1Pagore rokufa kwamambo Uziya, ndakaona Ishe agere pachigaro choushe, chirefu chakakwirira, mipendero yenguvo dzake ichizadza temberi.
1以賽亞見異象烏西雅王去世那年,我看見主坐在高高的寶座上,他的衣裳垂下,充滿聖殿。
2Kumusoro kwake kwakanga kumire serafimi; imwe neimwe yakanga ina mapapiro matanhatu, neimwe mapapiro matanhatu; namaviri yakafukidza chiso chayo, namaviri yakafukidza makumbo ayo, namaviri yakanga ichibhururuka nawo.
2在他上面有撒拉弗侍立,各有六個翅膀;用兩個翅膀遮臉,兩個翅膀遮腳,兩個翅膀飛翔。
3Imwe yakadanidzira kune imwe, ichiti, Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha wehondo; nyika yose izere nokubwinya kwake.
3他們彼此高呼著說:“聖哉!聖哉!聖哉!萬軍之耶和華!他的榮光充滿全地。”
4Nheyo dzezvikumbaridzo dzikazununguka nenzwi rowakanga achidana, imba ikazadzwa noutsi.
4因呼叫者的聲音,門檻的根基震撼,殿也充滿了煙雲。
5Ipapo ndikati, Ndine nhamo! nekuti ndoparara, nekuti ndiri munhu wemiromo yakanora, ndigere pakati pavanhu vemiromo yakanora; nekuti meso angu akaona Mambo; Jehovha wehondo.
5那時我說:“我有禍了,我滅亡了!因為我是個嘴唇不潔的人,又住在嘴唇不潔的人民中間,又因為我親眼看見了大君王萬軍之耶和華。”
6Ipapo imwe serafimi yakabhururukira kwandiri, yakabata zimbe rinopfuta muruoko rwayo, rayakanga yatora nembato paaritari; ikagumura muromo wangu naro, ikati,
6有一個撒拉弗飛到我面前,手裡拿著燒紅的炭,是用火鉗從祭壇上取來的。
7Tarira, zimbe iri ragumura miromo yako, zvakaipa zvako zvabviswa, zvivi zvako zvadzikunurwa.
7他用炭沾我的口,說:“看哪!這炭沾了你的嘴唇,你的罪孽就除掉,你的罪惡就赦免了。”
8Ipapo ndakanzwa nzwi raShe richiti, Ndingatuma aniko? Ndiani angatiendera? Ipapo ndakati, Ndiri pano ini, nditumei.
8以賽亞的使命我又聽見主的聲音說:“我可以差遣誰呢?誰肯為我們去呢?”我說:“我在這裡,請差遣我。”
9Iye akati, Enda, unondoudza vanhu ava, uti, Rambai henyu muchinzwa, asi musanzwisisa, rambai henyu muchiona, asi musaonesesa.
9他說:“你去告訴這子民,說:‘你們聽了又聽,卻不明白;看了又看,卻不曉得。’
10Kodzai moyo yavanhu ava, remedzai nzeve dzavo, tsinzinisai meso avo, kuti varege kuona nameso avo, kana kunzwa nenzeve dzavo, kana kunzwisisa nemoyo yavo, vadzoke vapodzwe.
10你要使這子民的心思遲鈍,耳朵不靈,眼睛昏暗,免得他們眼睛看見,耳朵聽見,心裡明白,回轉過來,得到醫治。”
11Zvino ndakati, Ishe kusvikira rinhiko? Akapindura, akati, Kusvikira maguta ava matongo, asina vanogaramo, nedzimba dzisina munhu, nenyika yaparadzwa chose,
11於是我說:“主啊,這要到幾時為止呢?”他回答說:“直到城鎮荒涼,無人居住;房屋空置無人,地土廢棄荒涼。
12kusvikira Jehovha abvisira vanhu kure, nenzvimbo, dzashanduka matongo, dzava zhinji panyika.
12耶和華要把人遷到遠方,在這境內必有很多被撇下的地土。
13Kana kuchinge kwasara mukati mayo chegumi, naichowo chichadyiwazve; sezvakaita muterebhinti nomuouki wasiirwa hunde kana watemwa, saizvozvo rudzi rutsvene ndiyo hunde yawo.
13境內剩下的人,雖然只有十分之一,也必被消滅。但正如栗樹和橡樹,雖然被砍下,樹的餘幹還存留在那裡。這聖潔的苗裔,就是這國的餘幹。”