Shona

聖經新譯本

Hosea

10

1VaIsiraeri muzambiringa unotanda zvakanaka, unobereka zvibereko zvawo; zvibereko zvavo zvakati zvichiwanda, vakawanzawo maaritari avo; nyika yavo yakati ichifara, ivo vakazviitirawo shongwe dzakanaka.
1斥責以色列拜偶像以色列最茂盛的葡萄樹,自己能結果子。他的果子越多,他就越增添祭壇;他的土地越肥美,他就使柱像越美麗。
2Mwoyo yavo inonyengera, zvino vachapiwa mhaka; acharova maaritari avo, achaparadza shongwe dzavo.
2他們心懷詭詐,現在要承擔這罪的懲罰。耶和華必拆毀他們的祭壇,毀壞他們的柱像。
3Zvirokwazvo, zvino vachati, Hatina mambo, nekuti hatityi Jehovha; kana ari mambo angatiitireiko?
3那時他們必說:“我們沒有君王,因為我們不敬畏耶和華。至於君王,他能為我們作甚麼呢?”
4Vanotaura mashoko asina maturo, vanopika nhema pakuita kwavo sungano; naizvozvo kutongwa kwavo kunomera somuti unouraya mumihoronga yomunda.
4他們說很多話,起假誓,又立盟約;所以審判像毒草一般在田間的犁溝中生長起來。
5Vagere Samaria vachatya mhuru dzeBhetiavheni; nekuti vanhu varo vachaichema, navapristi varo vaiifarira, nokuda kokukudzwa kwayo, nekuti kwabva kwairi.
5撒瑪利亞的居民必因伯.亞文的牛犢而懼怕;拜牛犢的人民必為它哀慟。拜牛犢的祭司必為它哀號,都因它的榮耀離開它而被擄去了。
6Ichaiswawo Asiria, chive chipo chamambo Jarebhi; Efuremu vachanyadziswa, Isiraeri vachanyadziswa namano avo.
6人要把它帶到亞述去,作貢物獻給那裡的大王。以法蓮必受羞辱,以色列必因自己的計謀蒙羞。
7Kana riri Samaria, mambo waro waparadzwa sechipande pamusoro pemvura.
7至於撒瑪利亞,她與她的君王必被剪除;好像浮在水面的枯枝一般。
8Nzvimbo dzakakwirira dzeAvheniwo, izvo zvivi zvaIsiraeri, dzichaparadzwa; munzwa norukato zvichamera pamaaritari avo; zvino vachati kumakomo, Tifukidzei, nokuzvikomo, Wirai pamusoro pedu.
8伯.亞文的邱壇,就是以色列的罪惡,都要被拆毀;荊棘和蒺藜必在他們的祭壇上面長起來。那時人要對大山說:“遮蓋我們!”對小山說:“倒在我們身上!”
9Aiwa, Isiraeri, makatadza kubva pamazuva eGibhiya; ndipo pavakamira; ko vachakundwa nehondo inorwa navana vezvakaipa paGibhiya here?
9耶和華的審判以色列啊!從基比亞的日子以來,你就犯罪,他們仍然留在那裡,難道攻擊惡人的戰禍不能在基比亞趕上他們嗎?
10Nguva yandinoda ndichavaranga; marudzi avanhu achavaunganira kana vakasungirwa pazvisakarurama zvavo zviviri.
10我必來懲罰他們;他們被自己那雙重的罪孽捆綁的時候,列國就集結起來攻擊他們。
11Efuremu itsiru rakapingudzwa, rinofarira kupura zviyo; asi ini ndimene ndasvika pamutsipa waro wakanaka, ndaisa mutasvi pamusoro paEfuremu; Judha vacharima, Jakove achaputsa mavhinga ake.
11以法蓮是一頭馴服的母牛,喜愛踹穀;我卻要把軛扣在牠肥美的頸項上,我要使以法蓮拖犁;猶大要耕田,雅各必耙地。
12Zvidzvarirei mukururama, mugocheka zvorudo; undai makombo enyu, nekuti inguva yokutsvaka Jehovha, kusvikira achiuya achikunisirai zvakarurama.
12你們要為自己撒種公義,就能收割慈愛的果子,你們要翻鬆荒地。現在是尋求耶和華的時候,直等到他來,降下公義的雨在你們身上。
13Makarima zvakashata, makacheka zvakaipa, makadya zvibereko zvenhema, nekuti makanga muchivimba nenzira yenyu, uye nokuwanda kwemhare dzenyu.
13你們耕種奸惡,收割不義,自吃謊言的果子;因為你倚靠自己的戰車和眾多的勇士。
14Naizvozvo bope richamuka pakati pavanhu venyu, nhare dzenyu dzose dzichaparadzwa, Sharimani sezvaakaparadza Bhetiaribheri nezuva rokurwa, mai vakaputsanyiwa pamwechete navana vavo.
14所以必有鬨嚷之聲攻擊你的眾民,你的一切城堡都必被毀壞,正如沙勒幔在爭戰的日子毀壞伯.亞比勒一般,有母親與兒女一同在那裡被摔死。
15Ndizvo zvamuchaitirwa neBhetieri nemhaka yokushata kwenyu kukuru; mambo waIsiraeri achaparadzwa chose mambakwedza.
15以色列家啊,因你們的罪大惡極,我必這樣待你們。在風暴中,以色列的王必全然被除滅。