1Ndinzwei, imwi zviwi, teererai, imwi marudzi avanhu ari kure, Jehovha akandidana ndiri muchizvaro, akareva zita rangu ndichiri mudumbu ramai vangu;
1 神揀選的僕人及他的使命眾海島啊!你們要聽我的話。遠方的萬族啊!你們要留心聽。我在母胎的時候,耶和華就呼召了我;我出母腹的時候,他就提了我的名。
2akaita muromo wangu somunondo unopinza; akandivanza mumumvuri wechanza chake, akandiita museve unopenya, akandichengeta mugoba rake;
2他使我的口如快刀,把我藏在他手的陰影之下;他又使我成為磨亮的箭,把我藏在他的箭袋裡。
3akati kwandiri, Ndiwe muranda wangu; Isiraeri wandinozvirumbidza maari.
3他對我說:“你是我的僕人以色列,我要藉著你得榮耀。”
4Asi ndakati, Ndakatambura pasina, ndakapedza simba rangu pasina pazvinhu zvisina maturo; asi zvirokwazvo kururamisirwa kwangu kuri kuna Jehovha, nomubayiro wangu kuna Mwari wangu.
4但我說:“我勞碌是徒然的;我用盡氣力,是虛無虛空的;然而我當得的公理是在耶和華那裡,我的賞賜是在我的 神那裡。”
5Zvino zvanzi naJehovha, akandiumba kubva pachizvaro, kuti ndive muranda wake, ndidzosere Jakovezve kwaari, uye kuti Isiraeri vaunganidzwezve kwaari (nokuti ndinokudzwa pamberi paJehovha, Mwari wangu ndiye wava simba rangu);
5現在,耶和華說:(他自我還在母胎的時候,就造了我作他的僕人,好使雅各回轉歸向他,使以色列可以聚集到他那裡;我在耶和華眼中被看為尊貴,我的 神是我的力量。)
6zvirokwazvo, iye akati, Chinhu chiduku kuti uve muranda wangu kuti umutse marudzi aJakove, nokudzosazve vakasara vaIsiraeri; ndichapawo uve chiedza chavahedheni, kuti kuponesa kwangu kusvikire kumugumo wenyika.
6“你作我的僕人,使雅各眾支派復興,使以色列中得保全的歸回,只是小事,我還要使你作列國的光,使我的救恩傳到地極。”
7Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri waIsiraeri, noMutsvene wake, kumweya unozvidzwa , kuno anovengwa norudzi rwose, kumuranda wavabati, Madzimambo achaona ndokusimuka; machinda naiwo achanamata, nokuda kwaJehovha akatendeka, iye Mutsvene waIsiraeri, wakakusanangura.
7以色列的救贖主,以色列的聖者耶和華,對那被人藐視的、被本國憎惡的、被統治者奴役的,這樣說:“君王看見了,就必起立,領袖看見了,也要下拜,都因信實的耶和華,就是揀選了你的、以色列的聖者的緣故。”
8Zvanzi naJehovha, Ndakakupindura nenguva yakafanira, ndakakubatsira nezuva rokuponeswa; ndichakuchengeta, nokukuita sungano yavanhu, kuti umutse nyika, nokuvagarisa nhaka dzakanga dzaparadzwa;
8耶和華這樣說:“在悅納的時候,我應允了你,在拯救的日子,我幫助了你;我要保護你,使你作人民的中保,復興那地,使人承受荒涼之地作產業,
9kuti uti kuna vakasungwa, Budai; nokuna vagere murima, Zviratidzei. Vachadya zvokudya panzira, namafuro avo achava pazvikomo zvisina zvibereko.
9對那些被囚的說:‘你們出來吧!’對那些在黑暗中的人說:‘你們現身吧!’他們沿途必得餵養,一切光禿的高處必成為他們的草場。
10Havangavi nenzara kana nyota, havangabayiwi nokupiswa kunyange nezuva, nekuti iye, anovanzwira nyasha, achavatungamirira, achavafambisa pamatsime emvura.
10他們必不飢餓,也不口渴,炎熱和太陽必不傷害他們,因為那憐憫他們的,要引領他們,帶領他們到水泉的旁邊。
11Ndichaita makomo angu ose nzira, migwagwa yangu ichakwiridzwa.
11我必使我的眾山成為道路,我的大道都必被修高。
12Tarirai, vamwe vachauya vachibva kure; tarirai, vamwe vachabva kurutivi rwokumusoro nokumavirazuva, navamwe kunyika yeSinimi.
12看哪!有些人從遠方而來;看哪!有些從北方,從西方而來,還有些從色尼姆地而來。”
13Imbai, imwi denga rose, newe nyika ufare; imwi makomo imbai kwazvo, nekuti Jehovha akanyaradza vanhu vake, achinzwira tsitsi vanotambudzika.
