑟賣到埃及去,賣給法老的一個臣宰,軍長波提乏。