Shona

聖經新譯本

Genesis

47

1Zvino Josefa akaenda, akandoudza Farao, akati, Baba vangu navana vababa vangu vasvika, vachibva kunyika yeKanani, vane makwai avo, nemombe dzavo, nezvose zvavanazvo; zvino, tarirai vari munyika yeGosheni.
1約瑟的兄弟進見法老約瑟進去稟告法老,說:“我的父親和兄弟們,帶著他們的牛羊和他們所有的一切,都從迦南地來了,現在就在歌珊地。”
2Akatora varume vashanu kuvana vababa vake, akavaisa pamberi paFarao.
2約瑟從他所有的兄弟當中,挑選了五個人,把他們帶到法老面前。
3Farao akati kuvakoma vake, Basa renyu nde­reiko?
3法老問約瑟的兄弟們說:“你們是作甚麼的?”他們回答法老:“僕人們是牧羊人,我們和我們的祖先都是一樣。”
4Vakati kuna Farao, Tauya kuzogara tiri vatorwa munyika ino; nekuti hakuna mafuro amakwai avaranda venyu, nekuti kune nzara kunyika yeKanani; zvino tinokumbira kuti varanda venyu vagare munyika yeGosheni.
4他們又對法老說:“我們來是要在這地寄居,因為迦南地的饑荒嚴重,你僕人們的羊群沒有草吃,所以,現在求你容許你僕人住在歌珊地。”
5Ipapo Farao aka­taura naJosefa, akati, Baba vako navana vababa vako vauya kwauri;
5法老對約瑟說:“你的父親和兄弟們到你這裡來了;
6nyika yeIji­piti iri pamberi pako; baba vako navana vababa vako ngavagare panzvimbo ya­kaisvonaka panyika ino, ngavagare pa­nyika yeGosheni; kana uchiziva kuti pakati pavo pana varume vakangwara, uvaite vatariri vemombe dzangu.
6埃及地都在你面前,你只管叫你的父親和兄弟們住在這地最好的地方,他們可以住在歌珊地。你如果知道他們中間有能幹的人,可以派他們看管我的牲畜。”
7Josefa akapinda naJakove, baba vake, akavaisa pamberi paFarao; Jakove akaropafadza Farao.
7雅各進見法老約瑟把他父親雅各帶到法老面前,雅各就給法老祝福。
8Farao akati kuna Jakove, Manganiko mazuva amakore oupenyu hwenyu?
8法老問雅各:“你有多大年紀了?”
9Jakove akati kuna Farao, Mazuva amakore outorwa hwangu makore ane zana namakumi matatu; mazuva amakore oupenyu hwangu aiva mashoma hawo, akaipa, haana kusvikira pamazuva amakore oupenyu hwamadzibaba angu pamazuva outorwa hwavo.
9雅各回答法老:“我寄居在世的年日是一百三十歲。我一生的年日又少又苦,不及我祖先寄居在世的年日。”
10Jakove akaropafadza Farao, akabuda pamberi paFarao.
10雅各又給法老祝福,然後離開法老出去了。
11Zvino Josefa akapa baba vake navana vababa vake pokugara, akavapa nzvimbo panyika yeEgipita, kuti ive yavo, pakaisvonaka panyika iyo, panyika yeRa­mesesi, sezvaakarairwa naFarao.
11約瑟照著法老的吩咐安置他的父親和兄弟們,把蘭塞地,就是埃及地最好的地方,給他們作產業。
12Josefa akachengeta baba vake, navana vababa vake, navose veimba yababa vake, aka­vapa zvokudya achiverenga navana va­vowo.
12約瑟照著孩子的數目,用糧食供養他的父親、兄弟們,以及父親的家人。
13Zvino pakanga pasina zvokudya panyika yose, nekuti nzara yakanga iri huru, nyika yeEgipita nenyika yeKanani dzikaziya nenzara.
13饑荒那時,遍地都沒有糧食,因為饑荒非常嚴重。埃及地和迦南地的人,因為饑荒的緣故都餓昏了。
14Josefa akaunganidza mari yose yakanga iri panyika yeEgipita, napanyika yeKanani, yavakatenga zviyo nayo, Josefa akaisa mari iyo mumba maFarao.
14約瑟收集了埃及地和迦南地所有的銀子,就是眾人買糧的銀子;約瑟就把那些銀子交到法老的王宮去。
15Mari yose yakati yapera mu­nyika yeEgipita, napanyika yeKanani, vaEgipita vose vakauya kuna Josefa, vakati, Tipei zvokudya, nekuti tingafa seiko pamberi penyu? nekuti mari yapera.
15埃及地和迦南地的銀子都用盡了,埃及眾人就來到約瑟那裡,說:“銀子已用完了。求你給我們糧食吧,我們為甚麼要餓死在你面前呢?”
16Josefa akati, Uyai nemombe dze­nyu, ndikupei zvokudya pamusoro pezvi­pfuwo zvenyu, kana mari yapera.
16約瑟回答:“如果銀子用完了,可以把你們的牲畜給我,我就把糧食給你們,交換你們的牲畜。”
17Zvino vakauya kuna Josefa nezvipfuwo zvavo; Josefa akavapa zvokudya, vachi­tsinhanha namabhiza, namakwai, nemo­mbe, nemadhongi; akavararamisa nezvo­kudya, vachitsinhanha nezvipfuwo zvavo zvose gore iroro.
