Shona

聖經新譯本

Genesis

43

1Zvino nzara yakanga iri huru munyika iyoyo.
1雅各再差遣眾子往埃及買糧那地的饑荒十分嚴重。
2Zvino vakati vapedza zviyo, zvavakanga vabva nazvo Egipita, baba vavo vakati kwavari, Dzo­kai, endaizve mutitengere zvokudya zvi­shoma.
2他們把從埃及帶回來的糧食都吃完了。他們的父親就對他們說:“你們再去替我們買些糧食回來吧。”
3Judha akataura navo, akati, Mu­rume uya akatinyevera kwazvo, akati, Hamungatongooni chiso changu, kana munin'ina wenyu asati anemi.
3猶大對他說:“那人認真地警告我們說:‘如果你們的弟弟不與你們一起來,你們就不得見我的面。’
4Kana mukatuma munin'ina wedu nesu, tichabu­ruka, kundotenga zvokudya;
4如果你讓我們的弟弟與我們同去,我們就下去替你買糧食。
5asi kana musingamutumi, hatingaburuki; nekuti murume uya akati kwatiri, Hamungaoni chiso changu, kana munin'ina wenyu asati anemi.
5如果你不讓他去,我們也不下去,因為那人對我們說:‘如果你們的弟弟不與你們一起來,你們就不得見我的面。’”
6Isiraeri akati, Makandiitireiko zvakaipa zvakadai, zvamakaudza mu­rume uya kuti munomunin'ina?
6以色列說:“你們為甚麼這樣害我,告訴那人你們還有個弟弟呢?”
7Ivo vakati, Murume uya akatibvunzisisa pamusoro pedu, napamusoro pehama dzedu, akati, Baba venyu vapenyu here? Mune munin'ina here? Tikamu­pindura namashoko aya; taigoziva here kuti achati, Burukai nomunin'ina we­nyu?
7他們回答:“那人確實查問有關我們和我們親屬的事,說:‘你們的父親還活著嗎?你們還有其他的兄弟嗎?’我們就照著這些話回答他。我們怎麼知道他會說:‘你們必要把你們的弟弟帶下來’呢?”
8Zvino Judha akati kuna Isiraeri, baba vake, Tumai henyu mukomana neni, tisimuke, tiende, tirarame, tirege kufa, isu nemi, navana vedu.
8猶大對他父親以色列說:“你若打發那孩子與我同去,我們就立刻起程,好叫我們和你,以及我們的孩子都可以存活,不至餓死。
9Ini ndi­chava rubatso rwake; mungamureva pa­ruoko rwangu; kana ndikasauya naye, ndikamuisa pamberi penyu, ini ndichava nemhosva kwamuri nokusingaperi.
9我願意親自擔保他的安全,你可以從我手裡追回他。如果我不把他帶回來給你,交在你面前,我願終生承擔這罪。
10No­kuti dai tisina kunonoka, zvirokwazvo, tingadai tadzoka zvino rwechipiri.
10要不是我們耽延,現在第二次也回來了。”
11Ipapo Isiraeri, baba vavo, akati kwavari, Kana zvakadaro, itai chinhu ichi; torai michero yakanaka yenyika mu­midziyo yenyu, muburuke nechipo kumu­nhu uyo, chebhasami shomanana, nouchi ushomanana, nezvinonhuhwira, nemura, nemichero yomuti wepisitakio, namaama­nda;
11他們的父親以色列對他們說:“如果必須如此,你們就這樣作:你們把本地最好的出產放在袋裡,帶下去給那人作禮物,就是一點乳香、一點蜂蜜、香料、沒藥、粟子和杏仁。
12mutore mari yakapamhidzwa kaviri mumaoko enyu, neiya mari yakanga ya­dzoserwa mumiromo yehomwe dzenyu, muende makaibata mumaoko enyu; zvi­mwe vakakanganisa.
12你們手裡要多帶一倍銀子,因為你們要把那放回在你們袋口裡的銀子帶回去,那可能是弄錯了的。
13Nomunin'ina wenyu mumutorei, musimuke, mudzokere kumu­rume uyo;
13你們帶著你們的弟弟,起程再到那人那裡去吧。
14Mwari waMasimbaose ngaa­kupei nyasha pamberi pomurume uyo, akusunungurirei mumwe munin'ina wenyu naBhenjaminiwo. Kana ndatorerwa vana vangu, ndatorerwa hangu.
14願全能的 神使那人憐憫你們,給你們釋放你們那個兄弟和便雅憫。至於我,如果要喪失兒子,就喪失了吧。”
15Zvino varume vakatora chipo ichocho, vakabata mumaoko avo mari yakapamhidzwa kaviri, naBhenjamini, vakasimuka, vakaburukira Egipita, vaka­ndomira pamberi paJosefa.
15於是,他們帶著這些禮物,手裡拿著多一倍的銀子,並且帶著便雅憫,起程下到埃及去,站在約瑟面前。
16Zvino Jo­sefa akati achiona Bhenjamini anavo, akati kumutariri weimba yake, Uya navarume mumba, ubaye, ugadzire; no­kuti varume ava vachadya neni masi­kati.
16約瑟為兄弟擺設筵席約瑟見便雅憫與他們同來,就對管家說:“把這些人帶到我家裡,要宰殺牲畜,預備筵席,因為在正午的時候,這些人要與我一起吃飯。”
17Murume uyo akaita sezvaakau­dzwa naJosefa; murume uyo akaisa varume avo mumba maJosefa.
