1Haiwa, dai maibvarura denga, mukaburuka, makomo akadedera pamberi penyu,
1求主降臨彰顯威榮願你裂天而降!(本節在《馬索拉抄本》為63:19)願群山都在你面前震動!
2sezvinoita moto kana uchipisa utsotso, nomoto kana uchivirisa mvura, kuti muzivise vadzivisi venyu zita renyu, kuti marudzi adedere pamberi penyu!
2好像火燒著乾柴,又像火把水燒開,使你的敵人認識你的名,使列國在你面前發顫。(本節在《馬索拉抄本》為64:1)
3Panguva yamakaita zvinhu zvinotyisa, zvatakanga tisina kutarira, mukaburuka, makomo akadedera pamberi penyu.
3你行了可畏的事,是我們料想不到的,那時你降臨,群山都在你面前震動。
4nekuti kubva panguva yakare vanhu havana kunzwa, kana kunzwisisa nenzeve, kunyange neziso harina kuona Mwari kunze kwenyu, iye anobatira vanomumirira.
4自認罪過從古時以來,人未曾聽過,耳未曾聞過,眼未曾見過,在你以外還有甚麼神,能為等候他的人行事的。
5Munosangana nowanofarira kuita zvakarurama, ivo vanokurangarirai panzira dzenyu; tarirai, makanga makatsamwa, nesu takatadza; takanga takadaro nguva refu, zvino tingaponeswa here?
5你善待那些喜歡行義,在你的道路上記念你的人。看哪!你曾發怒,因為我們犯了罪;這樣的情形已經很久,我們還能得救嗎?
6nekuti isu tose tava soune tsvina, kururama kwedu kose kwafanana nenguvo ine tsvina; isu tose tinooma seshizha, zvakaipa zvedu zvinotibvisa semhepo.
6我們眾人都像不潔淨的人,我們所有的義,都像污穢的衣服;我們眾人都像葉子枯乾,我們的罪孽好像風一般把我們吹去。
7Hakuna anodana zita renyu, anozvimutsa kuti akunamatireyi; nekuti makativanzira chiso chenyu, mukatinyungurusa nezvakaipa zvedu.
7沒有人呼求你的名,沒有人奮起抓著你;因為你掩面不顧我們,使我們在自己罪孽的權勢下融化。
8Asi zvino Jehovha, muri baba vedu; isu tiri ivhu, imwi muri muumbi wedu, isu tose tiri basa roruoko rwenyu.
8耶和華啊!現在你還是我們的父;我們不過是泥土,你才是陶匠;我們眾人都是你手所作的。
9Regai kutsamwa zvikuru, Jehovha, uye regai kurangarira zvakaipa zvedu nokusingaperi; tarirai, doonai, tiri vanhu venyu.
9耶和華啊!求你不要大發烈怒。不要永遠記念罪孽。求你垂看我們,我們眾人都是你的子民。
10Maguta enyu matsvene ashanduka renje, Ziyoni rava renje, Jerusaremu idongo.
10你的聖城變了曠野,錫安成了曠野,耶路撒冷成了荒場。
11Imba yedu tsvene, yakanakisa, pamakarumbidzwa namadzibaba edu, yatsva nomoto; nzvimbo dzedu dzose, dzataifarira, dzaparadzwa.
11我們那聖潔和榮美的殿,就是我們的列祖讚美你的所在,被火燒了。我們所喜愛的一切,都成了廢墟。
12Jehovha, mungazvidzora nokuda kwezvinhu izvi here? Mucharamba munyerere, muchititambudza zvikuru here?
12耶和華啊!對這些事你還忍得住嗎?你仍然緘默不言,使我們受苦到極點嗎?