17於是,他們把牲畜帶到約瑟那裡,約瑟就把糧食給他們,交換他們的馬匹、羊群、牛群和驢。那一年,約瑟就用糧食交換他們所有的牲畜,來養活他們。
18Gore iroro rakati rapera, vakauya kwaari negore rechipiri, vakati kwaari, Hatingavanziri ishe wedu kuti mari yedu yose yapera, mapoka ezvipfuwo ava ashe wedu; hakuchina chakasara pamberi pashe wedu, asi miviri yedu neminda yedu;
18那一年過後,第二年他們又來到約瑟那裡,對他說:“我們不向我主隱瞞,我們的銀子都用盡了,牲畜也歸了我主;在我主面前,除了我們的身體和田地以外,甚麼也沒有剩下了。
19zvino tingafa seiko pamberi pe­nyu, isu nenyika yedu? Titengei henyu, isu nenyika yedu, tive varanda vaFarao; tipeiwo mbeu tirarame tirege kufa, nenyika irege kushanduka iite sango.
19為甚麼我們和我們的田地要在你面前消滅呢?求你用糧食買我們和我們的田地,我們和田地就必為法老效勞了。又求你給我們穀種,使我們可以活著,不至死亡,田地也不至荒蕪。”
20Zvino Josefa akatengera Farao nyika yose yeEgipita, nekuti vaEgipita vaka­tengesa mumwe nomumwe munda wake, nekuti nzara yakanga iri huru pamusoro pavo, nyika ikava yaFarao.
20於是,約瑟為法老買了埃及所有的田地,因為埃及人遭遇了嚴重的饑荒,各人都賣了自己的田地。這樣,那地就都歸法老所有。
21Kana vari vanhu akavatamisa kumaguta, kubva ku­muganhu mumwe weEgipita kusvikira kuno mumwe muganhu wayo.
21至於人民,約瑟把他們遷到城市裡去(“約瑟把他們遷到城市裡去”有古卷及古譯本作“使他們成了奴僕”),從埃及境內的一端,直到另一端。
22Asi nyika yavapristi yoga haana kuitenga, nekuti vapristi vakanga vaganhurirwa mugove wavo naFarao; vaidya mugove wavo wavaipiwa naFarao. Naizvozvo havana kutengesa nyika yavo:
22只有祭司的田地,約瑟沒有買,因為祭司有從法老所得的糧餉;他們可以吃法老所給的糧餉,所以沒有賣自己的田地。
23Zvino Josefa akati kuvanhu, Tarirai, ndakate­ngera Farao imwi nenyika yenyu nhasi, hedzi mbeu, mudzvare panyika.
23約瑟對人民說:“看哪,我今日為法老買了你們和你們的田地。這裡有穀種給你們,你們可以種地。
24Ne­nguva yokukohwa munofanira kupa Fa­rao cheshanu, zvina zvichava zvenyu, zvive mbeu dzeminda, nezvokudya zve­nyu, nezvavari mudzimba dzenyu, nezvo­kudya zvepwere dzenyu.
24到了收割的時候,你們要把五分之一給法老,其餘四分可以歸你們自己,作田裡的種子,又作你們以及你們家人和孩子的食物。”
25Ivo vakati, Ndimwi makatiche­ngeta; ngatiwane hedu nyasha panashe wedu, tive varanda vaFarao.
25他們說:“你救了我們;願我們在我主面前得蒙喜悅,我們就作法老的奴僕。”
26Josefa akatema mutemo panyika yeEgipita, uripo nanhasi, kuti Farao apiwe cheshanu; asi nyika yavapristi yoga haina kuva yaFa­rao.
26於是,約瑟為埃及的田地立了一個法例,直到今日還有效,就是五分之一歸給法老;只有祭司的田地不歸給法老。
27Zvino vaIsiraeri vakagara panyika yeEgipita, panyika yeGosheni, vakazviwa­nira fuma imomo, vakabereka vana, vakawanda kwazvo.
27雅各向約瑟最後的要求以色列人住在埃及國的歌珊地,他們在那裡置業繁殖,人數非常眾多。
28Jakove akagara panyika yeEgipita makore ane gumi namanomwe; naizvo­zvo mazuva aJakove makore oupenyu hwake, aiva makore ane zana namakumi mana namanomwe.
28雅各在埃及地住了十七年;他一生的壽數是一百四十七歲。
29Zvino nguva yokufa kwaIsiraeri yakanga ya­swedera, iye akadana mwanakomana wake Josefa, akati kwaari, Kana nda­wana nyasha kwauri, chiisa hako ruoko rwako pasi pechidya changu, undiitire tsitsi nechokwadi; rega hako kundiviga paEgipita;
29以色列的死期快到了,就把他兒子約瑟叫了來,對他說:“如果我在你面前蒙你喜悅,請你把手放在我的大腿底下起誓,要以慈愛和誠實對待我,不要把我埋葬在埃及。
30asi kana ndavata namadzibaba angu, undibvise paEgipita, unondiviga mu­guva ravo. Iye akati, Ndichaita sezvamataura.
30我與我的祖先同睡的時候,你要把我從埃及帶出去,埋葬在他們的墓地裡。”約瑟說:“我必照著你的話去作。”
31Vakati, Ndipikire; iye akavapi­kira. Ipapo Isiraeri akakotamira pamu­soro wouvato hwake.
31雅各說:“你要向我起誓。”約瑟就向他起了誓,於是以色列靠著床頭(“靠著床頭”有古譯本作“倚著杖頭”﹝參來11:21﹞)敬拜 神。