Shona

聖經新譯本

Isaiah

36

1Zvino negore regumi namana ramambo Hezekia, Saniheribhi mambo weAsiria, akandorwa namaguta ose aJudha akakombwa namasvingo, akaakunda.
1亞述王攻打猶大(王下18:13~18;代下32:1~9)希西家王十四年,亞述王西拿基立上來攻擊猶大所有的堅固城,並且把城攻取。
2Zvino mambo weAsiria akatuma mukuru wavatariri abve Rakishi aende Jerusaremu kuna mambo Hezekia nehondo huru. Akamira pamugero wedziva rokumusoro pamugwagwa unoenda kumunda womusuki.
2亞述王從拉吉差派拉伯沙基,帶領大軍往耶路撒冷,到希西家王那裡去。他站在上池的水溝旁,就是在往漂布地之大路上的時候,
3Ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia, waichengeta imba yamambo, naShebhina munyori naJoa mwanakomana waAsafi, gurukota guru, vakabudira kwaari.
3希勒家的兒子管家以利亞敬、書記舍伯那和亞薩的兒子史官約亞,都出來見他。
4Mukuru wavatariri akati kwavari, Zvino imwi muti kuna Hezekia, Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria, kuvimba uku kwaunovimba nako ndokwei?
4拉伯沙基的恐嚇(王下18:19~27)拉伯沙基對他們說:“你們去對希西家說:‘亞述大王這樣說:你所倚靠的算得是甚麼倚靠呢?
5Ini ndinoti, mano ako nesimba rokurwa naro mashoko zvawo asina maturo; zvino unovimba naniko, zvawandimukira ini?
5我說:你打仗所用的謀略和能力,不過是虛話罷了。你到底倚靠誰,以致你背叛我呢?
6Tarira, unovimba nomudonzvo worutsanga urwu rwakavhunika, Egipita, runoti kana munhu akasendama kwaruri, ruchapinda muruoko rwake, rukamubaya; ndizvo zvakaita Farao mambo weEgipita kuna vose vanovimba naye.
6看哪!你所倚靠的埃及,是那壓傷的蘆葦杖;人若倚靠它,它就會插進他的手,把手刺透。埃及王法老對所有倚靠他的人,也是這樣。
7Asi kana ukati kwandiri, Tinovimba naJehovha Mwari wedu, ko haazi iye akabvisirwa matunhu akakwirira namaaritari ake naHezekia, akati kuna Judha neJerusaremu, Munofanira kunamata pamberi pearitari iri here?
7你若對我說:我們倚靠耶和華我們的 神,這 神所有的邱壇和祭壇豈不是都給希西家廢去了,他還對猶大和耶路撒冷的人說:你們只要在這祭壇面前敬拜嗎?
8Naizvozvo zvino chipikiranai henyu natenzi wangu, mambo weAsiria, ndikupe mabhiza ane zviuru zviviri, kana iwe ukagona kuisa vatasvi pamusoro pawo.
8現在你可以與我的主人亞述王打賭:我給你二千匹馬,看你這一方面能否派出足夠騎馬的人來。
9Ungagona seiko kukunda mukuru mumwe kuvaduku vavaranda vatenzi wangu? Zvino wovimba neEgipita kuti upiwe ngoro namabhiza navo?
9若不能,你怎能擊退我主的臣僕中最小的軍長呢?你竟倚靠埃及的戰車和馬兵嗎?
10Ini ndauya kuzorwa nenyika ino kuti ndiiparadze ndisina Jehovha kanhi? Ndiye Jehovha akati kwandiri, Enda undorwa nenyika iyo, uiparadze.
10現在,我上來攻打這地,要把這地毀滅,豈沒有耶和華的意思嗎?耶和華曾對我說:你要上去攻打這地,把它毀滅。’”
11Ipapo Eriakimu, mwanakomana waHirikia, naShebhina, naJoa vakati kumukuru wavatariri, Tinokumbira kuti mutaure henyu navaranda venyu norurimi rwechiAramia, nekuti tinochinzwisisa; murege henyu kutaura nesu norurimi rwavaJudha, vanhu vose vari parusvingo vazvinzwe.
