1,Chirevo chaMwari pamusoro peBhabhironi, chakaonekwa naIsaya, mwanakomana waAmozi.
1預言巴比倫傾覆亞摩斯的兒子以賽亞得到關於巴比倫的默示:
2Simudzai mureza pagomo risina miti; danidzirai kwavari, ninirai noruoko, kuti vapinde pamasuwo avakuru.
2你要在光禿的山上豎起旗幟,向眾人揚聲揮手,叫他們進入權貴的門。
3Ndakaraira vatsvene vangu, ndakadana mhare dzangu nokuda kokutsamwa kwangu, ivo varume vangu vanofara vachizvikudza.
3我向我特選的軍兵下了命令;我也呼召了我的勇士,就是那些驕傲自誇的人,去執行我在怒氣中所要作的。
4Inzwai kutinhira pamakomo, kwakaita sokwavanhu vazhinji Kutinhira kweungano dzoushe kwamarudzi akaungana pamwechete! Jehovha wehondo wogadzira hondo kundorwa.
4聽啊!山上有喧嘩的聲音,好像是眾多的人民;聽啊!有多國的人的嘈雜聲,好像是列國聚集在一起。萬軍之耶和華正在數點軍兵,預備打仗。
5Vanobva kunyika iri kure, kumugumo wedenga, iye Jehovha nenhumbi dzake dzokurwa dzeshungu dzake, kuti aparadze nyika yose.
5他們從遠地而來,從天邊而來。就是耶和華和他惱怒的工具,要毀滅這全地。
6Chemai, nekuti zuva raJehovha riri pedo; rinosvika sokuparadza kunobva kuna waMasimbaose.
6哀號吧!因為耶和華的日子近了,這日子來到,好像毀滅從全能者那裡來到一樣。
7Saka maoko ose achashayiwa simba, nomoyo mumwe nomumwe wavanhu uchanyauka;
7因此,各人的手都必發軟,各人也必心驚膽戰。
8vachavhunduka; vachabatwa nokurwadziwa namatambudziko; vacharwadziwa somukadzi anosununguka; vachatarisana vachashamiswa; zviso zvavo zvichafanana nezviso zvomoto.
8他們都要驚惶失措,疼痛與痛苦必抓住他們;他們必絞痛,像生產中的婦人一樣。他們在驚愕中彼此對望,面色像火燄一般。
9Tarirai, zuva raJehovha rinouya, rinotyisa, rine hasha nokutsamwa kukuru, kuti ashandure nyika iite dongo, nokuparadza vatadzi vayo vabvemo.
9看哪!耶和華的日子快來到,必有殘忍、憤恨與烈怒,使這地荒涼,使其中的罪人滅絕。
10nekuti nyeredzi dzokudenga, namapoka adzo, hadzingaratidzi chiedza chadzo; zuva richasvibiswa pakubuda kwaro, uye mwedzi haungavhenekeri nechiedza chawo.
10天上的星星和眾星座不再發光;太陽剛出來就變為黑暗,月亮也不再發光。
11Ndicharova nyika nokuda kokushata kwayo, navakaipa nokuda kwezvakaipa zvavo; ndichagumisa manyawi avanozvikudza, nokuwisira pasi kudada kwavanotyisa.
11我必因世界的邪惡施行刑罰,也必因惡人的罪孽懲罰他們;我要使狂妄人的驕傲止息,使強暴人的狂傲降卑。
12Vanhu ndichavaita vashoma kupfuura ndarama yakaisvonaka, iye munhu kupfuura ndarama tsvene yeOfiri.
12我必使人比精金還少,使人比俄斐的金更稀罕。
13Saka ndichadederesa denga, nyika ichazununguswa ibve panzvimbo yayo, nehasha dzaJehovha wehondo, napazuva rokutsamwa kwake kukuru.
13在萬軍之耶和華發怒的時候,就是我大發烈怒的日子,我要使天震動,大地必搖撼,離開本位。
14Zvino semhara inovhimwa, uye sezvipfuwo zvisina unozviunganidza, saizvozvo munhu mumwe nomumwe achadzokera kurudzi rwake, mumwe nomumwe achatizira kunyika yake.
14人必像被追獵的羚羊,又像無人招聚的羊群,各自歸向本族,各自逃回本地。
15Mumwe nomumwe anowanikwa, achabayiwa; mumwe nomumwe anobatwa, achaurawa nomunondo.
15凡被追上的,必被刺死;凡被捉住的,必倒在刀下。
16Vacheche vavo vacharoverwa pasi pamberi pavo, dzimba dzavo dzichapambwa, vakadzi vavo vachachinyiwa. ,
16他們的嬰孩必在他們眼前被摔死;他們的房屋必被搶掠,他們的妻子必被污辱。
17Tarirai, ndichavamutsira vaMedhia, vasingarangariri sirivha, kunyange ndarama havaifariri.
17看哪!我要激動瑪代人來攻擊他們。瑪代人不重視銀子,也不喜愛金子。
18Uta hwavo huchawisira pasi majaya avo, havangavi netsitsi nezvibereko zvechizvaro; ziso ravo haringadariki vana.
18他們的弓箭必射倒年輕人,他們不憐憫婦人腹中的嬰兒;他們的眼也不顧惜小孩。
19Zvino Bhabhironi, rine mbiri paushe hwose, raizvikudza vaKaradhea pamusoro pokunaka kwaro, richaita sapanguva yakaparadza Mwari Sodhoma neGomora.
19巴比倫本是列國中的華美,是迦勒底人引以為傲的榮耀,必像 神傾覆的所多瑪、蛾摩拉一樣。
20Haringatongogarwi navanhu, hakuna vangatongogaramo kusvikira kumarudzi namarudzi; kunyange nomuArabhia haangadziki tende rakemo, navafudzi havangavatisi mapoka avopo.
20那地必永遠沒有居民,世世代代無人居住;阿拉伯人不在那裡搭帳幕;牧羊人也不領羊群躺臥在那裡。
21Asi zvikara zvomusango zvichavatamo; dzimba dzavo dzichazara nezvinorira; mhou dzichagaramo, nemweya yakaipa ichatambapo.
21躺臥在那裡的,只有曠野的走獸;充滿著他們房屋的,只有吼叫著的野獸;鴕鳥住在那裡,野山羊在那裡跳躍。
22Mapere acharira munhare dzavo, namakava mudzimba dzamadzimambo dzaifadza; nguva yaro yaswedera pedo, mazuva aro haangawedzerwi.
22豺狼必在巴比倫的宮中呼號,野狗必在他們華美的殿裡吠叫。巴比倫受罰的時候臨近了,它的日子必不長久。