1Efuremu vakati vachitaura, kudedera kukavapo; vakazvikudza pakati paIsiraeri; asi akati apara mhaka naBhaari, akafa.
1因拜偶像而榮華盡失從前以法蓮一說話,人都戰兢。他原在以色列中居高位,但後來因事奉巴力犯了罪,就死了。
2Asi zvino vanongoramba vachiwedzera zvivi zvavo, vakazviitira zvifananidzo zvakaumbwa nesirivha yavo, zviri zvifananidzo zvenjere dzavo, zvose zviri basa remhizha; zvino vanoti pamusoro pazvo, Vanobayira mhuru ngavadzisvete.
2現在他們犯罪越來越多,為自己做鑄像,按著自己的技巧,用自己的銀子做偶像;這些都是匠人的手工。他們論到這些說:“向偶像獻祭的人,可以與牛犢親嘴。”
3Saka vachaita semhute yamangwanani, sedova rinokurumidza kunyangarika, sehundi inopepereswa nechamupupuri paburiro, soutsi bwechoto hunobuda napaburi.
3因此,他們必像早晨的雲霧,又如易逝的朝露,又像打穀場上的糠秕被旋風吹去,又像煙氣從煙窗上騰。
4Kunyange zvakadaro ndini Jehovha Mwari wako kubva panyika hamuzivi mumwe mwari asi ini, hakuna mumwe muponesi kunze kwangu.
4因驕傲而忘記主“自從你出埃及地以來,我就是耶和華你的 神。除我以外,你不可有別的神;除我以外,再沒有拯救者。
5Ndakakuzivai murenje, munyika yakaoma kwazvo.
5我曾在曠野,在乾旱之地,認識你。
6Zvavakapiwa mafuro akanaka, vakaguta; vakaguta, mwoyo yavo ikazvikudza, naizvozvo vakandikangamwa.
6但他們得了餵養,飽足以後,就心高氣傲,因此忘記了我。
7Saka ndava kwavari seshumba, ndichavagarira panzira sengwe;
7所以我要像獅子臨到他們,像豹子埋伏在路旁。
8ndicharwa navo sebere rakatorerwa vana varo, ndichatsemura chifukidziro chomwoyo wavo; ndichavadyirapo seshumbakadzi; zvikara zvichavabvamburanya.
8我要襲擊他們,像一隻失掉幼熊的母熊,撕裂他們的胸膛;在那裡我必像一隻母獅吞吃他們;野獸必撕裂他們。
9Ndizvo zvichakuparadzai, imwi Isiraeri, zvamunorwa neni, ini mubatsiri wenyu.
9必受極重的刑罰“以色列啊,我要毀滅你,誰能幫助你呢?
10Ko zvino mambo wenyu aripi, akuponesei mumaguta enyu ose? Ko vatongi venyu varipi, vamaiti, Tipei mambo namachinda?
10現在你的王在哪裡?讓他拯救你吧!你所有的領袖在哪裡?讓他們治理你吧!因為論到他們你曾請求:‘把王和領袖賜給我。’
11Ndakakupai mambo pakutsamwa kwangu, ndikamubvisazve nehasha dzangu.
11我在忿怒中把王賜給你,又在烈怒中把他廢去。
12Zvakaipa zvaEfuremu zvakasungwa pamwechete, zvivi zvake zvakachengetwa.
12以法蓮的罪孽是封著的,他的罪惡貯藏起來。
13Kurwadziwa komukadzi anosurumuka kuchasvika kwaari; iye mwanakomana asine njere; nekuti kana nguva ichisvika, haaswederi pakuzvarwa.
13生產的疼痛要臨到他身上,他卻是沒有智慧的人,因為產期到了,他還遲延不破胎而出。
14Ndichavadzikunura pasimba reSheori, ndichavadzikunura parufu. Aiwa, rufu, hosha dzako dziripiko? Aiwa, Sheori, kuparadza kwako kuripi? Kuzvidemba hakungaonekwi nameso angu.
14我要救贖他們脫離陰間的權勢嗎?救贖他們脫離死亡嗎?死亡啊,你的災害在哪裡?陰間啊,你的毀滅在哪裡?憐憫必從我眼前隱藏起來。
15Kunyange akabereka zvibereko pakati pehama dzake, mhepo yokumabvazuva ichasvika, iri mhepo yaJehovha inobva kurenje; chitubu chake chichapwa, tsime rake richaoma, iye uchapamba fuma yenhumbi dzose dzinodikamwa.
15他雖然在蘆葦中長得茂盛,但東風必要來到,耶和華的風要從曠野上來,他的水泉就乾涸,他的泉源就枯竭。他所貯藏的一切珍貴器皿,都被掠奪去了。
16Samaria richava nemhosva yaro, nekuti vakamukira Mwari wavo; vachaparadzwa nomunondo, vacheche vavo vachaputsanyiwa, vakadzi vavo vane mimba vachatumburwa.
16撒瑪利亞必承擔自己罪的刑罰,因為他背叛了他的 神。他們必倒在刀下。他們的嬰孩被摔死,他們的孕婦必被剖開肚腹。”(本節在《馬索拉抄本》為14:1)