Shona

聖經新譯本

Genesis

45

1Zvino Josefa haana kugona ku­zvidzora pamberi pavose vakanga vamire naye, akadana, achiti, Budisai vanhu vose vari pano neni. Zvino kwa­kanga kusina munhu akamira naye Josefa achizvizivisa kuvana vababa vake.
1約瑟向他的兄弟表明身分約瑟在所有侍立在他左右的人面前,不能自制,就喊叫說:“叫各人都離開我出去。”這樣,約瑟向他的兄弟們表白自己身分的時候,沒有別人在場。
2Aka­chema kwazvo, vaEgipita naveimba yaFa­rao vakazvinzwawo.
2於是他放聲大哭,埃及人聽到了;法老一家也聽聞這事。
3Ipapo Josefa akati kuvana vababa vake, Ndini Josefa! Baba vangu vachiri vapenyu Here? Vana va­baba vake vakasagona kumupindura, no­kuti vakanga vachitya pamberi pake.
3約瑟對他的兄弟們說:“我就是約瑟,我的父親還在嗎?”他的兄弟們不能回答他,因為他們在約瑟面前都非常驚惶。
4Josefa akati kuvana vababa vake, Do­swederai henyu kwandiri. Zvino vaka­swedera. lye akati, Ndini Josefa, mwana wababa venyu wamakatengesa ndikaiswa Egipita.
4約瑟對他的兄弟們說:“請你們上前來。”他們就上前去。他說:“我就是被你們賣到埃及的弟弟約瑟。
5Zvino musazvidya moyo, kana kuzvitsamwira, zvamakanditengesera kuno; nekuti Mwari akandituma pamberi penyu, kuti ndichengete upenyu.
5現在你們不要因為把我賣到這裡來,而自憂自責。這原是 神差派我在你們以先來這裡,為要保全性命。
6nekuti zvino ava makore maviri enzara panyika ino; mamwe makore mashanu achiko, avasingazorimi nokukohwa nawo.
6現在這地的饑荒已經有兩年了,還有五年不能耕種,也沒有收成。
7Mwari akandituma pamberi penyu kuti ndikuchengetei, muve navamwe vacha­sara panyika, ndikuraramisei kuti musu­nungurwe nokusunungurwa kukuru.
7 神差派我在你們以先來這裡,為要給你們在地上留下餘種,大大施行拯救,保全你們的性命。
8Zvino hamuzimi makandituma pano, asi Mwari; iye akandiita baba kuna Farao nashe weimba yake yose, nomubati we­nyika yose yeEgipita.
8這樣看來,差派我到這裡來的,不是你們,而是 神。他立我作法老之父,作他全家之主,又作全埃及地的首相。
9Kurumidzai, mu­kwire kuna baba vangu, mundoti kwavari, Zvanzi naJosefa, mwanakomana wenyu, Mwari akandiita ishe weEgipita rose; buru­kirai kwandiri musanonoka;
9你們要趕快上到我父親那裡去,對他說:‘你的兒子約瑟這樣說: 神立我作了全埃及的主;請你下到我這裡來,不要耽延。
10mugare panyika yeGosheni, mugova pedo neni, imwi, navanakomana venyu, navana vavana venyu, namakwai enyu, nemombe dze­nyu, nezvose zvamunazvo;
10你和你的眾兒孫、牛羊,以及你一切所有的,都可以住在歌珊地,與我相近。
11ndichaku­chengetaipo, nekuti mamwe makore ma­shanu enzara achiripo, kuti murege kuzova varombo, imwi, naveimba yenyu, nezvose zvamunazvo.
11我要在那裡供養你,因為還有五年的饑荒,免得你和你的家人,以及你一切所有的,都陷入窮困裡。’
12Tarirai meso enyu anoona, nameso omunin'ina wangu Bhenjamini kuti muromo wangu unotaura kwamuri.
12看哪,你們和我弟弟便雅憫都親眼看見,是我親口對你們說話。
13Mundoudza baba vangu ku­kudzwa kwangu kose paEgipita, nezvose zvamaona; mukurumidze kuburutsira baba vangu kuno.
13你們也要把我在埃及的一切尊榮,和你們所看見的一切,都告訴我的父親,又要趕快把我的父親接到這裡來。”