17管家就照著約瑟所吩咐的去作,把這些人帶到約瑟的家裡。
18Varume vakatya, zvavakaiswa mu­mba maJosefa, vakati, Tinoiswamo no­kuda kwemari yakadzoserwa muhomwe dzedu panguva yokutanga, kuti atsvake mhosva kwatiri, atibate, nokutiita va­randa vake, achitorawo madhongi edu.
18他們因為被領到約瑟的家裡,就害怕起來,說:“我們被領到這裡來,必定是為了頭一次放回在我們袋裡的銀子,現在他們想攻擊我們,制伏我們,逼我們作奴僕,又奪去我們的驢。”
19Ipapo vakaswedera kumutariri weimba yaJosefa, vakataura naye pamu­suwo weimba;
19他們於是走近約瑟的管家,在屋門口與他說話。
20vakati, Haiwa, ishe wedu, zvirokwazvo panguva yokutanga takaburuka kuzotenga zvokudya;
20他們說:“先生啊,我們頭一次下來,實在是要買糧食的。
21tikati tichisvika patakavata usiku, tikasunu­ngura homwe dzedu, onei mari yomu­mwe nomumwe iri mumuromo weho­mwe yake, mari yedu yose sezvayakayerwa; zvino tadzoka nayo pa­maoko edu.
21後來我們來到住宿的地方,打開布袋的時候,不料各人的銀子仍然在各人的袋口裡,分文不少;現在我們手裡又帶回來了。
22Zvino taburuka tiine imwe marizve mumaoko edu kuti titenge zvo­kudya nayo; hatizivi kuti mari yedu yakaiswa muhomwe dzedu nani?
22我們手裡又另外帶來銀子,是買糧食用的。我們不知道頭一次誰把我們的銀子放在我們的布袋裡。”
23Iye akati, Farai henyu, musatya; Mwari wenyu, Mwari wababa venyu, akakupai fuma muhomwe dzenyu; mari yenyu yakasvika kwandiri. Akavabudi­sira Simioni.
23管家說:“你們可以放心,不要害怕,是你們的 神,你們父親的 神,把財寶賜給你們,放在你們的布袋裡。你們的銀子我早已收到了。”接著他把西緬帶出來交給他們。
24Murume uyo akaisa varume avo muimba yaJosefa, akavapa mvura, vaka­shambidza tsoka dzavo, akapawo mbo­ngoro dzavo zvokudya.
24管家把他們領到約瑟的家裡,給他們水洗腳,又給他們飼料餵驢。
25Vakagadzira chipo kusvikira kuuya kwaJosefa masi­kati, nekuti vakanga vanzwa kuti vacha­dya zvokudya ipapo.
25於是,他們預備好了禮物,等候約瑟中午到來,因為他們聽說他們要在那裡吃飯。
26Josefa akati asvika kumba, vakapinda mumba ne­chipo chakanga chiri mumaoko avo, vakakotamira pasi pamberi pake.
26約瑟回到家裡,他們就把手中的禮物帶進屋裡送給他,又俯伏在地向他下拜。
27Iye akavabvunza mufaro wavo, akati, Baba venyu vakafara here, uya mutana wamai­reva? Vachiri vapenyu here?
27約瑟先向他們問安,然後又問:“你們的父親,就是你們所說的那老人家平安嗎?他還在嗎?”
28Ivo vakati, Muranda wenyu, baba vedu, vakafara havo, vachiri vapenyu. Vakakotama, vakanamata.
28他們回答:“你僕人我們的父親平安,他還在。”於是他們低頭下拜。
29Iye akasimudza meso ake, akaona Bhenjamini, munin'ina wake, mwanako­mana wamai vake, akati, Ndiye here munin'ina wenyu muduku worugotwe, wamakandiudza? Akati, Mwari ngaave nenyasha newe, mwana wangu.
29約瑟舉目觀看,看見自己同母所生的弟弟便雅憫,就問:“這就是你們向我提過那最小的弟弟嗎?”又說:“我兒啊,願 神賜恩給你。”
30Zvino Josefa akakurumidza, nekuti moyo wake wakachema munin'ina wake, akatsvaka paangachema; akapinda muimba yake yomukati, akachemapo.
30約瑟愛弟弟之情激動起來,就急忙去找個可哭的地方。於是他進了自己的內室,在那裡哭了一陣。
31Akazoshambidza chiso chake, akabu­dazve, akazvidzora akati, Pakurai zvo­kudya.
31他洗了面,然後出來,抑制著自己的感情,吩咐人說:“開飯吧。”
32Vakamupakurira iye oga, naivo voga, navaEgipita havana kutende­rwa kudya navaHebheru, nekuti zvino­nyangadza kuna vaEgipita.
32他們就給約瑟單獨擺了一席,給那些人另外擺了一席,又給那些與約瑟一同吃飯的埃及人擺了一席,因為埃及人不能與希伯來人一同吃飯,這是埃及人所厭惡的。
33Vakagara pamberi pake, wedangwe paudangwe hwake, nomuduku kuna vose pauduku hwake; varume vakatarirana, vakashami­swa.
33約瑟使眾兄弟在他面前排列坐下,都是照著他們長幼的次序。眾兄弟就彼此對望,驚奇不已。
34Akavagovera zvokudya zvakanga zviri pamberi pake, asi mugove waBhe­njamini wakaenzana nowavashanu vavo. Vakamwa, vakafara naye.
34約瑟拿起自己面前的食物,分給他們,但是便雅憫分得的食物,比別人多五倍。他們就與約瑟一同喝酒宴樂。