1Mashoko aJeremiya, mwanakomana waHirikia, waiva worudzi rwavapristi vaiva paAnatoti panyika yaBhenjamini.
1耶利米的蒙召便雅憫地亞拿突城的一位祭司,希勒家的兒子耶利米的話記在下面。
2Shoko raJehovha rakauya kwaari pamazuva aJosiya, mwanakomana waAmoni, mambo waJudha, negore regumi namatatu rokubata kwake ushe.
2猶大王亞們的兒子約西亞作王第十三年,耶和華的話臨到耶利米。
3Rikauyawo pamazuva aJehoiakimu, mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, kusvikira pakupera kwegore regumi nerimwe raZedhekia, mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, kusvikira pakutapwa kwaveJerusaremu nomwedzi wechishanu.
3從猶大王約西亞的兒子約雅敬年間,直到猶大王約西亞的兒子西底家末年,就是第十一年五月,耶路撒冷人被擄的時候,耶和華的話也常臨到耶利米。
4Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,
4耶和華的話臨到我,說:
5Ndakakuziva ndisati ndakuumba mudumbu ramai, ndakakuita mutsvene usati wabuda muchizvaro chamai, ndakakugadza kuti uve muporofita wamarudzi avanhu.
5“我使你在母腹中成形以先,就認識你;你還未出母胎,我已把你分別為聖,立你作列國的先知。”
6Ipapo ndakati, Haiwa, Ishe Mwari, tarirai, handigoni kutaura, nekuti ndiri mwanana hangu.
6我就說:“主耶和華啊!我不曉得說話,因為我年輕。”
7Asi Jehovha akati kwandiri, Usati ndiri mwanana; nekuti kuna ani naani wandinenge ndichikutuma, unofanira kuenda, nechinhu chipi nechipi chandinenge ndichikuraira, unofanira kuchitaura.
7耶和華對我說:“你不要說:‘我年輕’,因為無論我差你到誰那裡,你都要去;無論我吩咐你說甚麼,你都要說。
8Usatya nokuda kwavo, nekuti zvanzi naJehovha, ndinewe, kuti ndikurwire.
8你不要怕他們,因為我與你同在,要拯救你。”這是耶和華的宣告。
9Ipapo Jehovha akatambanudza ruoko rwake, akabata muromo wangu; Jehovha akati kwandiri, Tarira, ndaisa mashoko angu mumuromo mako.
9於是耶和華伸手按著我的口,對我說:“看哪!我把我的話放在你口中。
10Tarira, ndakugadza zuva ranhasi uve nesimba pamusoro pamarudzi nopoushe, kuti udzure nokukoromora, kuparadza nokuwisira pasi, kuvaka nokurima.
10今日我立你在列邦列國之上,為要拔出、拆毀、毀滅、傾覆,又要建立和栽植。”
11Ipapo shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti, Jeremiya, unoonei? Ndikati, Ndinoona davi romuamanda.
11兩個異象耶和華的話又臨到我,說:“耶利米,你看見甚麼?”我說:“我看見一根杏樹枝子。”
12Ipapo Jehovha akati kwandiri,Waona zvakanaka; nekuti ndinosvinurira shoko rangu, kuti ndiriite.
12耶和華對我說:“你看得不錯,因為我要留意使我的話成就。”
13Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri rwechipiri, richiti, Unoonei? Ndikati, Ndinoona gate rinovira, muromo waro unotarira kuno uri kurutivi rwokumusoro.
13耶和華的話再次臨到我,說:“你看見甚麼?”我說:“我看見一個沸騰的鍋,鍋口從北面向南傾側。”
14Ipapo Jehovha akati kwandiri, Kurutivi rwokumusoro ndiko kuchabuda zvakaipa zvichawira vanhu vose vagere panyika ino.
14耶和華對我說:“必有災禍從北方發出,臨到這地所有的居民。
15nekuti zvanzi naJehovha, Tarirai, ndinodana marudzi ose oushe ari kurutivi rwokumusoro; achauya, rumwe norumwe ruchaisa chigaro charwo choushe pavanopinda pamasuwo eJerusaremu, namasvingo aro kumativi ose napamaguta ose aJudha, kuzorwa nawo.
15看哪!我要呼召北方列國的眾族,他們要來,各人在耶路撒冷的城門口,設立自己的座位,攻擊耶路撒冷周圍的城牆,又攻擊猶大各城鎮。”這是耶和華的宣告。
16Ndichareva zvandakavatongera pamusoro pezvakaipa zvavo zvose, zvavakandirasha, vakapisira vamwe vamwari zvinonhuhwira, vakanamata mabasa amaoko avo.
16“為了他們的一切惡事,就是離棄我,向別神燒香,叩拜自己手所做的,我要宣判他們的罪。
17Zvino iwe, chizvisunga chiuno, usimuke, uvaparidzire zvose zvandakakuraira; usavhunduka zviso zvavo, kuti ndirege kukuvhundusa pamberi pavo.
17耶和華安慰且鼓勵耶利米“因此,你要束腰,你要起來,把我吩咐你的一切話,都告訴他們。不要因他們驚惶,不然我就使你在他們面前驚惶。
18nekuti tarira, ndakakuita zuva ranhasi guta rakakomberedzwa, nembiru yedare, namasvingo endarira, urwe nenyika yose, namadzimambo aJudha, namachinda avo, navapristi vavo, navanhu venyika.
18看哪!今日我使你成為堅城、鐵柱、銅牆,抵擋全地,就是抵擋猶大的君王、首領、祭司和這地的眾民。
19Vacharwa newe, asi havangakukundi, nekuti ini ndinewe, kuti ndikurwire ndizvo zvinotaura Jehovha.
19他們必攻擊你,卻不能勝過你,因為我與你同在,要拯救你。”這是耶和華的宣告。