1Tarirai, Jehovha anobvisa zvose panyika nokuiparadza, nokuitsindikira, nokuparadzira vagere mairi.
1背約帶來懲罰看哪!耶和華使大地空虛,變為荒涼;他必翻轉地面,使地上的居民四散。
2Vanhu vachaitirwa zvinoitirwa mupristi, muranda zvinoitirwa tenzi wake, mushandiri zvinoitirwa vahosi vake, mutengi zvinoitirwa mutengesi, anopa chikwereti zvinoitirwa anokwereta, anoripa mhindu zvinoitirwa anoreva mhindu.
2人民和祭司,僕人和主人,婢女和主母,購買的和販賣的,借給人和向人借的,放債的和借債的,全都一樣被分散。
3Nyika ichabvisirwa zvose zvayo, ichaparadzwa chose; nekuti Jehovha akataura shoko iro.
3大地必完全倒空,被劫掠淨盡,這話是耶和華說的。
4Nyika inochema nokuoma, pasi pose panopera simba nokuoma, vanhu vakakudzwa venyika vanopera simba.
4大地悲哀衰殘,世界零落衰殘,地上居高位的人也衰敗了。
5Nyika yakasvibiswawo navagere mairi; nekuti vakadarika mirayiro, vakakanganisa mitemo, nokuputsa sungano isingaperi.
5大地被其上的居民玷污,因為他們犯了律法,違了律例,背了永遠的約。
6Saka kutuka kwaMwari kwapedza nyika, navageremo vava nemhosva; saka vagere munyika vapiswa, vangosara vanhu vashoma.
6因此,大地被咒詛吞滅,地上的居民要承擔懲罰。因此,地上的居民被焚燒,剩下的人很少。
7Waini itsva inochema, muzambiringa wapera simba, vose vanomoyo unofara vanogomera.
7新酒悲哀,葡萄樹衰殘,心中歡樂的,變為歎息。
8Kufara kwengoma konyarara, inzwi ravanofara ropera, mufaro wembira wopera.
8擊鼓的喜樂止息,宴樂者的喧嘩停止,彈琴的喜樂也止息了。
9Havangamwi waini vachiimba; zvinobata zvichavava kuna vanozvimwa.
9他們不得再飲酒唱歌;喝濃酒的,必覺苦味。
10Guta, rava dongo, rakoromorwa; dzimba dzose dzakapfigwa, kuti kurege kuva nomunhu angapindamo.
10荒涼混亂的城破毀了,各家關門閉戶,使人不得進入。
11Kuchema kunonzwikwa panzira dzomumisha nokuda kwewaini; mufaro wose wasviba, kufara kwenyika kwaenda.
11有人在街上因無酒呼喊;一切喜樂都已過去,地上的喜樂都消逝了。
12Muguta masara mangova dongo, suwo raputswa nokuparadzwa.
12城門所剩下的只有荒涼,城門被撞得粉碎。
13nekuti ndizvo zvazvichaita panyika pakati pamarudzi avanhu, zvichafanana nokuzuzwa komuorivhi, nezvakasara kana mazambiringa akohwiwa.
13在地上的萬民,都像搖過的橄欖樹,又像被摘取完了的葡萄樹,剩下無幾。
14Ivo vachadanidzira, vachapururudza; nokuda koumambo hwaJehovha vanodanidzira vari pagungwa.
14餘民頌主威榮剩餘的人必高聲歡呼,在西邊的,要宣揚耶和華的威嚴。
15Saka rumbidzai Jehovha kumabvazuva, iro zita raJehovha, Mwari waIsiraeri, pazvitsuwa zvegungwa.
15在東方那邊的,要榮耀耶和華,要在沿海的眾島上,榮耀耶和華以色列 神的名。
16Takanzwa nziyo dzichiimbwa kumigumo yenyika, dzichiti, Vakarurama ngavakudzwe! Asi ini ndakati, Ndinoonda, ndinoonda, ndine nhamo! vanyepedzeri vakaita nokunyengera; zvirokwazvo, vanyepedzeri vakaita nokunyengera kukuru.
16我們聽見從地極有歌聲唱著:“榮耀歸於義人。”我卻說:“我消瘦了,我消瘦了!我有禍了!詭詐的仍在行詭詐,詭詐的仍在大行詭詐。”
17Kutya, negomba, nomusungo zvichakuwira, iwe ugere panyika.
17地上的居民哪!恐懼、陷坑和網羅,都臨近你們!
18Zvino, anotiza bope rokutyisa, achawira mugomba; anokwira achibva mukati megomba, achabatwa nomusungo; nekuti mahwindo okumusoro azaruka, nenheyo dzenyika dzinodedera.
18那逃避恐懼聲音的,必墮入陷坑;那從陷坑裡上來的,必被網羅纏住;因為天上的窗都開了,地的根基也震動了。
19Nyika yaputswa-putswa chose, nyika yodedera chose, nyika yozununguswa chose.
19大地全然破壞,盡都崩裂,大大震動。
20Nyika ichadzedzereka somunhu akabatwa, ichadengenyeka sedumba; kudarika kwayo kuchairemedza kwazvo, ichawa, ikasasimukazve.
20大地東歪西倒,像個醉酒的人,又搖來搖去,像座草棚;大地被其上的罪孽重重壓著,以致塌陷,不能再起來。
21Zvino nezuva iro Jehovha acharova hondo yavakakudzwa vari kumusoro, namadzimambo enyika panyika.
21到那日,耶和華必在高天之上懲罰天上的眾軍,又在地上懲罰地上的列王。
22Vachaunganidzwa pamwechete, sezvinounganidzwa vasungwa mugomba, vachapfigirwa mutirongo; zvino kana mazuva mazhinji apfuura vachashanyirwa.
22他們必被聚集,像囚犯被聚集在牢獄裡一般;他們要被關在監牢中,多日以後,他們要被懲罰。
23Ipapo mwedzi uchanyadziswa, nezuva richanyara; nekuti Jehovha wehondo achabata ushe pagomo reZiyoni, napaJerusaremu, pamberi pavakuru vake pachava nokukudzwa.
23那時,月亮必蒙羞,日頭要慚愧,因為萬軍之耶和華必在錫安山,在耶路撒冷作王;並且在他子民的眾長老面前,大有榮耀。