Shona

聖經新譯本

Isaiah

46

1Bheri anowira pasi, Nebho anokotama; zvifananidzo zvavo zvezvipfuwo nemombe, zvinhu zvamaitakura zvakaitwa mutoro, wakatakudzwa zvipfuwo zvaneta.
1假神與真神的分別彼勒俯伏,尼波彎腰;巴比倫人的偶像馱在走獸和牲口上。你們所抬的現在都成了重擔,成了疲乏的牲畜身上的重負。
2Vanokotama, vanowira pasi pamwechete, vakakoniwa kununura mutoro, asi ivo vamene vakatapwa.
2它們一同彎腰、俯伏,不能保護重負,它們自己反倒被擄去了。
3Nditeererei, imwi imba yaJakove, navakasara veimba yaIsiraeri, vakatakurwa neni kubva pakuberekwa kwavo, vakatakudzwa kubva pachizvaro;
3“雅各家啊,以色列家所有餘剩的人哪!你們都要聽我的話,你們自出母腹,就蒙我懷抱;自出母胎,就蒙我提攜。
4kusvikira mukukwegura, ndini iye, ndichakutakurai kusvikira vhudzi renyu rachena; ini ndakakuitai, ndichakutakurai, zvirokwazvo ndichakusimudzai, nokukurwirai.
4直到你們年老,我還是一樣;直到你們髮白,我仍然懷抱你。我以前既然這樣作了,以後我仍必提攜你;我必懷抱你,也必拯救你。
5Muchandifananidza , nokundienzanisa , nokunditi ndakaita sani, wandingafanana naye?
5你們要把誰與我相比,誰與我相似呢?你們把誰與我比較,好使我們同等呢?
6Ivo vanodurura ndarama pahombodo, nokuyera sirivha nechiyero, vanoripira mupfuri wendarama, iye ndokuita mwari nayo; zvino vowira pasi, nokunamata.
6那些從錢袋倒出金子,用天平稱銀子的人,雇用金匠製造神像;他們向神像又俯伏又叩拜。
7Vanomusimudza pamapfudzi, vanomutakura, ndokumugadzika panzvimbo yake, iye ndokumira; haabvi panzvimbo yake, zvirokwazvo, kunyange munhu akadana kwaari, haagoni kupindura, kana kumuponesa pakutambudzika kwake.
7他們把神像抬起來,扛在肩頭上,然後把它安置在固定的地方,它就立在那裡,總不離開它的本位。雖然有人向它呼求,它也不能回答;它也不能救人脫離患難。
8Rangarirai chinhu ichi, muve varume, fungaizve chinhu ichi, imwi vadariki.
8 神言出必行“你們當記念這事,要堅定不移;悖逆的人哪!你們要留心思想。
9Rangarirai zvinhu zvapfuura zvakare; nekuti ndini Mwari, hakuna mumwe, ndini Mwari, hakuna akafanana neni;
9你們當記念上古以前的事,因為我是 神,再沒有別的神;我是 神,沒有神像我。
10iye anodanidzira kubva pakutanga izvo zvichaitika pakupedzisira, nokubva panguva yekare-kare zvinhu zvichigere kuitwa, ndichiti, Zvandakarayira zvichamira, ndichaita zvose zvandinoda;
10我從起初就宣告末後的事,從古時就述說還未作成的事,說:‘我的計劃必定成功,我所喜悅的,我都必作成。’
11ndinodana gondo ribve kumabvazuva,munhu wandakaraira abve kunyika iri kure; zvirokwazvo, ndakataura, ndichazviuyisawo, ndakazvitema, ndichazviitawo.
11我把鷙鳥從日出之地召來,就是把成就我計劃的人從遠方召來。我不但說了,而且也要使我的話實現;我不但計劃好了,而且也必實行。
12Nditeererei, imwi mune moyo mikukutu, imwi muri kure nokururama;
12心裡頑固的人哪!遠離公義的人哪!你們要聽我。
13Ndichaswededza kururama kwangu, hakungavi kure, noruponeso rwangu harunganonoki; ndichaisa ruponeso paZiyoni, nokubwinya kwangu pakati paIsiraeri.
13我使我的公義臨近了,必不遠離;我的救恩必不遲延。我要為以色列,我的榮耀,在錫安施行拯救。”