11以利亞敬、舍伯那和約亞對拉伯沙基說:“請你用亞蘭語對你的僕人說話,因為我們聽得懂;不要用猶大語對我們說話,免得城牆上的人民聽見。”
12Asi mukuru wavatariri akati kwaari, Tenzi wangu akandituma kuna tenzi wako nokwauri here, kuti nditaure mashoko awa? Haana kundituma here kuvanhu vagere pamusoro porusvingo, kuti vadye tsvina yavo nemvura yavo pamwechete nemi?
12但拉伯沙基說:“我主差派我來,只是對你和你的主說這些話嗎?不也是對那些坐在城牆上,要和你們一同吃自己的糞、喝自己的尿的人說嗎?”
13Ipapo mukuru wavatariri akamira, akadanidzira nenzwi guru norurimi rwavaJudha, akataura akati, Inzwai mashoko amambo mukuru, iye mambo weAsiria.
13勸降的話(王下18:28~37;代下32:9~19)於是拉伯沙基站著,用猶大語大聲呼喊說:“你們要聽亞述大王的話,
14Zvanzi namambo Hezekia, Ngaarege kukunyengerai; nekuti haangagoni kukurwirai;
14王這樣說:‘你們不要被希西家欺騙了,因為他決不能拯救你們;
15Hezekia ngaarege kukuvimbisai naJehovha, achiti, Jehovha achatirwira zvirokwazvo; guta iri haringapiwi mumaoko amambo weAsiria.
15也不要給希西家說服你們倚靠耶和華,說:耶和華必定拯救我們,這城也必不交在亞述王的手中。’
16Musateerera Hezekia, nekuti zvanzi namambo weAsiria, Yananai neni, mubudire kwandiri; mudye mumwe nomumwe muwonde wake, mumwe nomumwe mvura yetsime rake;
16不要聽希西家的話,因為亞述王這樣說:‘你們要與我和好,出來向我投降,這樣各人就可以吃自己葡萄樹和無花果樹的果子,也可以喝自己井裡的水;
17kusvikira ini ndauya ndikutorei, ndikuisei kunyika yakafanana neyenyu, nyika ine zviyo newaini, nyika ine chingwa neminda yemizambiringa.
17等到我來的時候,就會把你們領到一個與你們本地一樣的地方;就是一個有五穀和新酒的地方,一個有糧食和葡萄園的地方。
18Chenjerai kuti Hezekia arege kukugombedzerai, achiti, Jehovha achatirwira. Ko mumwe wavamwari vamarudzi akagona kurwira nyika yake paruoko rwamambo weAsiria here?
18你們要小心,免得希西家慫恿你們說:耶和華必拯救我們。列國的神有哪一位曾拯救自己的國土脫離亞述王的手呢?
19Vamwari veHamati neAripadhi varipi? Vamwari veSefarivhaimi varipi? Vakarwira Samaria paruoko rwangu here?
19哈馬和亞珥拔的神在哪裡呢?西法瓦音的神在哪裡呢?他們曾拯救撒瑪利亞脫離我的手嗎?
20Ndavapi pakati pavamwari vose venyika idzi vakarwira nyika yavo paruoko rwangu, zvamunoti Jehovha acharwira Jerusaremu paruoko rwangu?
20這些國所有的神中,有哪一位曾拯救自己的國土脫離我的手呢?難道耶和華能拯救耶路撒冷脫離我的手嗎?’”
21Asi vakaramba vanyerere, havana kumupindura shoko rimwe, nekuti murayiro wamambo wakange uchiti, Regai kumupindura.
21眾人都默不作聲,一句話也沒有回答他,因為王的吩咐說:“不要回答他。”
22Zvino Eriakimu mwanakomana waHirikia, aichengeta imba, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi, gurukota guru, vakaenda kuna Hezekia, vakabvarura nguvo dzavo, vakamuudza mashoko omukuru wavatariri.
22於是希勒家的兒子管家以利亞敬、書記舍伯那和亞薩的兒子史官約亞,都撕裂衣服,來到希西家面前,把拉伯沙基的話告訴了他。