13諸天哪!你們要歡呼。大地啊!你當快樂。眾山啊!你們要發聲歡呼。因為耶和華已經安慰了他的子民,也必憐憫他受困苦的人。
14Asi Ziyoni rakati Jehovha akandisiya, Ishe akandikangamwa.
14 神的垂顧與復興但錫安說:“耶和華離棄了我,我的主忘記了我。”
15Ko mukadzi angakangamwe mwana wake waanomwisa, akasava netsitsi nomwanakomana wechizvaro chake here? Zvirokwazvo vangakangamwa zvavo, asi ini handingakukangamwi.
15婦人怎能忘記她吃奶的嬰孩,不憐憫她親生的兒子呢?即使她們可能忘記,我也不會忘記你。
16Tarira, ndakakunyora pazvanza zvangu; masvingo ako ari pamberi pangu nguva dzose.
16看哪!我已經把你刻在我的掌上;你的城牆常常在我面前。
17Vana vako vanokurumidza; vaparadzi vako navanokuita dongo vachabuda mauri.
17重建你的要急速歸回,那些毀壞你的和那些使你荒廢的,都必離你而去。
18Ringira kose-kose nameso ako, uone; ava vose vanoungana pamwechete, vachiuya kwauri. Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, zvirokwazvo uchazvifukidza navo vose sechishongo, uchazvisunga chiuno navo somwenga.
18你舉目向四周觀看吧!他們都集合到你那裡來。耶和華說:“我指著我的永生起誓,你要披戴他們,如同披戴裝飾品;你要以他們作華帶束腰,像新婦一樣。
19Nokuti, kana ari matongo ako nenzvimbo dzako dzakasiiwa, nenyika yako yakaparadzwa, zvirokwazvo zvino haingaringani vagere mairi, navanokuminya vachava kure.
19至於你那些被毀壞荒廢之處和你那些被拆毀之地,現在給眾人居住必顯為太狹窄了,那些吞滅你的都必遠離你。
20Vana, vawakanga watorerwa, vacharamba vachiti munzeve dzako, Pano hapandiringani, ndidzivurirei nzvimbo pandingagara.
20你喪子以後所生的兒女還要說給你聽,說:‘這地方給我居住太狹窄了;求你給我預備地方居住吧!’
21Ipapo uchati mumoyo mako, Ndianiko akandiberekera ava, zvandakatorerwa vana vangu, ndiri ndoga, ndadzingwa, ndichidzungaira kose-kose? Ndianiko akarera ava? Tarirai, ndakanga ndasiiwa ndoga; ko ava vakanga varipi?
21那時你心裡必說:‘我既喪子,又不能生育;我是被擄的,又是被放逐在外的,誰給我生了這些孩子呢?誰把這些孩子養大呢?看哪!我獨自一人被撇下,這些孩子是從哪裡來的呢?’”
22Zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndichasimudzira marudzi ruoko rwangu, nokumisira vanhu mureza wangu; vachauya navanakomana vako vanavo pachipfuva chavo, navakunda vako vachatakurwa pamafudzi avo.
22主耶和華這樣說:“看哪!我必向列國舉手,我要向萬民豎立我的旗幟;他們要把你的兒子都抱在懷中帶來,把你的女兒都放在肩上背來。
23Madzimambo achava varerai; vahosi vavo madzimai enyu anokurerai vachakotama pamberi penyu zviso zvavo zvakatarira pasi, vachinanzva guruva riri patsoka dzenyu; ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha; vanondimirira havanganyadziswi.
23列國的君王要作你的養父,他們的王后必作你的保姆;他們必臉伏於地向你下拜,舐你腳上的塵土。那麼,你就知道我是耶和華,那些仰望我的決不會羞愧。”
24Ko ane simba angatorerwe zvaakapamba here, kana vatapwa vowakarurama vangarwirwa here?
24被搶去的怎能從勇士手中奪回呢?被俘擄的怎能從強暴者的手裡救出來呢?
25Asi zvanzi naJehovha, Kunyange navatapwa veanesimba vachamutorerwa, nezvakapambwa zveanotyisa zvichadzikunurwa; nekuti ndicharwa neanorwa newe, nokuponesa vana vako.
25但耶和華這樣說:“就是勇士所俘擄的,也可以奪回,強暴者所搶去的,也可以救出來;與你相爭的,我必與他們相爭;你的兒女,我卻要拯救。
26Uye ndichadyisa vamanikidzi vako nyama yavo yomene,uye vachabatwa neropa ravo, seinenge iri waini inonaka; uye nyama yose ichaziva kuti ini Jehovha, ndini Muponesi wako, noMudzikunuri wako, Anesimba waJakove.
26我要使那些欺壓你的人,吃自己的肉;他們必喝自己的血醉倒,好像喝了甜酒一樣;那麼所有的人都必知道,我耶和華是你的拯救者,是你的救贖主,是雅各的大能者。”