1Zvino Jehovha akati kwandiri,Tora bwendefa guru, unyore pariri nepeni yavanhu, uti, Chimbidzikai kutapa, zvakapambwa zvokurumbidza.
1預言災難快到耶和華對我說:“你拿一塊大版,用通用的文字寫上‘瑪黑珥.沙拉勒.哈施.罷斯’(“瑪黑珥.沙拉勒.哈施.罷斯”意即“趕快擄掠,急速奪取”)。
2Ndichatora zvapupu zvakatendeka, zvinoti: Uriya mupristi, naZekariya mwanakomana waJebherekia.
2我要叫兩個誠實的見證人,就是烏利亞祭司和耶比利家的兒子撒迦利亞,來為我作見證。”
3Ipapo ndakaenda kumuporofitakadzi, iye akatora pamuviri, akabereka mwanakomana. Zvino Jehovha akati kwandiri Mutumidze zita rokuti, Chimbidzikai kutapa, zvakapambwa zvokurumbidza.
3我親近了女先知,就是我妻子,她就懷孕生子。耶和華對我說:“給他起名叫‘瑪黑珥.沙拉勒.哈施.罷斯’,
4nekuti mwana asati aziva kuti, baba vangu, kana mai vangu, fuma yeDhamasiko nezvakapambwa zveSamaria zvichaiswa pamberi pamambo weAsiria.
4因為在這孩子曉得喊叫父母以先,大馬士革的財寶和撒瑪利亞的擄物,必在亞述王面前被搬了去。”
5Zvino Jehovha akataurazve kwandiri, achiti,
5亞述入侵耶和華又再告訴我說:
6Vanhu ava zvavakaramba mvura yeShiroa, inonyatsa kuyerera, vachifarira Rezini nomwanakomana waRemaria;
6“這子民既然厭棄了西羅亞緩流的水,卻喜悅利汛和利瑪利的兒子,
7saka zvino, tarira, Ishe achauyisa pamusoro pavo mvura zhinji yoRwizi, ine simba yakawanda, iye mambo weAsiria nokubwinya kwake kose; ruchabuda kuhova dzarwo dzose, nokudarika nhivi dzarwo dzose;
7因此,主必使大河又強又大的水臨到他們,就是亞述王和他一切威榮,水必漲起來,高過所有的水道;水要氾濫,漫過所有的河岸;
8ruchakukura kusvikira kwaJudha; ruchapa fuma, ndokupfuura, ruchasvika pamutsipa; kutandavara kwamapapiro arwo kuchazadza kufara kwenyika yako yose, iwe Imanueri.
8然後必沖入猶大,漲溢氾濫,直到頸項,以馬內利啊!它展開的翅膀必遮遍你廣闊的地土。”
9Itai bope, imwi ndudzi, muputsweputswe; nemwi mose muri kunyika dziri kure, inzwai; zvisungei zviuno, muputswe-putswe, zvisungei zviuno, muputswe-putswe.
9列國之民啊!你們儘管作惡,但你們終必毀滅!所有在遠處的人民啊,要留心聽!你們儘管束腰吧,你們終必毀滅!你們儘管束腰吧,你們終必毀滅!
10Ranganai henyu, asi zvichakona; taurai shoko, asi haringamiri; nekuti Mwari anesu.
10你們儘管計劃陰謀吧,這些終必失敗;你們儘管提議吧,這些終必不能成立,因為 神與我們同在。
11nekuti Jehovha akataura saizvozvo neni noruoko rune simba, akandirayira kuti ndirege kufamba nenzira yavanhu ava, achiti,
11當遠離偶像與邪術耶和華以大能的手托住我,教導我不要走這子民所走的道路;他對我這樣說:
12Musati, Irangano, pamusoro pezvose zvinonzi navanhu ava, irangano; uye musatya zvavanotya, kana kuvhunduka.
12“這子民所稱為陰謀的,你們都不要稱為陰謀;他們所怕的,你們不要怕,也不要畏懼。
13Jehovha wehondo, ndiye wamunofanira kuti mutsvene; mumutye iye, mumuvhunduke iye.
13你們要尊萬軍之耶和華為聖,他是你們當怕的,也是你們當畏懼的。
14Ipapo iye achava nzvimbo tsvene yenyu; asi achava ibwe rokugumbusa nedombo rokupinganidza kudzimba dzose mbiri dzaIsiraeri, ave rugombe nomusungo kuna vanogara Jerusaremu.
14他必向信靠他的人作聖所,卻向以色列兩家作絆腳的石頭、跌人的磐石;又向耶路撒冷的居民作陷阱和網羅。
15Vazhinji vavo vachagumburwa naro, vachawa, nokuputswa, nokuteyiwa, nokubatwa.
15許多人必在其上絆跌、仆倒、跌碎,並且陷入網羅被捉住。”
16Sunga chipupuriro, namatidza murayiro nechisimbiso pakati pavadzidzi vangu.
16你要捲起律法書,在我的門徒中間封住訓誨。
17Ndichamirira Jehovha, anovanzira imba yaJakove chiso chake, ndichamutsvaka.
17我要等候那掩面不顧雅各家的耶和華,我要仰視他。
18Tarirai, ini navana vandakapiwa naJehovha, tiri zviratidzo nezvishamiso pakati paIsiraeri zvaJehovha wehondo, agere mugomo reZiyoni.
18看哪!我和耶和華賜給我的孩子,在以色列中作預兆與奇蹟,都是從住在錫安山的萬軍之耶和華來的。
19Zvino kana vachiti kwamuri, bvunzai masvikiro navavuki, vanorira nokuita zevezeve: Ko vanhu havafaniri kubvunza Mwari wavo here? Ko vanofanira kubvunza vakafa pamusoro pavapenyu here?
19有人對你們說:“要求問那些交鬼的和行巫術的,就是那些喃喃細語的人。”一族之民不應當求問自己的 神嗎?他們怎能為活人求問死人呢?
20Dzokerai kumurayiro nokuzvipupuriro! Kana vasingatauri sezvinoreva shoko iri, havangavi nechiedza chamangwanani.
20他們應當求問 神的訓誨和法度;他們若不照著這些準則說話,就見不到曙光。
21Vachafamba nenyika vakamanikidzwa kwazvo, vane nzara; zvino kana vane nzara, vachava neshungu, vachatuka mambo wavo naMwari wavo, vachitarira kudenga.
21他們必經過這地,受困迫、受飢餓;他們飢餓的時候,就惱怒,咒罵自己的王和自己的 神;
22Vachatarirawo pasi, asi tarirai, vachaona njodzi nerima, nokusviba kokumanikidzwa; vachadzingirwa kurima guru.
22他們仰臉向天觀望,又俯視大地,只見困苦、黑暗、可怕的幽暗;他們必被趕入幽黑的黑暗中。