1Zvino pahunde yaJese pachabuda bukira, davi, rinobuda pamidzi yake, richabereka zvibereko.
1彌賽亞及他的國度從耶西的樹幹必生出一根嫩芽,從他的根而出的枝條必結果子。
2Mweya waJehovha uchagara pamusoro pake, mweya wenjere nowokungwara, mweya wamano nesimba, mweya wokuziva nokutya Jehovha.
2耶和華的靈必停留在他身上,就是智慧的靈和聰明的靈,謀略的靈和能力的靈,知識的靈和敬畏耶和華的靈。
3Hwema hwake hwuchava pakutya Jehovha; haangatongi nokungoona nameso chete, kana kupa mhosva nokungonzwa nenzeve dzake chete;
3他必以敬畏耶和華為樂。他不憑眼睛所見的施行審判,也不憑耳朵所聽的斷定是非;
4asi achatongera varombo nokururama, achatambira vanyoro venyika mhaka dzavo zvakarurama; acharova nyika neshamhu yomuromo wake, achavauraya vakaipa nomweya wemiromo yake.
4卻要以公義審判貧窮人,以正直判斷地上的困苦人;以口中的杖擊打世界,以嘴裡的氣殺死惡人。
5Kururama richava bhanhire rechiuno chake, kutendeka richava bhanhire rezvidzva zvake.
5公義必作他腰間的帶子,信實必作他脅下的帶子。
6Bere richagara negwayana, ingwe ichavata pasi nembudzana, nemhuru nomwana weshumba nechipfuwo chakakora pamwechete; uye mwana muduku achadzitungamirira.
6豺狼必與綿羊羔同住,豹子要與山羊羔同臥,牛犢、幼獅和肥畜必同群;小孩子要牽引牠們。
7Mhou nebere zvichafura; vana vadzo vachavata pamwechete; shumba ichadya uswa senzombe.
7牛必與母熊一同吃食,牛犢必與小熊一起躺臥;獅子就像牛一般吃草。
8Mwana anomwa, achatamba pamwena wenyoka, uye mwana akarumurwa achapinza ruoko rwake mubako remvumbi.
8吃奶的嬰兒必在虺蛇的洞口玩耍,斷奶的孩子必放他的手在毒蛇的穴上。
9Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nekuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.
9在我整個聖山上面,這一切都不行傷害或毀滅之事;因為認識耶和華的知識要充滿大地,好像海水覆蓋海洋一般。
10Nezuva iro mudzi waJese, iwo umirepo somureza wavanhu, uchatsvakwa namarudzi avanhu; nzvimbo yake yokuzorora ichava nembiri.
10預言被擄的人回歸到那日,耶西的根必豎立起來,作萬族的旗幟;列國的人必尋求他,他安息之所必大有榮耀。
11Zvino nezuva iro Ishe achatambanudzazve ruoko rwake kechipiri kuti adzikunure vakasara vavanhu vake, ivo vanenge vasara, vari paAsiria,
11到那日,主必再用自己的手,贖回他子民中的餘民,就是從亞述、埃及、巴忒羅、古實、以攔、示拿和哈馬,以及眾海島所剩下的。
12Achasimudzira marudzi mureza, nokuunganidza vadzingwa vaIsiraeri, nokuunganidza VaJudha vakaparadzirwa kumativi mana enyika.
12他必向列國豎起旗幟,召聚以色列被擄去的人,又從地的四方聚集分散了的猶大人。
13Ipapo godo ravaEfuremu richapera, navanomanikidza vaJudha vachaparadzwa; vaEfuremu havangagodori vaJudha, navaJudha havangamanikidzi vaEfuremu.
13以法蓮的嫉妒必消除,那敵視猶大的必被剪除;以法蓮必不再嫉妒猶大,猶大也必不再敵視以法蓮。
14Asi vachabhururukira pamusoro pamafudzi avaFirisitia kumavirazuva, vachapambara pamwechete vana vamabvazuva; vachatambanudzira maoko avo kuvaEdhomu navaMoabhi, navana vaAmoni vachavateerera.
14他們要向西飛,撲在非利士人的山麓上,一起擄掠東方人;他們必把手伸到以東和摩押之上,亞捫人必順服他們。
15Jehovha achaparadza chose muromo wegungwa reEgipita, achasimudzira ruoko rwake pamusoro poRwizi nemhepo yake inopisa, ndokururova ruite hova nomwe, ayambuse vanhu vakafuka shangu.
15耶和華必使埃及的海灣乾涸;他要用熱風在大河之上揮手,他要擊打它,使它分成七道支流,使人走過去也不會把鞋弄濕。
16Vanhu vake vakasara, vakasara Asiria, vachava nenzira huru; sezvazvakaitirwa Isiraeri nezuva ravakabuda munyika yeEgipita.
16為著 神的餘民,就是那些在亞述剩下歸回的,必有一條大路給他們歸回,正如以色列人從埃及地上來的日子一樣。