14Akawira pamutsipa waBhenja­mini, munin'ina wake, akachema, naiye Bhenjamini akachema pamutsipa wake.
14於是,約瑟伏在他弟弟便雅憫的頸項上,哭起來了;便雅憫也伏在約瑟的頸項上哭。
15Akatsvoda vakoma vake vose, aka­chema pamusoro pavo; shure kwaizvo­zvo vakoma vake vakataura naye.
15他又與眾兄弟親嘴,擁抱著他們哭。然後,他的兄弟們就跟他說話。
16Zvino mukurumbira wazvo waka­nzwika mumba maFarao, zvichinzi, Vana vababa vaJosefa vasvika! Farao navaranda vake vakafara naizvozvo.
16法老命約瑟迎接父親消息傳到法老的家裡,說:“約瑟的兄弟們來了。”法老和他的臣僕都很高興。
17Farao akati kuna Josefa, Iti kuvana vababa vako, Itai chinhu ichi: Takudzai zvipfuwo zvenyu, mufambe, muende ku­nyika yeKanani;
17法老對約瑟說:“你要對你的兄弟們說:‘你們要這樣作:使你們的牲口載滿貨物,起程到迦南地去,
18mundotora baba ve­nyu navedzimba dzenyu muuye kwa­ndiri; ndichakupai zvinhu zvakaisvonaka zvenyika yeEgipita, mudye zvakakora zve­nyika.
18把你們的父親和家人都接到我這裡來;我要把埃及地美好的產物賜給你們,你們也可以吃這地肥美的食物。’
19Zvino chiitai sezvamarairwa; torerai vana venyu vaduku navakadzi venyu ngoro panyika yeEgipita, mundotora baba venyu, muuye.
19現在我再吩咐你對他們說:‘你們要這樣作:從埃及地帶些車輛回去,用來接你們的孩子和妻子,並且把你們的父親接來。
20Musafunga nhu­mbi dzenyu, nekuti zvakaisvonaka zve­nyika yose yeEgipita ndezvenyu.
20不要顧惜你們的家具,因為埃及全地美好的產物都是你們的。’”
21Vanakomana vaIsiraeri vakaita saizvozvo. Josefa akavapa ngoro, sezvaa­karairwa naFarao, akavapa mbuva yoku­famba nayo.
21以色列的兒子們就照樣作了。約瑟照著法老所吩咐的,給了他們一些車輛和路上用的食物。
22Akapa vose, mumwe no­mumwe nguvo dzakanaka; asi Bhenjamini akamupa mashekeri ana mazana matatu esirivha nenguvo dzakanaka shanu.
22又給了他們各人一套新衣服,但是給便雅憫三千四百二十克銀子和五套衣服。
23Nababa vake akavatumira mbo­ngoro dzine gumi, dzakanga dzakatakura zvinhu zvakaisvonaka zveEgipita, namaka­dzi emadhongi gumi akanga akata­kura zviyo, nechingwa, nezvokudya zva­baba vake zvorwendo.
23約瑟送去給他父親的,有公驢十頭,載著埃及美好的產物,以及母驢十頭,載著五穀、餅和給他父親在路上用的食物。
24Zvino akatendera vana vababa vake kuenda, vakabva; akati kwavari, Chenjerai, mu­satukana munzira.
24於是,約瑟打發他的兄弟們回去,他們走的時候,約瑟對他們說:“你們在路上不要爭吵。”
25Ipapo vakabva Egipita, vakakwira, vakandosvika kunyika yeKanani kuna Jakove, baba vavo.
25兄弟回家迎接父親他們離開埃及,上到迦南地他們父親雅各那裡去,
26Vakavaudza, va­kati, Josefa achiri mupenyu; ndiye mu­bati wenyika yose yeEgipita. Ipapo moyo wavo wakati rukutu, nekuti ha­vana kutenda.
26告訴他,說:“約瑟還在,並且作了埃及全地的首相。”雅各的心冷淡麻木,因為他不相信他們。
27Vakavaudza mashoko ose aJosefa; zvino vakati vaona ngoro dzakanga dza­tumwa naJosefa kuzovatakura, mweya waJakove, baba vavo, ukavandudzwa;
27他們就把約瑟對他們所說的一切話,都告訴了他。他們的父親雅各看見了約瑟派來接他的車輛,心才甦醒過來。
28Isiraeri akati, Zvaringana! Josefa, mwanakomana wangu achiri mupenyu; ndichaenda ndimuone ndisati ndafa.
28以色列說:“夠了!約瑟我的兒子還在;在我還沒有死以前,我要去看看他。”